RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 November pp. 28-29
  • “Chengeta Kubatana Kwemweya”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Chengeta Kubatana Kwemweya”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘EDZAI NEPAMUNOGONA NAPO’ KUCHENGETA KUBATANA
  • “Jehovha Mumwe chete” Anounganidza Mhuri Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kubatana kwevaKristu Kunokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Chengeta Chinzwano Mumazuva Ano Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kuchengeta Humwe Hwedu hwechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 November pp. 28-29
Hama nehanzvadzi dziri kudya pamwe chete kumba kweimwe hama.

“ Chengeta Kubatana Kwemweya”

MUAPOSTORA PAURO akakurudzira vaKristu vaiva muEfeso kuti ‘vanzwisisane murudo, vachiedza nepavanogona napo kuchengeta kubatana kwemweya muchisungo cherugare.’—VaEf. 4:​2, 3.

Vhesi iri rinoratidza kuti mweya mutsvene ndiwo unoita kuti pave nekubatana pakati pedu. Asi sezvakataurwa naPauro, kubatana ikoko kunofanira kuchengetedzwa. Kunofanira kuchengetedzwa naani? Iri ibasa remuKristu wese. Mumwe nemumwe wedu anofanira kushanda nesimba kuti ‘achengete kubatana kwemweya.’

Ngatitii mumwe munhu anokupa mota itsva. Ndiani anenge aine basa rekuchengeta mota iyoyo? Ndiwe. Kana mota iyoyo ikafa nemhaka yekuti watadza kuibata zvakanaka, haungambopi mhosva munhu akakupa mota yacho.

Ndizvo zvazvakaitawo nekubatana kwatakaita muungano. Kubatana kwatakaita chipo chinobva kuna Jehovha. Asi mumwe nemumwe wedu ane zvaanofanira kuita kuti tirambe takabatana. Kana tisiri kuwirirana neimwe hama kana hanzvadzi tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Zvii zvandiri kuita kuti ndigadzirise nyaya yacho kuitira kuti tirambe takabatana muungano?’

‘EDZAI NEPAMUNOGONA NAPO’ KUCHENGETA KUBATANA

Mashoko akanyorwa naPauro anoratidza kuti dzimwe nguva hazvisi nyore kuti tirambe tichiwirirana nehama nehanzvadzi dzedu, kunyanya kana paine anenge atigumbura. Saka kuti tive nerugare, tinotofanira kuenda kunotaurirana nemunhu wacho here kuti tigadzirise nyaya yacho? Aiwa, hapasi pese patinofanira kudaro. Unogona kuzvibvunza kuti, ‘Kana ndikaenda kunotaura naye zvichaita kuti tibatane here kana kuti nyaya yacho ichatowedzera kuipa?’ Dzimwe nguva zviri nani kungosiyana nenyaya yacho kana kungoregerera munhu wacho.—Zvir. 19:11; Mako 11:25.

Mifananidzo: Hama iri kusarudza kuregerera imwe hama. 1. Ichipopoterwa neimwe hama. 2. Ichifunga zvaitwa nehama yacho. 3. Ichiverenga Bhaibheri uye ichifungisisa zvayaverenga.

Unogona kuzvibvunza kuti, ‘Kana ndikaenda kunotaura naye, zvichaita kuti tibatane here kana kuti nyaya yacho ichatowedzera kuipa?’

Muapostora Pauro akanyorawo kuti tinofanira kuramba ‘tichinzwisisana murudo.’ (VaEf. 4:2) Rimwe bhuku rinotaura kuti mashoko iwayo anogona kushandurwa kuti “kungobvuma kuti mumwe munhu ndozvaari.” Izvi zvinoreva kuti tinofanira kunzwisisa kuti hama nehanzvadzi dzedu vanhu vanokanganisa sezvatinongoitawo isusu. Tese zvedu tiri kuedza kupfeka “unhu hutsva.” (VaEf. 4:​23, 24) Asi kunyange zvakadaro, tese tinokanganisa. (VaR. 3:23) Kana tikagara tichiyeuka izvozvo zvichatiitira nyore kuti tinzwisisane, toregererana, zvoita kuti ‘tichengete kubatana kwemweya.’

Kana tikaregerera hama dzedu, tosarudza kusaisa pfungwa pane zvinhu zvavanoita zvinotigumbura, zvichatibatsira kuti ‘tichengete kubatana kwemweya muchisungo cherugare.’ Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “chisungo” pana VaEfeso 4:3 rakashandurwa kuti “marunda” kana kuti “madzira” pana VaKorose 2:19. Marunda inyama dzakasimba dzinobatanidza mabhonzo. Rudo nerugare zvakaita semarunda iwayo pakuti ndizvo zvinotibatanidza nehama nehanzvadzi dzedu zvoita kuti tirambe tiine ushamwari navo pasinei nekuti takasiyana pamaonero atinoita zvinhu kana kuti pamaitiro atinoita zvinhu.

Saka kana mumwe munhu waunonamata naye akaita zvinhu zvinokugumbura kana kuti zvinokusvota, edza kumunzwisisa pane kungoisa pfungwa pane zvakaipa zvaanenge aita. (VaK. 3:12) Tese zvedu tiri vanhu vanokanganisa, saka newewo une pawakatomboitawo chimwe chinhu chakagumbura mumwe munhu. Kuyeuka izvozvo kuchakubatsira kuti ushande nesimba kuti ‘uchengete kubatana kwemweya.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe