RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 December pp. 2-7
  • Bhuku raJobho Rinogona Kukubatsira Paunosangana Nematambudziko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku raJobho Rinogona Kukubatsira Paunosangana Nematambudziko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MWARI AKABVUMIRA KUTI JOBHO ATAMBURE
  • NYAYA YAJOBHO INOTIBATSIRA SEI KUTI TITSUNGIRIRE?
  • SHANDISA BHUKU RAJOBHO KUBATSIRA VAMWE
  • Jobho Akarumbidza Zita raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tarisira Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 18—Jobho
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJobho
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 December pp. 2-7

NYAYA YEKUDZIDZA 48

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

Bhuku raJobho Rinogona Kukubatsira Paunosangana Nematambudziko

“Zvechokwadi, Mwari haaiti zvakaipa.”—JOB. 34:12.

ZVATICHADZIDZA

Tichaona kuti tinodzidzei kubva mubhuku raJobho nezvenyaya yekuti nei Mwari achibvumira vanhu kuti vatambure uyewo kuti zvii zvatingaita kuti titsungirire patinenge tichisangana nematambudziko.

1-2. Nei tichifanira kuverenga bhuku raJobho?

WAKAMBOVERENGA bhuku raJobho here munguva pfupi yadarika? Kunyange zvazvo bhuku iri rakanyorwa makore anenge 3 500 adarika, vanhu vakawanda vanoriona serimwe remabhuku akanyorwa zvakanaka chaizvo kudarika mamwe ese. Vanhu vanorumbidza munyori webhuku iri nekuti anoshandisa mashoko ari nyore kunzwisisa, akanaka uye anobaya mwoyo. Mozisi ndiye akanyora bhuku iri asi Jehovha Mwari ndiye aimuudza zvekunyora.—2 Tim. 3:16.

2 Bhuku raJobho rinokosha chaizvo muBhaibheri. Nemhaka yei? Rinotiudza nezvenyaya inokosha chaizvo yekuti vanhu nengirozi vanofanira kusarudza kuti vanoda Jehovha here kana kuti vacharumbidza zita rake here. Rinotidzidzisawo kuti Jehovha ndiMwari akaita sei nekuti rinotaura nezverudo rwake, uchenjeri hwake, kutonga kwaanoita zvakarurama uyewo simba rake. Semuenzaniso, bhuku raJobho rinotaura nezvaJehovha richimuti “Wemasimbaose” ka31. Izvi zvinopfuura kushandiswa kunoitwa shoko iri mumabhuku ese ari muBhaibheri abatanidzwa. Bhuku raJobho rinopindurawo mibvunzo inokosha yemuupenyu. Mumwe mubvunzo wacho unonetsa vanhu vakawanda ndewekuti: Nei Mwari achibvumira vanhu kuti vatambure?

3. Zvii zvimwe zvatinodzidza kubva mubhuku raJobho?

3 Tinogona kuenzanisa kuverenga bhuku raJobho nekukwira pamusoro pegomo. Kana wakamira pamusoro pegomo, unokwanisa kunyatsoona zvinhu zvakakupoteredza. Patinoverenga bhuku raJobho, tinokwanisa kunyatsoona zvakanaka kuti Jehovha anoona sei kutambura kwatinenge tichiita. Iye zvino, ngationei kuti bhuku raJobho ringatibatsira sei patinosangana nematambudziko. Tichadzidzawo kuti vaIsraeri vaigona kubatsirwa sei nenyaya yaJobho uye kuti nyaya iyi ingatibatsirawo sei mazuva ano. Tichadzidzawo kuti tingashandisa sei bhuku raJobho kubatsira vamwe.

MWARI AKABVUMIRA KUTI JOBHO ATAMBURE

4. Jobho akanga akasiyana papi nevamwe vaIsraeri vaiva kuIjipiti?

4 VaIsraeri pavaiva varanda muIjipiti, kwaiva nemumwe murume ainzi Jobho aigara munyika yeUzi, iyo yaiva nechekuchamhembe kweArabhiya. Kusiyana nevamwe vaIsraeri vakanga vatanga kunamata zvidhori muIjipiti, Jobho aishumira Jehovha akatendeka. (Josh. 24:14; Ezek. 20:8) Jehovha akataura nezvaJobho achiti: “Hakuna akafanana naye panyika.”a (Job. 1:8) Jobho akanga akapfuma chaizvo uye akanga akakurumbira kupfuura vamwe vanhu vese vekumabvazuva. (Job. 1:3) Satani anofanira kunge aisvotwa chaizvo paaiona murume iyeye aizivikanwa uye airemekedzwa chaizvo nevanhu, achishumira Mwari akaperera.

5. Nei Jehovha akabvumira Jobho kuti atambure? (Jobho 1:​20-22; 2:​9, 10)

5 Satani akataura kuti Jobho aizosiya kunamata kwakachena kana akasangana nematambudziko. (Job. 1:​7-11; 2:​2-5) Jehovha aida Jobho chaizvo, asi akabvumira Satani kuti aratidze kuti zvaaitaura nezvaJobho zvaiva zvechokwadi here kana kuti zvaiva zvenhema. (Job. 1:​12-19; 2:​6-8) Satani akaparadza zvipfuwo zvese zvaJobho, akaurayisawo vana vake vese vari 10, uye akaita kuti Jobho aite mamota muviri wese. Asi kunyange zvazvo Satani akaita kuti Jobho atambure kudaro, Jobho akaramba achishumira Jehovha akatendeka. (Verenga Jobho 1:​20-22; 2:​9, 10.) Nekufamba kwakazoita nguva, Jehovha akaita kuti Jobho avezve neutano hwakanaka, upfumi hwake uye mukurumbira waaiva nawo. Akaitawo kuti Jobho ave nevamwe vana 10 uye akaita kuti akwanise kurarama kwemamwe makore 140. Izvi zvakaita kuti Jobho akwanise kuona vazukuru vake uyewo vazukuru vavo. (Job. 42:​10-13, 16) Vashumiri vaJehovha vakararama kare vaigona kubatsirwa sei nenyaya yaJobho uye tingabatsirwawo sei nenyaya iyi mazuva ano?

6. VaIsraeri vaigona kubatsirwa sei nekunzwisisa kuti nei Mwari achibvumira kutambura? (Onawo mufananidzo.)

6 Valsraeri vaigona kubatsirwa sei? Nyaya yaJobho yaigona kubatsira vaIsraeri nekuti vakanga vatambura chaizvo muIjipiti. Semuenzaniso, Joshua naKarebhi vakaita makore akawanda vari varanda. Uye pasinei nekuti vakanga vasina chavakanga vatadza, vaifanira kuita makore 40 vari murenje. Kana kuri kuti vaIsraeri vakanzwa nezvenyaya yaJobho, inofanira kunge yakavabatsira ivo nezvizvarwa zvakazotevera kuti vanzwisise kuti ndiani anoita kuti vanhu vatambure. Nyaya yaJobho yaigona kuvabatsirawo kuti vanzwisise kuti nei Mwari achibvumira kutambura uye kuti Jehovha anoda vaya vanoramba vakatendeka kwaari kunyange pazvinenge zvakaoma uye kuti anovapa mubayiro.

Murume wechiIsraeri achifungisisa paari kuronga zvidhinha muIjipiti. Nechekumashure kune vaIjipiti vari kurova vamwe vaIsraeri vari kushanda nesimba.

VaIsraeri, avo vakanga vava nemakore akawanda vari varanda muIjipiti, vanofanira kunge vakazonzwa nezvenyaya yaJobho. Zvakaitika kwaari zvinofanira kunge zvakavabatsira chaizvo (Ona ndima 6)


7-8. Bhuku raJobho ringabatsira sei vaya vanenge vachisangana nematambudziko? Taura muenzaniso.

7 Isu tinobatsirwa sei? Zvinosuwisa kuti mazuva ano vanhu vakawanda havachanamati Mwari nekuti vanonetseka kuti nei vanhu vakanaka vachisangana nezvinhu zvakaipa. Chimbofunga zvakaitika kuna Hazelb wekuRwanda. Paaiva mudiki, aitenda muna Mwari. Asi akatanga kusangana nematambudziko akawanda muupenyu hwake. Vabereki vake vakarambana uye mai vake vakabva varoorwa nemumwe murume. Murume iyeye aiitira Hazel utsinye. Pava paya, mumwe murume akamubata chibharo. Hazel aienda kuchechi achida kunyaradzwa, asi hazvina zvazvakabatsira. Hazel akazonyora tsamba achiudza Mwari kuti: “Ndaiisa minamato kwamuri, ndaiedza kuita zvakanaka, asi imi makaita kuti nditambure. Saka ndava kukusiyai uye ndichaita chero zvichaita kuti ndifare.” Tinorwadziwa chaizvo patinoona vanhu vakaita saHazel, avo vakaudzwa zvenhema nezvaMwari zvekuti vava kutofunga kuti ndiye anoita kuti vatambure.

8 Asi isu takadzidza kubva mubhuku raJobho kuti Mwari haasiriye anokonzera kutambura. Satani ndiye anokonzera kutambura! Takadzidzawo kuti patinoona vanhu vanenge vachitambura, hatifaniri kufunga kuti vari kukohwa zvavakadyara. Magwaro anodzidzisa kuti vanhu vese vanosangana “nezvinhu zvavasingatarisiri panguva yavasingafungiri.” (Mup. 9:11; Job. 4:​1, 8) Uye takadzidzawo kuti patinoramba tichishumira Jehovha takatendeka pasinei nematambudziko atinenge tichisangana nawo, tinoita kuti Jehovha akwanise kupindura Satani. Uye patinoita izvozvo, tinenge tichitoratidzawo kuti Satani murevi wenhema. (Job. 2:3; Zvir. 27:11) Tinokoshesa chaizvo zvinhu izvi zvatakadzidza nekuti zvinotibatsira kuziva chokwadi nezvekuti nei isu nehama neshamwari dzedu tichisangana nematambudziko. Pava paya, Hazel akazodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye akasvika pakunzwisisa kuti Mwari haasiriye aiita kuti atambure. Hazel akati: “Ndakanyengetera kuna Mwari ndichimuudza zvaiva pamwoyo pangu. Ndakaudza Jehovha kuti pandakataura kuti ndakanga ndava kumusiya, hazvisirizvo hazvo zvandaida kuita. Nyaya yakanga iripo ndeyekuti ndakanga ndisingamuzivi. Iye zvino ndava kunzwisisa kuti Jehovha anondida uye ndava kufara chaizvo muupenyu.” Tinotenda chaizvo kuti tinoziva kuti nei Mwari achibvumira kutambura. Iye zvino ngatichikurukurai kuti nyaya yaJobho ingatibatsira sei isu pachedu patinosangana nematambudziko.

NYAYA YAJOBHO INOTIBATSIRA SEI KUTI TITSUNGIRIRE?

9. Tsanangura zvakaitika kuna Jobho. (Jakobho 5:11)

9 Fungidzira Jobho akagara ari ega ari mumadota, aine mamota kubva panhongonya kusvika pasi petsoka. Ganda rake rasviba uye riri kufunuka uye muviri wake wapera zvisingaiti nekurwara kwaari kuita. Jobho akarukutika uye akagara pasi achizvikwenya nezvimedu zvemudziyo wevhu. Mashoko aari kutaura ari kuratidza kuti ari kurwadziwa zvisingaiti. Pasinei nekutambura kwese kwaari kuita, Jobho ari kuramba achitsungirira. (Verenga Jakobho 5:11.) Chii chakabatsira Jobho kuti atsungirire?

10. Chii chinoratidza kuti Jobho aiva akasununguka kutaura naJehovha?

10 Jobho akaudza Jehovha zvaiva pamwoyo pake. (Job. 10:​1, 2; 16:20) Chitsauko 3 chinotiudza kuti Jobho akanyunyuta nezvematambudziko aakanga asangana nawo uye aifunga kuti Jehovha ndiye ainge akonzera matambudziko iwayo. Uyewo, Jobho paakanga ava kuita nhaurirano neshamwari dzake nhatu, Jobho akaramba achitaura kuti akanga akatendeka uye kakawanda kacho aitaura mashoko aya achiudza Jehovha. Mashoko aJobho anoratidza kuti pane nguva yaakambofunga kuti akanga akarurama kupfuura Mwari. (Job. 10:​1-3; 32:​1, 2; 35:​1, 2) Asi Jobho akazotaura kuti mamwe mashoko aakataura achida kuedza kuratidza kuti akanga asina mhosva aiva ‘mashoko ekuvhurumuka.’ (Job. 6:​3, 26) Muchitsauko 31, tinoverenga kuti Jobho aida kuti Mwari amupindure achimuudza kuti akanga asina mhosva. (Job. 31:35) Asi paaitodaro, Jobho aitokanganisa.

11. Jehovha akapindura sei zvakataurwa naJobho?

11 Patinoverenga nyaya yaJobho, tinoona kuti Jobho akataura zvaakataura kuna Jehovha nekuti aiva neushamwari hwakasimba naye uye aiziva kuti Jehovha aizomutonga zvakarurama. Jehovha akazoita kuti pave nedutu uye akapindura Jobho. Asi Jehovha paakamupindura, haana kumutsanangurira kuti nei akasangana nematambudziko ese aakasangana nawo. Haanawo kuranga Jobho nekuti akanga ataura zvaiva pamwoyo pake uye haana kumurangirawo kuti akanga ataura kuti haana mhosva. Asi Jehovha akarayira Jobho sababa vari kurayira mwanakomana wavo. Uye zvakaitwa naJehovha zvakanga zvakanaka. Zvakabatsira Jobho kuti azvininipise uye abvume kuti akanga aine zvakawanda zvaakanga asingazivi. Jobho akabva ataura kuti aidemba mashoko aakanga ataura. (Job. 31:6; 40:​4, 5; 42:​1-6) Nyaya iyi yaigona kubatsira sei vanhu vaJehovha vakararama kare uye ingatibatsirawo sei isu mazuva ano?

12. VaIsraeri vaigona kubatsirwa sei nenyaya yaJobho?

12 VaIsraeri vaigona kubatsirwa sei? VaIsraeri vanogona kunge vakanzwa zvakaitika kuna Jobho. Semuenzaniso, funga nezvaMozisi. Aifanira kutsungirira matambudziko akawanda paaitungamirira vaIsraeri. Kakawanda, vaIsraeri vaisateerera Jehovha uye izvozvo zvaiita kuti Mozisi aore mwoyo. Asi kusiyana nevaIsraeri ivavo vaiwanzonyunyutira Jehovha zvinhu pazvainge zvakaoma, Mozisi ainyengetera kuna Jehovha achikumbira kuti abatsirwe sezvaiita Jobho. (Eks. 16:​6-8; Num. 11:​10-14; 14:​1-4, 11; 16:​41, 49; 17:5) Zvakaitika kuna Jobho zvinofanira kunge zvakabatsirawo Mozisi paakatsiurwa naJehovha. Semuenzaniso, vaIsraeri pavaiva vakadzika musasa paKadheshi, zvichida mugore rechi40 vari murenje, Mozisi akataura “asina kufunga” uye akatadza kukudza zita raJehovha. (Pis. 106:​32, 33) Izvozvo zvakabva zvaita kuti Jehovha ape Mozisi chirango chekuti aisazopinda muNyika Yakapikirwa. (Dheut. 32:​50-52) Mozisi anofanira kunge akarwadziwa chaizvo nechirango chaakapiwa, asi akangozvininipisa akazvigamuchira uye akadzidza kubva pane zvaakanga akanganisa. Nyaya yaJobho yaigonawo kubatsira vaIsraeri vakatendeka vaizorarama pashure penguva yaMozisi. Pavaizofungisisa nezvenyaya iyi, vaIsraeri vakatendeka vaigona kudzidza kuti vaikwanisa kuudza Jehovha zviri pamwoyo pavo. Uyewo vaizoyeuka kuti vakanga vasina kururama kupfuura Jehovha. Vaigona kudzidzawo kuti vaifanira kuzvininipisa, voteerera Jehovha paanovatsiura.

13. Nyaya yaJobho ingatibatsira sei kuti titsungirire? (VaHebheru 10:36)

13 Isu tinobatsirwa sei? SevaKristu, tinofanirawo kutsungirira. (Verenga VaHebheru 10:36.) Semuenzaniso, vamwe vedu vari kurwara, vari kushushikana mupfungwa, vane matambudziko mumhuri, vakafirwa nehama kana shamwari, kana kuti vane rimwewo dambudziko rakakura ravari kusangana naro. Uyewo dzimwe nguva, zvinhu zvinotaurwa nevamwe nezvavanoita zvinogona kuita kuti zvitowedzera kutiomera kutsungirira dambudziko ratiinaro. (Zvir. 12:18) Asi nyaya yaJobho inotidzidzisa kuti tinogona kuudza Jehovha zviri pamwoyo pedu tiine chivimbo chekuti achatinzwa. (1 Joh. 5:14) Asi kana zvikaitika kuti patinenge tichiedza kumuudza zviri pamwoyo pedu, tobva tataura ‘mashoko ekuvhurumuka’ sezvakaitwa naJobho, haazombotipi mhosva. Asi Mwari achatipa simba neuchenjeri zvatinoda kuti titsungirire. (2 Mak. 16:9; Jak. 1:5) Anogonawo kutiruramisa sezvaakaita Jobho. Bhuku raJobho rinotidzidzisawo zvatingaita kuti titsungirire patinotsiurwa kana kuti patinorangwa. Jehovha anogona kutitsiura achishandisa Shoko rake, vakuru vari muungano, kana kuti shamwari dzedu. (VaH. 12:​5-7) Jobho akabatsirwa chaizvo paakazvininipisa akabvuma kururamiswa naJehovha. Isuwo tinobatsirwa patinozvininipisa, tobvumawo kururamiswa. (2 VaK. 13:11) Tine zvakawanda chaizvo zvatinodzidza kubva mubhuku raJobho. Asi iye zvino ngatikurukurei kuti tingashandisa sei nyaya yaJobho kubatsira vamwe.

SHANDISA BHUKU RAJOBHO KUBATSIRA VAMWE

14. Patinenge tiri muushumiri tingatsanangurira sei vanhu kuti nei tichitambura?

14 Wakambosangana here nemumwe munhu muushumiri achibva akubvunza kuti nei panyika pakazara kutambura? Wakamupindura sei? Pamwe unogona kunge wakamuudza zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya yakaitika mumunda weEdheni. Zvimwe wakatanga nekumutsanangurira kuti imwe ngirozi yakaipa inonzi Satani yakanyepera vanhu vaviri vekutanga zvichibva zvaita kuti vapandukire Mwari. (Gen. 3:​1-6) Uyewo pamwe wakazomuudza kuti pashure pekunge Adhamu naEvha vapanduka, panyika pakabva pazara nhamo uyewo rufu. (VaR. 5:12) Pamwe wakazopedzisawo nekumutsanangurira kuti Mwari ari kupa mukana wekuti zvibude pachena kuti zvakataurwa naSatani ndezvenhema uyewo wekuti vanhu vazive mashoko akanaka ekuti Mwari achabvisa kutambura, vanhu vorarama nekusingaperi. (Zvak. 21:​3, 4) Iyi inzira yakanaka yekupindura mubvunzo uyu uye yakabatsira vanhu vakawanda kuti vazive chokwadi nezvekuti nei vanhu vachitambura.

15. Tingashandisa sei bhuku raJobho kubatsira mumwe munhu anenge atibvunza kuti nei vanhu vachitambura? (Onawo mifananidzo.)

15 Tinogonawo kushandisa nyaya yaJobho kutsanangurira vamwe kuti nei vanhu vachitambura. Unogona kutanga nekutenda munhu wacho nekubvunza kwaaita mubvunzo iwoyo. Zvadaro, unogona kumuudza kuti mumwe murume akatendeka ainzi Jobho akasangana nematambudziko akawanda uye akatombonetsekawo nenyaya iyoyo. Akatombofungawo kuti matambudziko ake aikonzerwa naMwari. (Job. 7:​17-21) Munhu waunenge uchitaura naye anogona kutoshamisika kuti vanhu vava nenguva yakareba kudaro vachinetseka nemubvunzo uyu. Unogonawo kumutsanangurira kuti Mwari haasiriye akakonzera matambudziko aJobho, asi ndiDhiyabhorosi. Dhiyabhorosi akanga ataura kuti vanhu vanongoshumira Jehovha nekuti Mwari ane zvaanovapa, asi kana vakasangana nenhamo, vanorega kushumira Mwari. Unogona kumuudza kuti kunyange zvazvo Mwari asiriye akaita kuti Jobho atambure, akazvibvumira nekuti anoziva kuti kune vanhu vakatendeka kwaari vanomushumira nemwoyo wese uye aida kupa vanhu ivavo mukana wekuti varatidze kuti Satani murevi wenhema. Unogona kuzopedzisa nekumutsanangurira kuti nekufamba kwakazoita nguva, Mwari akakomborera Jobho nekuti akaramba akatendeka. Saka tinogona kunyaradza vanhu nekuvabatsira kuti vazive kuti kutambura kwese hakubvi kuna Jehovha.

Mifananidzo: 1. Mukadzi ari kushungurudzika akabata pikicha raawana mumadota. 2. Pava paya akamira pachingoro chiri pedyo nepari kugara vanhu vawirwa nenjodzi uye ari kuverengerwa vhesi neimwe hanzvadzi.

Ungashandisa sei bhuku raJobho kubatsira munhu kuti anyatsova nechokwadi chekuti “Mwari haaiti zvakaipa”? (Ona ndima 15)


16. Taura muenzaniso unoratidza kuti bhuku raJobho ringabatsira sei munhu anenge achitambura.

16 Chimboona kuti bhuku raJobho rakabatsira sei mumwe murume anonzi Mario. Rimwe zuva muna 2021, imwe hanzvadzi yaiparidza nefoni. Zvakaitika kuti munhu wayakatanga kufonera ndiMario uye yakabva yamuverengera vhesi ikamutsanangurira kuti Mwari anotipa ramangwana rakanaka netariro uyewo anoteerera minyengetero yedu. Hanzvadzi iyi yakabva yabvunza Mario kuti anofungei nezvevhesi yacho. Mario akaudza hanzvadzi iyi kuti payafona anga achinyora tsamba yekuoneka mhuri yake uye anga achida kubva azviuraya. Mario akati, “Ndinoziva hangu kuti Mwari ariko, asi ndinoona sekuti haandidi.” Hanzvadzi iyi payakazofona zvakare, yakakurukura naMario nezvematambudziko akasangana naJobho. Mario akabva ati anoda kuverenga bhuku rese raJobho. Saka hanzvadzi iyi yakamutumira link yeBhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva. Zvakaguma nei? Mario akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akafara chaizvo kudzidza nezvaMwari akaratidza kuti anomuda.

17. Chii chinoita kuti uonge kuti Jehovha akaita kuti nyaya yaJobho inyorwe muShoko rake rakafemerwa? (Jobho 34:12)

17 Sezvataona munyaya ino, Shoko raMwari rine simba rekuchinja upenyu hwevanhu uye rekunyaradza vaya vanenge vachitambura. (VaH. 4:12) Tinofara chaizvo kuti Jehovha akaita kuti nyaya yaJobho inyorwe muShoko rake rakafemerwa. (Job. 19:​23, 24) Bhuku raJobho rinotibatsira kuti tinyatsova nechokwadi chekuti “Mwari haaiti zvakaipa.” (Verenga Jobho 34:12.) Rinotidzidzisawo kuti nei Mwari achibvumira kutambura uye kuti zvii zvatingaita kuti titsungirire kana tasangana nematambudziko. Rinotibatsirawo kunyaradza vaya vanenge vachitambura. Munyaya inotevera, tichaona kuti bhuku raJobho ringatibatsira sei patinenge tichipa vamwe mazano.

UNGAPINDURA SEI?

  • Tinobatsirwa sei nekunzwisisa kuti nei Mwari akabvumira Jobho kuti atambure?

  • Nyaya yaJobho ingatibatsira sei kuti titsungirire matambudziko atinosangana nawo?

  • Tingashandisa sei bhuku raJobho kuti tibatsire vamwe?

RWIYO 156 Nekutenda

a Josefa aiva murume akanga akatendeka kuna Mwari uye akafa muna 1657 B.C.E. Mozisi akagadzwa semutungamiriri wevaIsraeri munenge muna 1514 B.C.E. Jobho anofanira kunge akararama pashure pekunge Josefa afa uye Mozisi asati agadzwa semutungamiriri wevaIsraeri. Kunenge kuti nhaurirano dzakaitika pakati paJehovha naSatani uyewo matambudziko akasangana naJobho zvakaitika panguva iyoyi.

b Mamwe mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe