NYAYA YEKUDZIDZA 37
RWIYO 114 “Ivai Nemwoyo Murefu”
Tingaita Sei Kana Tikasabatwa Zvakanaka?
“Akaramba achitarisira kuti patongwe zvakarurama, asi paitongwa zvisina kururama.”—ISA. 5:7.
ZVATICHADZIDZA
Tichakurukura zvaiitwa naJesu paaiona vanhu vachibatwa zvisina kunaka uye kuti tingamutevedzera sei.
1-2. Vanhu vakawanda vanoita sei pavanoona vanhu vasingabatwe zvakanaka uye tichapindura mibvunzo yekutii?
PANYIKA pakazara nevanhu vanobata vamwe zvisina kunaka. Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vasabatwe zvakanaka, zvakadai sekuti vapfumi here kana kuti varombo, vanhukadzi here kana kuti vanhurume, kwavanobva kana kuti rudzi rwavo. Mamwe matambudziko anokonzerwa nevezvemabhizinesi uyewo vatungamiriri vehurumende vanongofunga zvakavanakira uye vane uori. Zvese izvi zviri kubata-bata upenyu hwedu kana kuti hwevamwe vanhu vatinoziva.
2 Hazvitishamisi patinoona vakawanda vachiita hasha nekusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vanhu. Munhu wese anoda kubatwa zvakanaka uye kurarama asina chekutya. Vamwe vanhu vanomira-mira kuti vaedze kugadzirisa zvinhu. Vanoenda kunoratidzira vachiratidza kusafara nezvinenge zvichiitika kana kutsigira vamwe vatungamiriri vehurumende vanenge vachivimbisa kuti vachagadzirisa zvinhu. Asi isu sevaKristu tinodzidziswa kuti ‘hatisi venyika’ uye tinofanira kumirira Umambo hwaMwari kuti hupedze udzvinyiriri hwese. (Joh. 17:16) Kunyange zvazvo tichiziva kuti zvichagadziriswa, zvinotirwadza uye zvinotishatirisa patinoona vamwe vanhu vachibatwa zvisina kunaka. Saka unogona kunge uchinetseka kuti: ‘Ndodii? Pane zvandingaita here iye zvino nezvenyaya iyi?’ Tisati tapindura mibvunzo iyi, ngatitangei nekuona kuti Jehovha naJesu vanonzwa sei pavanoona vanhu vachibatwa zvisina kunaka.
JEHOVHA NAJESU HAVADI KUONA VANHU VACHIBATWA ZVISINA KUNAKA
3. Nei tichigumburwa nekusabatwa zvakanaka kwevanhu? (Isaya 5:7)
3 Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa kuti nei vanhu vachigumbuka pavanoona vamwe vachibatwa zvisina kunaka. Rinoratidza kuti Jehovha akatisika nemufananidzo wake uye kuti “anoda kururama uye kutonga zvakarurama.” (Pis. 33:5; Gen. 1:26) Hapana waanobata zvisina kunaka uye hapana waanoda kuti abate vamwe zvisina kunaka. (Dheut. 32:3, 4; Mika 6:8; Zek. 7:9) Semuenzaniso, panguva yakararama muprofita Isaya, Jehovha akanzwa kuchema kwaiita vaIsraeri nekuti vaisabatwa zvakanaka nevamwe verudzi rwavo. (Verenga Isaya 5:7.) Jehovha haana kungosiya zvakadaro, asi akaranga vaya vairamba vachityora mitemo yake uye vachidzvinyirira vamwe.—Isa. 5:5, 13.
4. Jesu anonzwa sei paanoona mumwe munhu achibatwa zvisina kunaka? (Onawo mufananidzo.)
4 Jesu anoda kuti vanhu vabatwe zvakanaka, sezvinongoita baba vake Jehovha. Rimwe zuva Jesu akaona murume akanga akaremara, aiva neruoko rwakanga rwakakokonyara. Jesu akamubatsira nekuti ane tsitsi. Asi vatungamiriri vezvitendero vaiva nemwoyo yakaoma saka havana kufadzwa nazvo. Vakanga vasina basa nekutambura kwaiita murume uyu. Chavaingoda ndechekuti vanhu vatevedzere maonero avaiita mutemo weSabata. Jesu akanzwa sei paakaona maitiro avo iwayo? Akarwadziwa “nekuoma kwemwoyo yavo.”—Mako 3:1-6.
Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaisanzwira vanhu tsitsi asi Jesu aiva netsitsi (Ona ndima 4)
5. Nei tisingafaniri kuramba takatsamwa kana paine zvakaipa zvinenge zvaitika?
5 Jehovha naJesu vanotsamwa pavanoona vanhu vachibatwa zvisina kunaka, saka kana tikatsamwa patinoona vanhu vachibatwa zvisina kunaka, hazvina hazvo kuipa. (VaEf. 4:26; ona study note iri muBhaibheri reChirungu rekudzidza yakanzi “Be wrathful.”) Zvinonzwisisika kana tikatsamwa patinoona vanhu vachibatwa zvisina kunaka, asi hazvirevi kuti kutsamwa ikoko ndiko kuchagadzirisa zvinhu. Kana tikasadzora hasha dzedu uye kana tikangoramba takatsamwa, tinogona kupedzisira takanganisa utano hwedu. (Pis. 37:1, 8; Jak. 1:20) Saka tingaita sei nekusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vanhu? Tinogona kudzidza kubva pane zvakaitwa naJesu.
JESU AKAITA SEI PAAIONA VANHU VACHIBATWA ZVISINA KUNAKA?
6. Vanhu vaibatwa sei Jesu paaiva panyika? (Onawo mufananidzo.)
6 Jesu paaiva panyika, akaona vanhu vakawanda chaizvo vachibatwa zvisina kunaka. Paiva nevatungamiriri vezvitendero vaidzvinyirira vanhu. (Mat. 23:2-4) Uyewo paiva nehurumende yeRoma yaiitira vanhu utsinye. VaJudha vakawanda vakanga vaneta nekudzvinyirirwa neRoma. Saka vamwe vakabatana nemapoka aida kurwisa vaRoma, akadai sebato reVashingairi. Asi Jesu haana bato raakatanga kana raakatsigira. Paakaziva kuti vanhu vaida kumuita mambo, akabva ipapo akaenda kwake ega.—Joh. 6:15.
Jesu akaramba kubatanidzwa mune zvematongerwo enyika zvaiitwa panguva yaakararama (Ona ndima 6)
7-8. Nei Jesu asina kuedza kupedza matambudziko ese evanhu paaiva panyika? (Joh. 18:36)
7 Jesu haana kuedza kubatana nevezvematongerwo enyika kuti agadzirise dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevanhu. Nei? Aiziva kuti vanhu havana kodzero yekuzvitonga, uye havatokwanisi kuzvitonga. (Pis. 146:3; Jer. 10:23) Uyewo havakwanisi kubvisa wacho ari kukonzera dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevanhu. Satani Dhiyabhorosi ndiye ari kutonga pasi rese. Ane utsinye, uye vanhu vakawanda vari kumutevedzera. (Joh. 8:44; VaEf. 2:2) Uyewo chivi chatiinacho chinoita kuti kunyange vatungamiriri vanenge vachida kubatsira vanhu dzimwe nguva vakundikane kuita zvavanenge vakaronga.—Mup. 7:20.
8 Jesu aiziva kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchabvisa matambudziko ese ari panyika uye zvinoakonzera. Saka aishanda nesimba uye aiita nguva yakawanda “achiparidza nekuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.” (Ruka 8:1) Akanyaradza ‘vaiva nenzara nenyota yekururama,’ achivaudza kuti dambudziko reuori, nekusabatwa zvakanaka kwevanhu raizopera. (Mat. 5:6 uye study note iri muBhaibheri rekudzidza reChirungu; Ruka 18:7, 8) Asi Umambo hwaMwari chete ndihwo hunokwanisa kuita izvozvo, uye “hahusi hwenyika ino.”—Verenga Johani 18:36.
TEVEDZERA JESU PAUNOBATWA ZVISINA KUNAKA
9. Chii chinoita kuti uve nechokwadi chekuti Umambo hwaMwari huchapedza dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevanhu?
9 Mazuva ano matambudziko atowedzera kupfuura panguva yairarama Jesu panyika. Asi kungofanana nepanguva yakararama Jesu, Satani nevanhu vakaipa ndivo vari kukonzera matambudziko ari panyika. (2 Tim. 3:1-5, 13; Zvak. 12:12) Kungofanana naJesu, tinoziva kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchabvisa zvinhu zviri kukonzera kuti vanhu vasabatwe zvakanaka. Tinonyatsovimba neUmambo hwaMwari, saka hatiratidzire kana kuvimba kuti hurumende dziripo ndidzo dzichagadzirisa dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevanhu. Chimbofunga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Stacy.a Asati adzidza chokwadi, Stacy aigara achibatana nevanhu vaiita zvekuratidzira. Asi nekufamba kwenguva, akatanga kusava nechokwadi chekuti zvaaiita izvozvo zvaizoita kuti vanhu vatange kubatwa zvakanaka here. Anoti: “Patainge tichiratidzira, ndaizozvibvunza kuti zvandiri kuita izvi ndizvo zvandinofanira kunge ndichiita here? Iye zvino ndava kutsigira Umambo hwaMwari, saka ndava kunyatsoziva kuti zvandiri kuita ndizvo zvandinofanira kuita. Inini hapana zvandinogona kuita kuti ndipedze dambudziko rekudzvinyirirwa kwevanhu, asi ndinonyatsoziva kuti Jehovha chete ndiye anogona kuripedza.”—Pis. 72:1, 4.
10. Maererano naMateu 5:43-48 nei tisingaedzi kuchinja mitemo kana kuti kubvisa hurumende? (Onawo mufananidzo.)
10 Vanhu vakawanda vanobatana nemapoka anoedza kuchinja hurumende. Vakawanda vavo vanopedzisira vava kuita hasha, vava kutyora mutemo uye vava kukuvadzisa vamwe. Izvozvo hazvisirizvo zvatakadzidziswa naJesu kuti tiite. (VaEf. 4:31) Imwe hama inonzi Jeffrey inoti: “Ndinoziva kuti vanhu vanogona kutanga vachiratidzira zvine runyararo, asi pasina nguva vanenge vava kurwisana, kuparadza zvinhu, kuba uye kukuvadzana.” Asi Jesu akatidzidzisa kuti tide vanhu vese, kunyange vaya vanotipikisa kana kuti vanotitambudza. (Verenga Mateu 5:43-48.) SevaKristu, tinoita zvese zvatinogona kuti titevedzere zvakaitwa naJesu.
Zvinotoda ushingi kuti tirambe tisina kwatinotsigira panyaya dzezvematongerwo enyika (Ona ndima 10)
11. Nei dzimwe nguva zvisiri nyore kutevedzera Jesu?
11 Tinoziva kuti Umambo hwaMwari huchapedza dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevanhu, asi dzimwe nguva zvinogona kutiomera kuti titevedzere Jesu patinobatwa zvisina kunaka. Chimbofunga nezvaJaniya, uyo akambosangana nedambudziko rekusarurwa. Anoti: “Ndakagumbuka zvekugumbuka zviya. Zvakandirwadza uye ndaida kuti vanhu vaindibata zvisina kunaka varangwe. Ndakabva ndafunga kubatana nevanhu vairatidzira vachishora rusaruro. Ndaiona sekuti izvozvo ndizvo zvaizoita kuti hasha dzangu dziserere.” Nekufamba kwenguva, Janiya akazoona kuti aifanira kuchinja maonero aaiita zvinhu. Anoti: “Ndakazoona kuti ndaingotevedzera vanhu, ndichiteerera zvavaitaura uye ndichivimba navo pane kuvimba naJehovha. Saka ndakasarudza kusiyana nevanhu ivavo.” Kunyange zvazvo zvichitirwadza patinobatwa zvisina kunaka kana kuti patinoona vanhu vachibatwa zvisina kunaka, tinofanira kudzidza kudzora hasha dzedu, toramba tisina divi ratinotsigira.—Joh. 15:19.
12. Nei tichifanira kungwarira nyaya dzatinoverenga munhau kana kuti paIndaneti?
12 Chii chingatibatsira kuti tirambe takadzikama patinobatwa zvisina kunaka? Chimwe chatinogona kuita kungwarira zvatinoverenga, zvatinoteerera uye zvatinoona. Dzimwe nyaya dzinoiswa paIndaneti dzinenge dziine mamwe mashoko ekuwedzeredza uye ekunyunyuta nezvinenge zvichiitwa nehurumende. Kakawanda kacho vanyori venhau vanonyora maonero avo kwete zvinhu zvinenge zvanyatsoitika. Kunyange vakanyora vachitaura zvinhu chaizvo zvakaitika, kuramba tichiverenga nyaya dzacho kune zvakunobatsira here? Kana tikaita nguva yakawanda tichiverenga, kuteerera, kana kuti kuona nyaya dzakadaro tinogona kupedzisira taora mwoyo kana kutogumbuka. (Zvir. 24:10) Chakatonyanya kuipa ndechekuti tinopedzisira takanganwa kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchapedza kusabatwa zvakanaka kwevanhu.
13. Kuverenga Bhaibheri mazuva ese kunotibatsira sei kuti tizive zvekuita patinoona vamwe vachibatwa zvisina kunaka?
13 Kuverenga Bhaibheri mazuva ese uye kufungisisa zvatinenge taverenga zvichatibatsira kuziva zvekuita panyaya yekusabatwa zvakanaka kwevanhu. Imwe hanzvadzi inonzi Alia yaibatikana chaizvo payaiona vanhu vachibatwa zvisina kunaka kwayaigara. Zvaiita sekuti vanhu vaivabata zvisina kunaka vaingosiyiwa vakadaro. Alia anoti: “Ndakazogara pasi ndikazvibvunza kuti, ‘Ndinonyatsozvibvuma here kuti Jehovha achagadzirisa matambudziko aya?’ Panguva iyoyo ndipo pandakazoverenga Jobho 34:22-29. Magwaro iwayo akandiyeuchidza kuti Jehovha anoona zvinhu zvese. Ndiye ega anogona kutonga zvakarurama, uye ndiye ega achanyatsogadzirisa zvinhu.” Asi patiri kumirira kuti Umambo hwaMwari hubvise udzvinyiriri, pane zvatinofanirawo kuita iye zvino. Zvii zvatingaita?
ZVATINGAITA IYE ZVINO
14. Zvii zvatingaita kuti tisabatanidzirwewo pakubata vanhu zvisina kunaka? (VaKorose 3:10, 11)
14 Hatigoni kuchinja kusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vanhu. Asi pane zvatinogona kuita kuti tibate vanhu zvakanaka. Sezvambotaurwa munyaya ino, tinotevedzera Jesu nekuratidza kuti tinoda vanhu, saka tinoedza kubata vanhu vese zvakanaka kusanganisira vaya vanotitambudza. (Mat. 7:12; VaR. 12:17) Jehovha anofara kana tikabata vanhu vese zvakanaka tisingasaruri.—Verenga VaKorose 3:10, 11.
15. Kudzidzisa vanhu chokwadi chiri muBhaibheri kunobatsira sei pakuderedza dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevanhu?
15 Chinonyanya kukosha chatingaita panyaya iyi ndechekudzidzisa vanhu Bhaibheri. Nei tichidaro? Nekuti kana vanhu vakadzidza Bhaibheri vanogona kuchinja maitiro avo votanga kubata vamwe zvakanaka. (Isa. 11:6, 7, 9) Mumwe murume anonzi Jemal paakanga asati adzidza Bhaibheri, akabatana nerimwe boka raipandukira hurumende yavaiona sekuti yaidzvinyirira vanhu. Anoti: “Haungamanikidze vanhu kuchinja. Inini handina kumanikidzwa kuti ndichinje asi chokwadi chandaidzidza muBhaibheri ndicho chakaita kuti ndichinje.” Zvaakadzidza zvakamuchinja, zvikamubatsira kuti asiyane nezvekurwa. Kana vanhu vakawanda vakachinjwa nechokwadi chiri muBhaibheri zvichaita kuti pave nevanhu vashoma vanobata vamwe zvisina kunaka.
16. Chii chinoita kuti ude kuudza vamwe nezveUmambo hwaMwari?
16 Tichitevedzera Jesu, tinoudza vanhu kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchagadzirisa dambudziko iri zvachose. Kuziva izvozvo kunogona kunyaradza vanhu vakambobatwa zvisina kunaka. (Jer. 29:11) Stacy ambotaurwa nezvake anoti: “Ndava kuziva kuti Mwari achapedza kutambura kwese, saka handichanyanye kunetseka pandinobatwa zvisina kunaka kana kuti pandinoona vamwe vachibatwa zvisina kunaka. Jehovha anoshandisa Bhaibheri kuti anyaradze vanhu vari kubatwa zvisina kunaka.” Asi kuti tibatsire vamwe kuziva mashoko anonyaradza ari muBhaibheri tinofanira kunge takanyatsogadzirira. Kana uchinyatsobvuma kuti zvinotaurwa neMagwaro ari munyaya ino ndezvechokwadi zvichaita kuti unge wakagadzirira matauriro auchaita nezvenyaya iyi kana ikamuka kuchikoro kana kuti kubasa.b
17. Jehovha anotibatsira sei kuti tizive zvekuita iye zvino patinoona vanhu vachibatwa zvisina kunaka?
17 Chero bedzi Satani achiri iye “mutongi wenyika ino” ticharamba tichibatwa zvisina kunaka. Asi tiri kutarisira kuti zvinhu zvichanaka, nekuti Jehovha anovimbisa kuti achatibatsira iye zvino uye kuti achaparadza Satani, “mutongi wenyika ino,” obvisa zvakaipa zvese. (Joh. 12:31) Patinoverenga Bhaibheri, tinoudzwa kuti Jehovha anonzwa sei nekusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vanhu uye nekushungurudzika kwavari kuita. (Pis. 34:17-19) Saka achishandisa Mwanakomana wake, Jehovha anotidzidzisa kuti toita sei patinobatwa zvisina kunaka uye kuti Umambo hwake hwava kuda kupedza udzvinyiriri zvachose. (2 Pet. 3:13) Dai tikaramba tichishanda nesimba pakuparidza mashoko akanaka eUmambo, uye toramba tichitarisira kuona nyika ichizara nekutonga zvakanaka uye kururama.—Isa. 9:7.
RWIYO 158 “Harinonoki!”
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Onawo mashoko ekuwedzera A nhamba 24-27 mubhurocha raIva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi.