RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 August p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Tinotarisira Amagedhoni Nemufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Ramba Wakatendeka ‘Pakutambudzika Kukuru’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 August p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Basa rekuparidza mashoko akanaka richapera riini?

Jesu akataura kuti: “Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.” (Mat. 24:14) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “mugumo” muvhesi iri uyewo muvhesi 6 ne13, nderekuti teʹlos. Shoko iri rinoreva kuguma kuchaita nyika yaSatani paAmagedhoni. (Zvak. 16:​14, 16) Saka ticharamba tichiparidza mashoko akanaka kusvika panenge pava kuda kutanga Amagedhoni. Izvi zvinogadzirisa manzwisisiro ataimboita.

Kare taiti tichamira kuparidza mashoko akanaka kana kutambudzika kukuru kwatanga. Kutambudzika kukuru kuchatanga pacharwiswa Bhabhironi Guru. (Zvak. 17:​3, 5, 15, 16) Taifunga kuti kana kutambudzika kukuru kwangotanga, Jehovha anenge asingachapi vanhu mukana wekuti vateerere mashoko akanaka. “Gore rekufarirwa naJehovha” rinenge rapera. (Isa. 61:2) Taifungawo kuti vaya vachapona pakutambudzika kukuru vanofanira kunge varatidza kuti vakatendeka kuna Jehovha kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Taivafananidza nevaJudha vakapona pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. VaJudha ivavo vakanga vakaiswa chiratidzo chekuti vapone nekuti vainamata Jehovha uye vaivenga zvakaipa. (Ezek. 5:11; 9:4) Asi kufananidza uku kwataiita hakuenderani nezvakataurwa naJesu zviri pana Mateu 24:14. Pavhesi iri Jesu akaratidza kuti vanhu vanogona kuwana mukana wekuteerera mashoko akanaka chero bedzi mugumo usati wasvika paAmagedhoni.

Manzwisisiro atava kuita Mateu 24:14 anoita kuti tigadzirisewo manzwisisiro atinoita nyaya inotaurwa pana Zvakazarurwa 16:21 yemashoko akaita sechimvuramabwe. Ongororo yatakaita inoratidza kuti mavhesi maviri aya anopindirana. Chinoita kuti tidaro ndechekuti Bhaibheri rinotsanangura kuti vanhu vanoita sei pavanonzwa mashoko akanaka. Pauro akanyora kuti mashoko akanaka ‘kunhuhwirira kweupenyu kune vaya vari kuponeswa.’ Asi kuvavengi vaMwari, haasi mashoko akanaka, asi atori “kunhuhwa kwerufu.” (2 VaK. 2:​15, 16) Vavengi vaMwari vanoda nyika ino. Saka panoparidzwa mashoko eUmambo ekuti nyika ino yakaipa, inotongwa naSatani uye kuti ichaparadzwa, vanobva vavenga mashoko acho.—Joh. 7:7; 1 Joh. 2:17; 5:19.

Uyewo pana Zvakazarurwa 16:21 panotaura kuti ‘chimvuramabwe chikuru chaidonha chichibva kudenga.’ Izvi zvinogona kunge zvichireva kuti mashoko eUmambo paachange achiparidzwa achawedzera kutaura zvinhu sezvazviri uye vanhu vakawanda vachanzwa nezvawo. Izvozvo zvichaita kuti vakawanda vazive zita raJehovha. (Ezek. 39:7) Panguva iyoyo, pashure pekunge Bhabhironi Guru raparadzwa, zvingaitika here kuti mashoko akanaka achaita sekunhuhwirira kwakanaka kune vamwe, voafarira? Zvinogona kudaro. Zvimwe vanogona kudzidza kana kuyeuka kuti kwemakore akawanda, Zvapupu zvaJehovha zvaizivisa nezvekuparadzwa kwezvitendero zvenhema.

Izvi zvakafanana nezvakaitika muIjipiti pashure pekunge Matambudziko Gumi aitika. Jehovha paakapa “mutongo kuvanamwari vese veIjipiti,” pane “boka guru revamwe vanhu vakasiyana-siyana” vakanga vasiri vaIsraeri rakabatana nevanhu vake. (Eks. 12:​12, 37, 38) Vanhu ivavo vanogona kunge vakasarudza kuenda nevanhu vaJehovha pavakaona kuti Matambudziko Gumi akataurwa naMozisi akanga aitika.

Vaya vanenge vasarudza kushumira Jehovha pashure pekunge Bhabhironi Guru raparadzwa, vanowana mukana wekutsigira hama dzaKristu dzinenge dzichiri panyika. Izvozvo ndizvo zvinozoita kuti vanzi makwai. (Mat. 25:​34-36, 40) Asi mukana iwoyo unopera vakazodzwa vanenge vachiri panyika pavanowana mubayiro wavo wekuenda kudenga, nguva pfupi Amagedhoni isati yatanga.

Kugadziriswa kwaitwa manzwisisiro atinoita nyaya iyi kunonyatsoratidza kudzama kwerudo rwaJehovha uye tsitsi dzake. Tinonyatsoona kuti “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakupfidza zvivi zvavo.”—2 Pet. 3:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe