RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 October pp. 2-5
  • 1925​—⁠Makore 100 Apfuura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1925​—⁠Makore 100 Apfuura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VAIFANIRA KURAMBA VAKAMIRIRA
  • KUWEDZERA ZVITESHI ZVEREDHIYO
  • KUWEDZERA KUNZWISISA CHOKWADI
  • KUPUPURA NEZVAJEHOVHA
  • KUDZOKERA KUNOONA VANHU VAKAFARIRA
  • KUTARISA MBERI
  • 1924​—Makore 100 Apfuura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zivisai Mambo Noumambo! (1919-1941)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuparidza Pachena Napaimba Neimba
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • 1922—Makore 100 Apfuura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 October pp. 2-5
Hama nehanzvadzi dzakawanda dzichitorwa pikicha dziri panze penzvimbo yakaitirwa gungano muIndianapolis, kuIndiana muna 1925.

Gungano rakaitwa muIndianapolis, kuIndiana muna 1925

1925​—⁠Makore 100 Apfuura

NHARIREYOMURINDI yeChirungu yaJanuary 1, 1925 yakati: “Tine zvinhu zvinokosha zvatiri kutarisira kuti zvichaitika gore rino.” Nyaya yacho yakazotaurawo kuti: “Asi hatifaniri kunyanya kuisa pfungwa pane zvinhu zvatiri kutarisira kuti zvingangoitika. Kana tikadaro, zvinogona kutivhiringa torega kuita basa riri kudiwa naIshe kuti tiite.” Zvii zvaitarisirwa neVadzidzi veBhaibheri kuti zvaizoitika muna 1925? Uye zvii zvavakaita kuti varambe vachishanda nesimba pabasa raIshe pasinei nekuti zvavaitarisira hazvina kuitika?

VAIFANIRA KURAMBA VAKAMIRIRA

Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vaifunga kuti nyika yaizova Paradhiso muna 1925. Chii chaiita kuti vafunge kudaro? Hama Albert Schroeder, avo vakazoshumira muDare Rinotungamirira vakatsanangura kuti: “Taifunga kuti muna 1925, vakazodzwa vaizoenda kudenga uye vashumiri vaMwari vakatendeka vakadai saAbrahamu naDhavhidhi vaizomutswa votanga kutungamirira panyika.” Izvozvo pazvisina kuitika, dzimwe hama nehanzvadzi dzakaora mwoyo.—Zvir. 13:12.

Pasinei nekuti vamwe vavo vakaora mwoyo, Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vakaramba vachiparidza. Vakatanga kuona kuti kuparidza nezvaJehovha ndicho chinhu chinonyanya kukosha chavaifanira kuita. Iye zvino ngatimboongororai kuti vakashandisa sei redhiyo kuti vaparidzire vanhu vakawanda.

KUWEDZERA ZVITESHI ZVEREDHIYO

Muna 1924, vanhu vakawanda vakateerera nhepfenyuro yeWBBR. Saka muna 1925, Vadzidzi veBhaibheri vakavaka chimwe chiteshi pedyo neguta reChicago, kuIllinois. Chiteshi ichi chainzi WORD uye chaitepfenyura kusvika kunzvimbo dziri kure. Ralph Leffler uyo akabatsira pakuvaka chiteshi ichi akataura kuti: “Manheru munguva yechando, vakawanda vaiva munzvimbo dziri kure vaiteerera nhepfenyuro iyi.” Izvi ndizvo zvakaitwa neimwe mhuri yaigara muguta rinonzi Pilot Station kuAlaska. Guta iri riri kure nemakiromita 5 000 kubva paiva nechiteshi cheWORD. Mhuri iyi yakateerera chimwe chirongwa chakatanga kutepfenyurwa neWORD ichibva yanyora tsamba ichitenda kuti purogiramu yacho yakavakurudzira uye yakavabatsira kuziva zvakawanda nezvaMwari uye Bhaibheri.

Kuruboshwe: Zvinhu zvaishandiswa kutepfenyura pachiteshi cheWORD muguta reBatavia, kuIllinois

Kurudyi: Ralph Leffler achishanda pachiteshi cheWORD

Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1925, yakatsanangura zvaiita kuti vanhu vakawanda vakwanise kunzwa zvaitepfenyurwa neWORD. Yakati: “Chiteshi cheWORD chinoshandisa mawatts 5 000 uye ndechimwe chezviteshi zveredhiyo zvemuUnited States zvinokwanisa kutepfenyura kusvika kunzvimbo dziri kure. Vanhu vari muUnited States mese, kuCuba uyewo kunyange kuchamhembe kweAlaska vanokwanisa kunzwa zvirongwa zvinotepfenyurwa neWORD. Vanhu vakawanda vava kuda kudzidza zvakawanda nezvechokwadi nemhaka yekuti vari kuteerera nhepfenyuro iyi.”

George Naish

Panguva iyoyo, Vadzidzi veBhaibheri vaidawo kushandisa redhiyo kuparidza mashoko akanaka muCanada. Muna 1924 chiteshi cheredhiyo chinonzi CHUC chakavakwa muguta reSaskatoon, riri mupurovhinzi yeSaskatchewan. Chiteshi ichi chaiva pakati pezviteshi zveredhiyo zvekutanga kutepfenyura zvinhu zvechitendero muCanada. Pakazosvika 1925, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava kufanira kutsvaga nzvimbo yakakura yekushandisa pakutepfenyura. Saka sangano rakatenga chivakwa chinonzi Regent Building, icho chaiva muSaskatoon. Chivakwa ichi chaimboshandiswa kuonera mafirimu saka vakachigadzirisa kuti nhepfenyuro yeCHUC itange kutepfenyurira ipapo.

Nhepfenyuro iyi yakabatsira vanhu vakawanda vaigara munzvimbo dzine vanhu vashoma dzekuSaskatchewan kuti vatange kunzwa mashoko akanaka. Mumwe mukadzi aigara mutaundi riri kure paakateerera chimwe chirongwa, akabva anyora tsamba achikumbira mabhuku. Hama George Naish vakataura kuti: “Tsamba yake yairatidza kuti aida kukurumidza kubatsirwa saka takamutumira mabhuku ese aStudies in the Scriptures.” Pasina nguva, mukadzi uyu akanga ava kutoparidza mashoko eUmambo achitosvika kune dzimwe nzvimbo dziri kure.

KUWEDZERA KUNZWISISA CHOKWADI

Nharireyomurindi yeChirungu yaMarch 1, 1925, yaiva nenyaya inokosha yaiti “Kuberekwa Kworudzi.” Nei nyaya iyi yaikosha chaizvo? Vadzidzi veBhaibheri vaiziva kuti Satani ane sangano rake. Musangano rake mune madhimoni ari kudenga, zvitendero zvenhema, vanhu vemabhizinesi, uye vezvematongerwo enyika. Asi “muranda akatendeka, akangwara,” akashandisa nyaya iyi kubatsira hama kunzwisisa kuti Jehovha anewo sangano rake, rakatosiyana zvachose neraSatani uye rinopikisana neraSatani. (Mat. 24:45) Uyewo muranda akatsanangura kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa muna 1914 uye mugore iroro, ‘pakaitika hondo kudenga.’ Satani nemadhimoni ake vakabva vadzingwa kudenga vachibva vakandirwa panyika.—Zvak. 12:​7-9.

Vamwe Vadzidzi veBhaibheri vaiomerwa nekubvuma tsanangudzo iyi. Asi nyaya iyi yakanga yagara yataura kuti: “Kana paine vaverengi veNharireyomurindi vasingabvumirane netsanangudzo iyi, vanofanira kuva nemwoyo murefu vachivimba naIshe uye voramba vachimushumira vakatendeka.”

Tom Eyre aiva mucolporteur (ava kunzi piyona mazuva ano). Aibva kuBritain uye akataura kuti Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vakanzwa sei pavakaverenga nyaya iyoyo. Akati: “Hama dzakafara chaizvo padzakanzwa tsanangudzo iyi yaZvakazarurwa 12. Patakanzwisisa kuti Umambo hwakanga hwagadzwa kudenga, takafara zvekuti taida kuudza vamwe mashoko aya akanaka. Takabva tada kuwedzera kushanda nesimba pakuparidza uye zvakatibatsira kuona kuti Jehovha aizotiitira zvinhu zvakawanda zvinoshamisa mune ramangwana.”

KUPUPURA NEZVAJEHOVHA

Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsoziva mashoko ari pana Isaya 43:10 ekuti: “‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘Mushumiri wangu wandakasarudza.’” Gore ra1925 risati rasvika vhesi iri rakanga risati rambonyanya kutaurwa nezvaro mumabhuku edu. Asi zvinhu zvakanga zvava kuda kuchinja. Magazini 11 dzeNharireyomurindi dza1925 dzakataura nezvaIsaya 43:10 na12.

Mwedzi waAugust 1925 wava kunopera, Vadzidzi veBhaibheri vakaita gungano muIndianapolis, kuIndiana muU.S.A. Hama Joseph F. Rutherford vakanyora mashoko ekugamuchira vanhu vaizouya kugungano. Mashoko acho akaprindwa papurogiramu yegungano racho uye aiti: “Tauya pagungano rino kuti tipiwe . . . simba naIshe rekuti tidzokere kundima tava nechido chakasimba chekuti tipupure nezvake.” Pagungano iroro remazuva 8, hama dzakakurudzirwa kuti dzipupure nezvaJehovha pese padzaiwana mukana.

Musi weMugovera, 29 August, Hama Rutherford vakapa hurukuro yaiva nemusoro wekuti “Handei Kubasa.” Muhurukuro yacho vakataura nezvekukosha kwebasa rekuparidza. Vakati: “Jehovha ari kuti kuvanhu vake . . . : ‘Muri zvapupu zvangu . . . ini ndini Mwari.’ Uye anobva avapa murayiro wakajeka wekuti: ‘Simudzirai marudzi chiratidzo.’ Hakuna vamwe vanhu vari panyika vanokwanisa kusimudzira marudzi chiratidzo kunze [kwevanhu vake], nekuti vane mweya waIshe, uye ndivo zvapupu zvake.”—Isa. 43:12; 62:10.

Turakiti raiva nemashoko aiva mugwaro rinonzi “Shoko reTariro.”

Turakiti rainzi Shoko reTariro

Hama Rutherford pavakapedza hurukuro yavo vakaverenga gwaro raiva nemusoro wekuti “Shoko reTariro.” Vanhu vese vakabvumirana nemashoko aiva pagwaro iroro ekuti Umambo hwaMwari ndihwo hwega hunokwanisa kuita kuti vanhu vawane “rugare, vabudirire, vave neutano hwakanaka, upenyu husingaperi, rusununguko uye mufaro usingaperi.” Gwaro iri rakazoshandurwa richiiswa mune mimwe mitauro rikabva raprindwa seturakiti rekushandisa muushumiri. Maturakiti anoda kusvika mamiriyoni 40 akapiwa vanhu.

Vadzidzi veBhaibheri vakanga vava kunzwisisa kuti vanofanira kupupura nezvaJehovha. Asi zvakatora makore kuti vazochinja zita ravo kuti vanzi Zvapupu zvaJehovha.

KUDZOKERA KUNOONA VANHU VAKAFARIRA

Vadzidzi veBhaibheri pavaiwedzera kuwanda pasi rese, vaikurudzirwawo kuti vadzokere kunoona vanhu vakanga varatidza kufarira mashoko akanaka. Pashure pemushandirapamwe wekupa vanhu turakiti raShoko reTariro, Bulletina yakataura kuti: “Rongai kudzokera kunoona vanhu vamakapa turakiti raShoko reTariro.”

Bulletin yaJanuary 1925 yaiva nemushumo wemumwe Mudzidzi weBhaibheri wekuPlano, iri kuTexas, muU.S.A. Mushumo wacho waiti: “Tiri kuona kuti patinodzokera kunoparidza munzvimbo dzatakamboparidza, tinowana vanhu vakawanda vanofarira kupfuura vatinowana patinoparidza munzvimbo dzatisati tamboparidza. Pane kamwe kataundi kari mundima medu katakaparidzira ka5 mumakore 10 adarika. . . . Munguva ichangodarika, Hanzvadzi Hendrix naamai vangu vakadzokera kunoparidza mukataundi ikako uye vakapa vanhu mabhuku akawanda kupfuura zvatati tamboita.”

Uyewo mumwe mucolporteur wekune imwe nyika inonzi Panama akanyora kuti: “Ndakaona kuti vanhu vakawanda vanenge vamboramba kuteerera pandinotanga kuvaparidzira vanozobvuma pandinozodzokera kechipiri kana kuti kechitatu. Gore rakapera nguva yangu yakawanda ndakaishandisa pakudzokera kunoona vanhu vandakanga ndamboshanyira uye vamwe vavo vari kufarira chaizvo mashoko akanaka.”

KUTARISA MBERI

Pakapera gore ra1925, Hama Rutherford vakanyorera macolporteur tsamba vachitaura zvakanga zvaitwa gore iroro pabasa rekuparidza uye zvavaifanira kuzoita. Vakati: “Mugore rino ra1925 makawana ropafadzo yekunyaradza vanhu vakawanda vakanga vakasuwa. Basa iri rakaita kuti mufare chaizvo . . . Muna 1926 muchava nemikana yekupupura nezvaMwari neumambo hwake uye wekuratidza kuti ndimi vanamati vake. . . . Saka tese ngatisimudzei manzwi edu tichiimbira Mwari wedu uye Mambo wedu.”

Gore ra1925 rava kunopera, hama dzakanga dzava kuronga kuwedzera zvivakwa zvepaBheteri rekuBrooklyn. Muna 1926 vaizotanga kuita basa guru rekuvaka rakanga risati ramboitwa nesangano.

Hama dzichitanga kuvaka chimwe chivakwa.

Kuvaka zvivakwa zvepaBheteri muna Adams Street, muBrooklyn, kuNew York, muna 1926

a Yava kunzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe