NYAYA YEKUDZIDZA 49
RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara
Shandisa Zvidzidzo Zviri Mubhuku raJobho Pakubatsira Vamwe
“Iye zvino Jobho, inzwa mashoko angu.”—JOB. 33:1.
ZVATICHADZIDZA
Tichaona kuti bhuku raJobho rinogona kutibatsira sei kuziva zvekutaura uye matauriro atinofanira kuita patinenge tichibatsira mumwe munhu ari mumatambudziko.
1-2. Nei zvakanga zvakaoma kuti shamwari nhatu dzaJobho naErihu vanyaradze Jobho?
JOBHO akanga arasikirwa neupfumi hwake hwese. Vanhu vakawanda vekuMabvazuva vakanzwa nezvazvo. Vamwe vakanzwa nezvazvo ndiErifazi, Bhiridhadhi naZofari. Varume ava vaiva shamwari dzaJobho saka vakaenda kuUzi kuti vanomunyaradza. Asi zvavakaona pavakasvika ikoko zvakavashamisa.
2 Fungidzira kuti zvinhu zvakanga zvakamira sei. Jobho akanga arasikirwa nezvinhu zvakawanda chaizvo. Aiva nemakwai akawanda, mombe, ngamera nemadhongi asi zvese zvakanga zvisisipo. Vana vake nevaranda vake vakawanda vakanga vaurayiwa. Imba yakafira vana vaJobho yakanga yangosara iri murwi wematombo. Asi izvozvo handizvo zvega. Jobho wacho akanga ava kurwara. Akanga aine mamota muviri wese uye airwadziwa chaizvo. Erifazi, Bhiridhadhi naZofari pavakanga vachiri nechekure, vakaona Jobho akagara mumadota akasuwa chaizvo. Pavakasvika vakabva vaita sei? Vakaita mazuva 7 vakangonyarara vakatarisa murume uyu airwadziwa chaizvo. (Job. 2:12, 13) Mumwe murume wechidiki anonzi Erihu akazosvikawo akagara pedyo navo. Jobho akazotanga kutaura. Akataura kuti aishuva kuti dai akanga afa zvake kana kuti dai asina kutomboberekwa. (Job. 3:1-3, 11) Nemamiriro akanga akaita zvinhu, Jobho aitoda kunyaradzwa uye zvinofanira kunge zvakanga zvakaoma kuti shamwari dzake dzimunyaradze. Zvinhu zvavaizotaura uye zvavaizoita zvaizoratidza kuti vaiva shamwari dzaJobho dzechokwadi here uye kuti vainyatsomuda here.
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Jehovha akaita kuti Mozisi anyore zvinhu zvakaitwa uye zvakataurwa neshamwari nhatu dzaJobho naErihu. Erihu akataura zvinhu zvaainge afemerwa naJehovha kuti ataure. Asi zvimwe zvinhu zvakataurwa naErifazi zvinofanira kunge zvakanga zvakafemerwa nedhimoni. (Job. 4:12-16; 33:24, 25) Ndokusaka mubhuku raJobho muine mazano akanaka asiwo muchiwanikawo mamwe asingatomboiti. Munyaya ino tichadzidza kuti tingashandisa sei zviri mubhuku raJobho patinenge tichida kubatsira mumwe munhu. Saka regai titange nekukurukura zvinhu zvakataurwa uye zvakaitwa neshamwari nhatu dzaJobho zvatisingafaniri kutevedzera. Tichabva tazokurukura zvinhu zvakanaka zvakaitwa naErihu zvatinogona kutevedzera. Tichaongororawo kuti vaIsraeri vaigona kubatsirwa sei nebhuku raJobho uye kuti isu tinodzidzei.
ZVAKAITWA NESHAMWARI NHATU DZAJOBHO PADZAIEDZA KUMUBATSIRA
4. Chii chakaita kuti shamwari nhatu dzaJobho dzitadze kumunyaradza? (Onawo mufananidzo.)
4 Bhaibheri rinotaura kuti shamwari nhatu dzaJobho padzakanzwa nezvematambudziko aakanga asangana nawo, dzakaenda “kunochema naJobho nekumunyaradza.” (Job. 2:11) Asi vakatadza kumunyaradza. Chii chakaita kuti vatadze? Regai tione zvikonzero zvitatu. Chekutanga chacho ndechekuti havana kuteerera Jobho vachiedza kunyatsonzwisisa mamiriro ake ezvinhu asi vaifunga kuti Jehovha aimuranga nekuti ane zvakaipa zvaakaita.a (Job. 4:7; 11:14) Chechipiri, zvinhu zvakawanda zvavakataura kuna Jobho zvakanga zvisina zvazvaibatsira uye zvaitomurwadzisa. Semuenzaniso, varume vacho vese vari vatatu vakataura mashoko aiita kunge ane musoro asi akanga asina zvaaibatsira. (Job. 13:12) Bhiridhadhi akataura kuti Jobho aitaurisa. (Job. 8:2) Uye Zofari akataura mashoko anorwadza ekuti Jobho aiva “munhu asingafungi.” (Job. 11:12) Chechitatu, varume ava vanogona kunge havo vaisataura vachiita zvekupopotera Jobho, asi zvinhu zvavakataura uye zvavakaita zvairatidza kuti vakanga vasingaremekedzi Jobho uye vakanga vasina hanya naye. (Job. 15:7-11) Pane kuti vanyaradze Jobho kana kuti vamusimbise, varume ava vakanga vava kutongoisa pfungwa dzavo pakuedza kubudisa pachena kuti Jobho ane chimwe chinhu chaakatadza.
Paunenge uchipa mumwe munhu zano, usataura mashoko anoita kuti munhu wacho aone sekuti uri kumutarisira pasi. Chinangwa chako chinofanira kunge chiri chekumubatsira (Ona ndima 4)
5. Zvakataurwa naErifazi, Bhiridhadhi naZofari pavaiedza kubatsira Jobho zvakamukanganisa sei?
5 Erifazi, Bhiridhadhi naZofari pavakapedza kutaura, Jobho akanga ava kutonyanya kurwadziwa kupfuura zvaaiita pakutanga. (Job. 19:2) Varume ava vaingoramba vachitaura kuti Jobho ane zvakaipa zvaakanga aita. Izvi zvakaita kuti Jobho ade kutowedzera kuratidza kuti akanga akarurama uye apedzisire ava kutaura zvimwe zvinhu zvaaisafanira kutaura. (Job. 6:3, 26) Zvinhu zvaitaurwa neshamwari dzaJobho zvakanga zvisingaenderani nemafungiro aMwari uye vakatadza kunzwira Jobho tsitsi. Saka Satani akavashandisa kuita kuti Jobho aore mwoyo. (Job. 2:4, 6) Asi nyaya iyi yaigona kubatsira sei vaIsraeri kare uye inogona kutibatsirawo sei nhasi?
6. Zvii zvaigona kudzidzwa nevakuru vechiIsraeri kubva pane zvakaitwa neshamwari nhatu dzaJobho?
6 VaIsraeri vaigona kubatsirwa sei? Pashure pekunge Jehovha aita kuti vaIsraeri vave rudzi, akagadza varume vakavimbika uye vaiva neuchenjeri kuti vave vatongi uye varume ava vaifanira kutonga zvakarurama. (Dheut. 1:15-18; 27:1) Varume ivavo vaifanira kunyatsoteerera vasati vapa munhu mazano kana kuti kupa mutongo. (2 Mak. 19:6) Vaifanirawo kubvunza mibvunzo kuti vanyatsonzwisisa nyaya yacho pane kungofungidzira kuti vari kuziva nyaya yacho yese. (Dheut. 19:18) Uyewo, vaifanira kutaura zvakanaka nevaya vaiuya kwavari vachida kubatsirwa. Nei vaifanira kudaro? Nekuti kana vaizotadza kutaura nemunhu zvakanaka, zvaigona kuita kuti munhu wacho atadze kunyatsovaudza zviri pamwoyo pake. (Eks. 22:22-24) Izvi ndezvimwe zvidzidzo zvaigona kudzidzwa nevakuru vechiIsraeri kubva panyaya yaJobho.
7. Ndivanaani vamwe vaigona kupa vamwe mazano, uye nyaya yaJobho yaigona kuvabatsira sei? (Zvirevo 27:9)
7 Vakuru vaiva muIsraeri havasi ivo vega vaigona kupa vamwe mazano. MuIsraeri wese, angava mwana mudiki kana kuti munhu mukuru, murume kana kuti mukadzi, aigona kubatsirawo shamwari yake kuti iswedere pedyo naJehovha uye kumutsiura kana akanganisa. (Pis. 141:5) Izvi ndizvo zvinoitwa neshamwari yechokwadi. (Verenga Zvirevo 27:9.) Zvakaitwa neshamwari nhatu dzaJobho, zvaigona kubatsira vaIsraeri kuti vazive zvavasingafaniri kutaura uye zvavasingafaniri kuita kana vachibatsira mumwe munhu.
8. Ndezvipi zvatisingafaniri kuita patinenge tichibatsira mumwe munhu? (Onawo mifananidzo.)
8 Isu tinobatsirwa sei? Patinoona hama nehanzvadzi dzedu dzichitambura, tinoda kudzibatsira. Asi kuti tikwanise kuvabatsira, hatifaniri kuita sezvakaitwa neshamwari nhatu dzaJobho. Chekutanga, hatifaniri kufungira vamwe zvakaipa uye hatifaniri kubatsira munhu tisati tawana mashoko akanyatsokwana nezvenyaya yacho. Chechipiri, hatifaniri kutaura zvatinenge tichifunga sezvaiwanzoitwa naErifazi, asi tinofanira kutaura zviri muShoko raMwari. (Job. 4:8; 5:3, 27) Chechitatu, hatifaniri kutaura mashoko anorwadzisa munhu wacho. Yeuka kuti Erifazi neshamwari dzake vane zvimwewo zvavakataura zvaiva zvechokwadi. Muapostora Pauro akatomboshandisa mamwe mashoko akataurwa naErifazi. (Enzanisa Jobho 5:13 na1 VaKorinde 3:19.) Asi zvinhu zvizhinji zvakataurwa naErifazi, Bhiridhadhi naZofari nezvaMwari zvaiva zvenhema uye zvakarwadzisa Jobho, saka Jehovha akataura kuti havana kutaura chokwadi pamusoro pake. (Job. 42:7, 8) Pese patinenge tichibatsira mumwe munhu, tinofanira kuva nechokwadi chekuti zvatinotaura hazviite kuti munhu afunge kuti Jehovha ane utsinye kana kuti apedzisire ava kufunga kuti Jehovha haambofi akamuda. Asi iye zvino ngatimbokurukurai kuti tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naErihu.
Paunenge uchibatsira mumwe munhu, (1) edza kunzwisisa mamiriro ake ezvinhu, (2) shandisa Shoko raMwari, uye (3) taura nemunhu wacho zvakanaka (Ona ndima 8)
ZVAKAITWA NAERIHU PAAIBATSIRA JOBHO
9. Nei Jobho akanga achiri kuda kubatsirwa shamwari dzake nhatu padzakapedza kutaura, uye Jehovha akamubatsira sei?
9 Jobho neshamwari dzake vakaitisana nharo kwenguva yakareba. Vakataura zvakawanda zvekuti pane zvitsauko 28 zvemuBhaibheri zvine mashoko avakataura uye zvinhu zvizhinji zvavakataura zvinoratidza kuti vakanga vashatirwa. Ndokusaka marwadzo aJobho asina kumbopera. Akanga achiri kutoda kunyaradzwa uye kutsiurwa. Saka Jehovha akabatsira sei Jobho? Akashandisa Erihu kuti amubatsire. Asi nei Erihu asina kukurumidza kutaura? Erihu akati: “Ndiri mudiki asi imi varume mava vakuru. Saka ndakamira kutaura ndichikuremekedzai.” (Job. 32:6, 7) Erihu aiziva kuti vanhu vakuru vanowanzova neuchenjeri nemhaka yekuti vanenge vararama kwenguva refu uye vane zvinhu zvakawanda zvavakaona kupfuura vechidiki. Asi pashure pekunge ateerera Jobho neshamwari dzake vachitaura, Erihu akazosarudza kutaura. Akati: “Zera rega harisi iro rinoita kuti munhu achenjere, uye vakwegura havasi ivo vega vanonzwisisa zvakarurama.” (Job. 32:9) Zvii zvimwe zvakazotaurwa naErihu uye akazvitaura sei?
10. Zvii zvakaitwa naErihu asati abatsira Jobho? (Jobho 33:6, 7)
10 Erihu asati abatsira Jobho, aida kuti Jobho atange adzikama kuitira kuti anyatsoteerera zvaakanga ava kuda kutaura. Akazviita sei izvozvo? Kutanga, iye wacho akatanga agadzikana. Nei tichidaro? Nekuti Bhaibheri rinotaura kuti pakutanga, Erihu akanga ambogumbuka. (Job. 32:2-5) Asi paakazotaura naJobho, Erihu haana kumbobvira ataura mashoko ekumurwadzisa. Asi aitotaura naye zvakanaka seshamwari yake chaiyo. Pamwe pacho akatoti: “Ona! Ndakangofanana newe pamberi paMwari wechokwadi.” (Verenga Jobho 33:6, 7.) Erihu akabva aita kuti Jobho anyatsozviona kuti akanga achimuteerera. Asati atanga kubatsira Jobho, akataura zvimwe zvinhu zvakanga zvambotaurwa naJobho. (Job. 32:11; 33:8-11) Uye paakanga ava kuzobatsira Jobho, Erihu aipota achidzokorora zvimwe zvinhu zvakanga zvambotaurwa naJobho.—Job. 34:5, 6, 9; 35:1-4.
11. Erihu akabatsira sei Jobho? (Jobho 33:1)
11 Erihu paakanga ava kubatsira Jobho, haana kumuita kuti anzwe sekuti haabatsiri. Asi akaratidza kuti airemekedza murume iyeye akanga akatendeka. Semuenzaniso, aitotaura naye achishandisa zita rake, asi varume vatatu vaya havana kana kumbodaro. (Verenga Jobho 33:1.) Erihu akazvionera ega Jobho neshamwari dzake nhatu pavaiitisana nharo kuti zvinorwadza sei kana ukasapiwa mukana wekutaura paunenge uchida kutaura. Saka iye paakazenge ava kutaura naJobho, aimupawo mukana wekuti ataure. (Job. 32:4; 33:32) Erihu akanyatsobatsirawo Jobho kuti aone kuti nei zvimwe zvinhu zvaakataura uye zvaakaita zvakanga zvisina kunaka. Akamuyeuchidzawo kuti Jehovha ane uchenjeri, simba, anotonga zvakarurama uye ane rudo rusingachinji. (Job. 36:18, 21-26; 37:23, 24) Mashoko akataurwa naErihu anofanira kunge akabatsira Jobho kuti azonyatsoteerera Jehovha paakanga ava kumururamisa. (Job. 38:1-3) Asi zvakaitwa naErihu zvaigona kubatsira sei vaIsraeri kare uye zvinogona kutibatsirawo sei nhasi?
12. Jehovha aishandisa sei vaprofita kuti vabatsire vanhu vake, uye vaIsraeri vaigona kubatsirwa sei nezvakaitwa naErihu?
12 VaIsraeri vaigona kubatsirwa sei? Jehovha aiwanzoshandisa vaprofita kuti vadzidzise uye varuramise vaIsraeri. Panguva yeVatongi, Jehovha akashandisa muprofitakadzi Dhibhora kuti ape vanhu vake mirayiridzo. Jehovha akashandisawo Samueri kunyange zvazvo akanga achiri mudiki kuti ape vaIsraeri mirayiridzo. (Vat. 4:4-7; 5:7; 1 Sam. 3:19, 20) Uye panguva yemadzimambo, Jehovha aishandisa vaprofita vakasiyana-siyana kuti vabatsire vaIsraeri kuti varambe vachimunamata nenzira yaanoda. Uye vanhu vake pavakanga vasingamuteereri, Jehovha aituma vaprofita kuti vavatsiure. (2 Sam. 12:1-4; Mab. 3:24) Zvakaitwa naErihu zvakanyorwa mubhuku raJobho, zvaigona kubatsira varume nevakadzi vakatendeka kuti vazive zvavanofanira kutaura uye matauriro avanofanira kuita pavanenge vachibatsira mumwe munhu.
13. Zvii zvinogona kuitwa nevaKristu mazuva ano kuti vakurudzire vamwe vavanonamata navo?
13 Isu tinobatsirwa sei? SevaKristu, tinoita kuti vanhu vazive zvinodiwa naMwari patinovaudza zviri muShoko rake, Bhaibheri. Uyewo, tinotaura mashoko anonyaradza uye anokurudzira hama nehanzvadzi dzedu. (1 VaK. 14:3) Vakuru vanofanira kugara vachitaura zvinhu zvinokurudzira uye ‘zvinonyaradza’ vamwe, kunyange kana munhu wacho ari kushungurudzika kana kuti achitaura ‘mashoko ekuvhurumuka.’—1 VaT. 5:14; Job. 6:3.
14-15. Taura zvinogona kuitwa nemukuru kuti atevedzere Erihu paanenge achibatsira mumwe munhu.
14 Ngatitii mumwe mukuru anonzwa nezveimwe hanzvadzi yakaora mwoyo yemuungano mavo. Mukuru wacho anobva asarudza kuenda kunoona hanzvadzi iyi ari pamwe chete neimwe hama kuitira kuti vanoinyaradza. Pavanenge vari kukurukura nehanzvadzi iyi, hanzvadzi yacho inotaura kuti kunyange zvazvo ichiri kuita basa rekuparidza uye kupinda misangano, haisi kunyatsofara. Mukuru wacho achaita sei?
15 Achatanga nekunyatsoteerera hanzvadzi iyi kuti azive chiri kuita kuti hanzvadzi yacho iore mwoyo. Inyaya here yekuti hanzvadzi iyi iri kuona sekuti haina kukodzera kudiwa naMwari? Kana kuti hanzvadzi iyi iri kunetseka here nekuti yakaomerwa neupenyu? (Ruka 21:34) Pavanenge vachikurukura, mukuru uyu achataurawo zvinhu zvakanaka zviri kutoitwa nehanzvadzi iyi, zvakadai sekupinda misangano kwaichiri kuita uye kuita basa rekuparidza kunyange zvazvo yakaora mwoyo. Uye kana mukuru uyu anyatsonzwisisa mamiriro acho ezvinhu uyewo kuti chii chiri kuita kuti hanzvadzi iyi iore mwoyo, achabva ashandisa Bhaibheri kuti abatsire hanzvadzi yacho kuti ione kuti Jehovha anoida.—VaG. 2:20.
RAMBA UCHIBATSIRWA NEBHUKU RAJOBHO
16. Zvii zvatingaita kuti tirambe tichibatsirwa nebhuku raJobho?
16 Tine zvinhu zvakawanda zvatinodzidza kubva mubhuku raJobho! Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, bhuku raJobho rinotibatsira kuziva chikonzero nei Mwari achibvumira kutambura uyewo zvatingaita kuti titsungirire patinenge tiri mumatambudziko. Uye sezvataona munyaya ino, tese hedu tinogona kupa vamwe mazano akanaka kana tikatevedzera zvakaitwa naErihu, toregedza kuita sezvakaitwa neshamwari nhatu dzaJobho. Saka usati wabatsira mumwe munhu, pamwe unogona kumbotanga wafunga zvimwe zvidzidzo zvinowanikwa mubhuku raJobho. Uye kana wava nenguva usati waverenga bhuku raJobho, ronga kuti uzoriverenga zvakare. Unogona kutowana zvimwe zvidzidzo zvakawanda kubva mubhuku iroro.
RWIYO 125 “Vanofara Vane Ngoni!”
a Zvinoita sekuti pane dhimoni rakaudza Erifazi kuti hapana munhu anogona kunzi akarurama naJehovha uye kuti hapana munhu anokwanisa kufadza Mwari. Erifazi akabvuma zvaakaudzwa nedhimoni iroro, ndokusaka akazoramba achizvidzokorora pese paaitaura.—Job. 4:17; 15:15, 16; 22:2.