Vechikuru—Munokosha Chaizvo Muungano
“Ndinoshamiswa chaizvo kana ndikafunga zvandaiita ndichiri mudiki. Iye zvino ndachembera, handichazvikwanisi.”—Connie, ane makore 83.
Zvimwe hamuchakwanisiwo kuita zvakawanda nekukura. Pasinei nekuti mashumira Jehovha makatendeka kwemakore akawanda, munogona kutanga kuona sekuti hamuchabatsiri nekuti hamuchakwanisi kuita zvakawanda. Munogona kutanga kuenzanisa zvamuri kuita iye zvino nezvamaiita kare. Kana zviri izvo zviri kuitika kwamuri, mungaitei kuti mutangezve kufara?
JEHOVHA ANODA KUTI MUITEI?
Zvibvunzei kuti, ‘Jehovha anoda kuti ndiitei?’ Mashoko ari pana Dheuteronomi 6:5 anogona kukunyaradzai ekuti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nesimba rako rese.”
Vhesi iyi inoratidza kuti Jehovha anoda kuti muite zvakanakisisa pakumushumira zvichienderana nemamiriro enyu ezvinhu. Izvi zvinogona kukubatsirai kuti musazvienzanisa nevamwe, kana kuenzanisa zvamuri kuita iye zvino nezvamaiita kare.
Chimbofungai izvi: Pamaiva mudiki, zviri pachena kuti maipa Jehovha zvakanakisisa. Iye zvino makura, uye muchiri kupa Jehovha zvakanakisisa zvichienderana nemamiriro enyu ezvinhu. Kana mukava nemafungiro akadai, muchaona kuti muchiri kuitira Jehovha zvakafanana nezvamaimuitira kare. Maimupa zvakanakisisa kare uye ndizvo zvamuchiri kuita iye zvino.
Makapa Jehovha zvakanakisisa pamaiva vadiki uye iye zvino pamakura muchiri kungopa Jehovha zvakanakisisa
ZVINHU ZVAMAKADZIDZA MUUPENYU ZVINOGONA KUBATSIRA VAMWE
Pane kungoramba muchifunga zvamusingachakwanisi kuita, fungai nezvemikana yakawanda yamuinayo yekubatsira vamwe. Sezvo mava muKristu akura, mune zvimwe zvinhu zvamava kukwanisa kuita iye zvino zvamaisakwanisa muchiri mudiki. Semuenzaniso, munogona kuita zvinotevera:
Udzai vamwe zvamakadzidza muupenyu. Onai zvakataurwa nevamwe vanhu vemuBhaibheri:
Mambo Dhavhidhi: “Ndaimbova mudiki asi iye zvino ndakwegura. Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa, kana vana vake vachitsvaga zvekudya.”—Pis. 37:25.
Joshua: “Inzwai! Ndava pedyo nekufa, uye munonyatsoziva nemwoyo yenyu yese nemweya yenyu yese kuti pane zvese zvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana. Zvese zvakaitika muchizviona. Hapana kana shoko rimwe chete pavimbiso idzodzo rakakundikana.”—Josh. 23:14.
Zvimwe makambotaurawo mashoko akadaro kuti mukurudzire vamwe pamaiva vadiki. Asi nekuti Dhavhidhi naJoshua vakataura zvinhu zvavakanga vava nemakore akawanda vachiona, zvavakataura zvaitonyanya kubatsira.
Kana mava nemakore muchishumira Jehovha, munogona kuudza vamwe zvaakakuitirai kana zvaakaitirawo vamwe. Mune here pamakaona Jehovha achibatsira vashumiri vake? Udzai vamwe nezvazvo. Izvozvo zvinogona kuita kuti mufare. Zviri pachena kuti vamwe vanokurudzirwa chaizvo pavanonzwa nyaya dzenyu dzine chekuita nekushumira Jehovha.—VaR. 1:11, 12.
Munogonawo kukurudzira vamwe kana mukaita zvekuenda kumisangano muchinoonana nevamwe pese pamunokwanisa. Muchakurudzira vamwe ikoko uye nemiwo muchakurudzirwa. Hanzvadzi inonzi Connie yambotaurwa inoti: “Kupinda misangano kunondibatsira kuti ndisaora mwoyo. Hazvingamboiti kuti ndiore mwoyo nekuti paImba yeUmambo ndinoratidzwa rudo nehama nehanzvadzi dzangu. Ndinoedzawo kuvatenda nezvavanondiitira nekuvapawo tuzvipo. Uye ndinova nechokwadi chekuti ndinoramba ndichishumira Jehovha pamwe chete nehama nehanzvadzi dzangu.”
JEHOVHA ANOKOSHESA ZVESE ZVAMUNOMUITIRA
MuBhaibheri mune mienzaniso yevanhu vakawanda vaidiwa naJehovha kunyange zvazvo pane imwe nguva vakanga vasisakwanisi kumuitira zvakawanda sezvavaimboita. Fungai nezvemurume wechiIsraeri ainge akwegura ainzi Simiyoni, uyo akanga achiri mupenyu pakaberekwa Jesu. Simiyoni paaienda kutemberi, anofanira kunge aiona varume vechidiki vachiita mabasa anokosha. Asi iye Simiyoni aizviona sei pachake? Zvimwe aifunga kuti nekuchembera kwaainge aita, akanga asingachakoshi kuna Jehovha. Asi Jehovha aisamuona saizvozvo. Aimuona semurume “akarurama uye akazvipira pakunamata” uye akatoita kuti akwanise kuona Jesu achiri mucheche. Jehovha akatoshandisawo Simiyoni kuprofita kuti Jesu ndiye aizova Mesiya. (Ruka 2:25-35) Zviri pachena kuti Jehovha haana kufunga nezvekuchembera kwainge kwaita Simiyoni, asi akaona kuti aiva murume ane kutenda kwakasimba, “uye mweya mutsvene wakanga uri paari.”
Jehovha akakomborera Simiyoni nekumupa ropafadzo yekuti aone Jesu achiri mucheche uye yekuprofita kuti Jesu ndiye aizova Mesiya
Imiwo munogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa kushumira kwamunomuita makatendeka pasinei nekuti mune zvimwe zvamusingachakwanisi kuita. Zvinonyanya kukosheswa naJehovha ndezvekuti munhu “ape maererano nezvaainazvo, kwete maererano nezvaasina.”—2 VaK. 8:12.
Saka rambai muchifunga nezvezvinhu zvamuchiri kukwanisa kuita. Semuenzaniso, ushumiri hupi hwamuchiri kukwanisa kuita kunyange kwenguva diki? Munokwanisa here kukurudzira vamwe zvimwe nekuvafonera kana kuvanyorera tsamba? Zvinhu zvidiki zvinoitwa nemunhu achiratidza kuti anoda hama nehanzvadzi dzake zvinogona kubatsira chaizvo kunyanya kana zvichiitwa nemunhu akaita semi ava nenguva yakareba achishumira Jehovha.
Kunyange muine zvimwe zvamusingachakwanisi kuita, mune zvakawanda zvamunogona kuitira Jehovha. Onai zvakaitika kuEast Africa mubhokisi rakanzi “Bhaibheri Rakaponesa Upenyu Hwake.”
Yeukai kuti kutenda kwenyu uye kuvimbika kwamakaita kuna Jehovha kunogona kukurudzira vamwe. Mune zvakawanda zvamatsungirira uye ivai nechokwadi chekuti “Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu nerudo rwamuinarwo nezita rake, rwamakaratidza nekushumira vatsvene uye kuramba muchivashumira kwamuri kuita.”—VaH. 6:10.
GARAI MUCHIBATSIRA VAMWE
Ongororo dzakaitwa dzakaratidza kuti kana vanhu vakwegura vachiwanzobatsira vamwe, zvinoita kuti vave neutano, pfungwa dzakapinza, uye vati raramei kupfuura vaya vasingaiti izvozvo.
Asi hazvirevi hazvo kuti kubatsira vamwe kuchabva kwabvisa matambudziko ese anokonzerwa nekukwegura. Umambo hwaMwari ndihwo hwega huchabvisa chivi chakabva kuna Adhamu icho chinokonzera kuchembera uye kufa.—VaR. 5:12.
Kunyange zvakadaro, basa ramunoitira Jehovha iro rinosanganisira kubatsira vamwe kuti vamuzive rinosimbisa tariro yenyu uye rinoita kuti murambe muine utano. Imi vechikuru, zivai kuti Jehovha anokoshesa chaizvo basa ramunomuitira uye ungano inokoshesa chaizvo muenzaniso wekutenda kwenyu.