RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb04 pp. 6-30
  • Zvakaitika Gore Rakapera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaitika Gore Rakapera
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kokorodzano Dzaiti, “Ipai Mbiri Kuna Mwari”
  • Mabhuku Akabudiswa Pakokorodzano
  • Vhidhiyo Yakafarirwa Nematsi
  • Kubatsira Vashanduri
  • Kunyatsoshongedzwa Kuva Vadzidzisi
  • Zvinhu Zvine Chokuita Nomutemo
  • Kurarama Nemiedzo
  • Kudhinda Mabhuku Pakondinendi Imwe Neimwe
  • Kumwezve Kuchinja Kwakaitika kuBrooklyn nokuWallkill
  • Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo
  • Dzimba Itsva Dzemagungano
  • Kutsaurirwa Kwemapazi
  • Zvimwe Zvezvakaitika Gore Rapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2003
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Zvimwe Zvezvakaitika Gore Rakapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2009
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2004
yb04 pp. 6-30

Zvakaitika Gore Rakapera

JEHOVHA akafanotaura kuti “namazuva okupedzisira,” vanhu vaizodirana kugomo rake rokufananidzira kuti vadzidziswe naye. (Mika 4:1, 2) Gore rakapera uprofita ihwohwo hwakaramba huchizadzika sezvo vakawanda vakaita zvinowirirana norugwaro rwegore rwa2003 rwaiti, “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8) Chimwe chinhu chinokosha chakabatsira vakawanda kuva noukama hwepedyo naJehovha aiva Magungano eRuwa uye eMarudzi Akawanda aiti, “Ipai Mbiri Kuna Mwari.”

Kokorodzano Dzaiti, “Ipai Mbiri Kuna Mwari”

“Zvinhu zvakasikwa naJehovha zvisina upenyu zvazvinogona kumurumbidza, isu vanhu vanogona kufunga nokutaura tingapa mbiri Musiki wedu Mukuru zvikuru sei!” akadaro mumwe wevakurukuri pakokorodzano dzataurwa pamusoro apa. Akabva atora mashoko aZvakazarurwa 4:11, ayo anoti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.”

Kokorodzano dzaiti, “Ipai Mbiri Kuna Mwari” dzakaita kuti pave nomukana chaiwo wokurumbidza Jehovha, somugumisiro wokuungana kunokwana 32 kwemarudzi akawanda. Kuungana kwacho kwakaitwa muAustralia, Canada, Chile, Denmark, Ghana, Hawaii, Hungary, Japan, Mexico, South Africa, Spain, Switzerland, Ukraine, uye muUnited States. Mamishinari nevamwe vanoshanda kune dzimwe nyika vakakwanisa kudzokera kunyika dzokumusha kwavo, kwavakabvunzwa nezvebasa roUmambo munyika dziri kure zvikuru. Zviuru zvenhume dzakabva kune dzimwe nyika zvakapindawo kokorodzano idzi.

Chinhu chakafadza nhume dzakabva kumarudzi akawanda kwaiva kushanyira mapazi okunyika dzavakaenda. Bazi reUnited States rakava nomukana wokugamuchira nhume dzinopfuura 6 750 dzakabva munyika 36, nokudzipa kudya kunokwana 15 000! Pashure pokumwe kudya kwemasikati, hama nehanzvadzi dzokuSouth Africa dzaizadza bhazi dzakaimbira mhuri yeBheteri nemapatsi mana aipindirana mumitauro mitanhatu inoti: Afrikaans, Chirungu, Sepedi, Sesotho, Xhosa, neZulu. Vakaimba zvaiva nesimba zvikuru uye zvakaisvonaka zvokuti vanhu vakawanda vakanga vakateerera vakasvimha misodzi.

Mune rimwe boka raionawo nzvimbo, imwe nhume iyo yaiva nebheji rairatidza kuti yakanga yafamba hafu yenyika yose, yakati: “Kuva nehama nehanzvadzi dzangu dzandinonamata nadzo kwenguva yose iyi zvinongoitika kamwe chete muupenyu. Handizombofi ndakazvikanganwa. Iko kufanoravidza nyika itsva.” Imwe hama yokuBritain iyo yakanga yambosiya chokwadi payaiva nemakore 17 asi ikazodzoka mumakore achangopfuura yakabayiwa mwoyo payakaona mufananidzo wairatidza mwanakoma anopambadza. Gare gare, payaidya zvokudya zvemasikati nemhuri yeBheteri yokuBrooklyn, yakafunga nezvengoni dzaJehovha, uye misodzi yakazara mumaziso ayo. Imwe hama yokuSpain yakataura pachena kuti mumakore 29 ayange yakaroora, mudzimai wayo haana kumboiona ichisvimha misodzi. Asi yakasvimha misodzi apo Zvapupu zvakawanda zvaifara panhandare inosvikira ndege dzinobva kunyika dzakawanda muHouston, Texas zvakachingamidza boka raiona nzvimbo rayaiva mariri.

Nokuda kwekokorodzano huru, kuwana nzvimbo dzakakodzera pamutengo uri nani kwakaoma. Zvisinei kakawanda, zita rakanaka iro Zvapupu zvaJehovha zvakawana mumakore apfuura rinozvibatsira. Izvi zvinoratidzwa nezvakataurwa nerimwe bazi, richiti: “Pashure pokunyatsotsvaka, takawana nzvimbo imwe chete yaizokwana nhume dzinenge 50 000 dzaitarisirwa kupinda kokorodzano. Zvisinei, pashure pokutaurirana nevakuru vakuru venhandare yacho, hama dzakaona kuti mari yacho yakanga yakawandisa. Mazuva mashomanana pashure pokunge vamiririri vebazi vabvunza ikoko, vakuru vakuru vamwe chete ivavo vakataura nebazi vakakumbira kuti vakurukurirane zvakare. Gare gare, mumwe wemamaneja acho makuru akati: ‘Pakutanga, hatina kunyatsonzwisisa zvamaida. Asi patakangozonzwisisa kuti kokorodzano dzenyu dzakaita sei uye kuti munokwanisa zvakadini kuronga zvinhu zvinodiwa, takazvifarira zvikuru. Tinoshamiswa nokunyatsorongeka kwamakaita, kunyatsoronga zvinhu kwenyu, nounyanzvi hwenyu.’” Zvakazoitika ndezvokuti Zvapupu zvaJehovha zvakawaniswa nhandare yacho nomutengo uri nani.

Mabhuku Akabudiswa Pakokorodzano

Uri mudzidzi weShoko raMwari anoshingaira here? Saka pasina mubvunzo wakafara kugamuchira bhurocha remapeji 36, rine mavara ose rinonzi “Ona Nyika Yakanaka.” Madhayagiramu, mepu, mapikicha, mifananidzo yakanyorwa nekombiyuta, nezvimwe zvinhu zvizhinji zvichaita kuti kudzidza kwako kuve kunobatsira zvikuru. Naizvozvo iva nechokwadi chokuchengeta bhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” pamwe chete neBhaibheri rako nemabhuku aunowanzoshandisa pakudzidza. Uye yeuka kuenda nebhurocha rako kumisangano yeungano hurukuro nokukurukurirana pazvinenge zvichitaura nezvenyika dziri muBhaibheri.

Hurukuro yaiti, “Vana Vedu—Nhaka Inokosha,” payaikurukurwa mukurukuri akabudisa bhuku rine mifananidzo yakanaka, rine mapeji 256 rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Vabereki vanokoshesa zvikuru nhaka iyi inobva kuna Mwari vachanakidzwa nokudzidza bhuku idzva iri nevana vavo. “Vana,” rinodaro bhuku racho, “vanoda kudzidziswa tsika, mitemo yokurarama nayo. Uye zvose izvi vanozvida kubva vachiri vaduku. Zvinhu zvinoodza mwoyo zvikuru zvinogona uye zvinoitika chaizvo kana vana vakanonoka kubatsirwa nguva ichipo.”

Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rine mifananidzo inopfuura 230—inoda kupeta nekaviri inowanikwa mubhuku Renhau dzeBhaibheri. Mufananidzo woga woga nemifananidzo yakaiswa pamwe chete zvine mashoko anozvitsanangura, mazhinji acho ari somubvunzo. Mhinduro dzacho dzingawanikwa papeji imwe chete iyoyo. Iyi nemimwe mibvunzo mizhinji inowanikwa mubhuku racho rose inobatsira kuita kuti vanhu vakurukurirane zvakanaka, zvichibvumidza vana kutaura zvinobva pamwoyo. Somuenzaniso, mashoko anotsanangura mufananidzo ari papeji 101, anoti: “Nei zvichikosha kuyeuka kuti mazvita?” Uye vabereki, ivai nechokwadi chokuverenga mashoko okusuma, anoti, “Zvinodiwa Nevana Kuvabereki.” Kana mukashandisa zvinhu zvinotaurwa ipapo, mhuri yenyu ichabatsirwa zvikuru neiri bhuku rakanaka rinobatsira pakudzidza.

Vhidhiyo Yakafarirwa Nematsi

Mugore ra1915 muUnited States, mumwe mukuru anofambira, ainzi John A. Gillespie akaimbira boka duku rematsi raiva pakokorodzano yeVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha mazuva iwayo, achishandisa masaini. Iko zvino kune ungano nemapoka zvinopfuura 1 200 zvevaparidzi matsi nevanofarira pasi pose. Ava vari kuwana zvokudya zvokumudzimu chirudzii?

Iye zvino, mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri ari kuwanikwa mumitauro 18 yemasaini, uye nhamba yacho iri kuramba ichiwedzera. Vaya vanoshandisa American Sign Language (ASL) [Mutauro Wemasaini wokuAmerica] vakawana chimwe chinhu chinofadza muna September 2002. Kutanga mwedzi iwoyo, nyaya dzinodzidzwa dzeNharireyomurindi dzakatanga kubudiswa pavhidhiyo kamwe chete pamwedzi. Iyi gadziriro iri kubatsira matsi nenzira dzingasakosheswa nevamwe.

Funga izvi: Zvapupu zvakawanda zvinonzwa zvinogona kudzokorora magwaro akasiyana-siyana nomusoro. Izvi zvakadaro nokuti zvinonzwa kana kuti kuverenga mashoko mamwe chete iwayo nguva nenguva. Zvisinei, vaparidzi matsi, havaawani nguva dzose sezvaanenge ari chaizvo. Nei? Nokuti Bhaibheri harisi muASL, uye vaya vanenge vaine hurukuro pamisangano yeungano hapasi pose pavanosaina Magwaro zvakafanana. Asi izvi zvakatanga kuchinja nokutanga kushandiswa kwemabhuku evhidhiyo yeASL. Zvino, nyaya dzinodzidzwa dzeNharireyomurindi zvadzava kuwanikwa pavhidhiyo, matsi dzinenge dziripo dzinowanawo zvikamu zveBhaibheri zvinoshandurwa zvakafanana.

Kuwedzera pane izvi, ungano nemapoka zveASL hazvichafaniri kupa vanhu basa rokuturikira sevaverengi paChidzidzo cheNharireyomurindi. Muungano dzevanhu vanonzwa, munhu anenge apiwa basa rokuverenga angapedza imwe awa kana kuti kupfuura achigadzirira Nharireyomurindi kuti azoverenga zvakanaka. Asi muungano yevaparidzi matsi, vaya vakarongwa kusaina nyaya yakati vanowanzopedza maawa akawanda vachigadzirira. Zvino, nguva inokosha iyoyo inogona kushandiswa mune mamwe mabasa ane chokuita nokunamata. Hama nehanzvadzi dzinonzwa sei pamusoro pegadziriro iyi itsva?

Boka revaparidzi matsi munyika yeRhode Island, U.S.A., rakanyora kuti: “Takafara zvisingaiti pakaziviswa kuti taizova neNharireyomurindi pavhidhiyo. Chokwadi, vamwe vaparidzi vari pakati pedu vakasvimha misodzi.” Muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi muFlorida akataura kuti iye zvino vakawanda zvikuru vava kusimudza maoko kuti vatsinhire zvokuti iye ava “kufara zvikuru kuva nevakawandisa vokusarudza kuti vapindure!” Akawedzera kuti “mhinduro dzacho dzava nani zvinooneka.” Mumwe mukuru akanyora kuti: “Migumisiro yacho yave ichinyatsooneka! Kunzwisiswa kwezvinhu kunyange zvakaoma kwave kwakaisvonaka.” Chokwadi, boka rematsi riri kungoramba richikura rinofara kuwana mukana wokuziva uye wokurumbidza Mwari nokuda kwechikomborero chikuru chaJehovha.—VaR. 10:10.

Kubatsira Vashanduri

Zvokudya zvokumudzimu zvinogoverwa neboka romutariri akatendeka iye zvino zvavapo mumitauro inenge 390. (Ruka 12:42) Naizvozvo kushandura chikamu chikuru chiri kuramba chichikura chebasa resangano raJehovha.

Kushandura kwakanaka haisi nyaya yokungoisa shoko neshoko panzvimbo yemashoko omumutauro weChirungu. Asi zvinoreva kunyatsobudisa pfungwa dzacho chaidzo. Saka zviri pachena kuti vashanduri vanofanira kunyatsonzwisisa mutauro weChirungu vasati vatanga kushandura. Dzimwe nguva iri ibasa rakaoma.

Nokudaro, richitungamirirwa neDare Rinodzora, boka rehama dzinokwanisa dzakagadzwa kuti dzishande sevarayiridzi dzakadzidziswa purogiramu inonzi Kosi Yokuwedzera Kunzwisisa Chirungu. Padzakapedza kosi yacho, iyo yakaitirwa paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York, hama dzacho dzakashanyira mapoka evashanduri munyika yose mugore rebasa ra2002 nera2003. Dzakapedza inenge mwedzi mitatu neboka rimwe nerimwe, dzichidzidzisa kosi yacho uye dzichipa rubatsiro runoshanda vanhu vachitoita basa racho. Vachibatsirwa nepurogiramu iyi, vashanduri zvino vanonzwa vakanyatsogadzirira kunzwisisa zvinorehwa nemashoko eChirungu.

Rimwe boka revashanduri rakati: “Nenyasha dzake, Jehovha akaona zvakakodzera kutibatsira kuti tive vanonyatsokwanisa kuita basa redu. Iye zvino tinonzwa tiine chivimbo zvikuru. Nokukomborera kwaJehovha, tinotarisira kuona migumisiro yakanaka.” Mumwe anotarisira shanduro akati: “Kare, vakawanda vedu tainetseka kwemaawa mazhinji nemashoko uye mitsetse yeChirungu yakaoma. Izvi zvainonotsa basa redu. Naizvozvo Kosi Yokuwedzera Kunzwisisa Chirungu yakafarirwa chaizvo. Yakatiratidza kuti tingaongorora sei mashoko eChirungu zvine nhevedzano, uye yakatipa nzira dzokushandura nadzo mashoko akaoma. Somugumisiro, iye zvino hatichanyanyi kunetseka uye tinokwanisa kukurumidza kushandura zvakarurama.”

Rimwe boka rakanyora kuti: “Kosi iyi yakabatsira kwazvo kupfuura imwe dzidzo ipi neipi yokunyika pakuti yakanyatsogadzirirwa zvatinoda chaizvo. Tinofunga kuti kosi iyi ichabatsira vashanduri vomunyika yose, zvichiita kuti vanhu vakafanana nemakwai zvivaitire nyore ‘kuwana pfungwa’ yechokwadi.”—Mat. 13:23.

Kusvika iye zvino, vashanduri vanenge 1 660 vari kushanda mumitauro inopfuura 150 vakabatsirwa nekosi yacho. Uyewo, purogiramu yacho yakaitwa kuti ibatsirewo vaya vanoshandurira kumitauro yemasaini nevaya vanoshandurira chiSpanish mune mimwe mitauro inotaurwa muCentral uye South America.

Kunyatsoshongedzwa Kuva Vadzidzisi

Jehovha noMwanakoma wake akaberekwa ari mumwe oga—“Shoko”—vanokoshesa zvikuru kukurukurirana. (Joh. 1:1, 14; 3:16; Zvak. 19:13) Richifungawo saizvozvo, boka romuranda akatendeka rinoramba richishanda nesimba kubatsira vanhu vaMwari kunatsiridza basa ravo rokuparidza uye unyanzvi hwavo hwokudzidzisa. Richifunga pamusoro paizvozvo, sangano raJehovha rakagadzira bhuku rinonzi Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri. Vaparidzi vakawanda vakaratidza kuonga kwavo bhuku iri kubvira parakatanga kushandiswa muChikoro chaMwari Choushumiri muna 2003.

“Hakuna rimwe boka rechitendero rine hanya zvikuru nokubatsira nenhengo dzaro, vakuru nevaduku, kuti vakurukure zvinobudirira,” akanyora kudaro mumwe mukuru wokuPhilippines. Mumwe mukuru wokuBrazil akati: “Kwandiri, mwedzi waJanuary 2003 waikosha kwazvo munhoroondo yeZvapupu zvaJehovha.” Mumwezve akati: “Ndakacherechedza kuti vaduku muungano vari kufarira zvikuru kubatanidzwa muchikoro chacho. Vamwe vakaverenga bhuku racho rose uye vakapedza basa rose rinofanira kuitwa—vakaita zvose izvi bhuku racho risati ratanga kushandiswa pachikoro!” Mumwe mutariri anofambira ave achishandisa zvakaisvonaka bhuku reChikoro Choushumiri paanoshanya achifudza. Akanyora kuti: “Zvitsauko zvinoti, ‘Shingairira Kuverenga,’ ‘Kudzidza Kune Mubayiro,’ uye ‘Ziva Matauriro Aunofanira Kuita’ zvinobatsira kwazvo pakugadzirira misangano uye ushumiri.”

Imwe hanzvadzi muBritain yakataura kuti “kubatanidzwa kwebasa rinofanira kuitwa ndechimwe chinhu chakaisvonaka kwazvo pakudzidzisa kwacho. Kana tichida kuva nounyanzvi hunodzidziswa muchikoro chacho, tinofanira kudzidzira izvi muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Basa rinofanira kuitwa rinotibatsira kuita izvi.” Imwe hama yokuJapan, inondandama yakanyora kuti: “Pose pandinopiwa basa rokuverenga, ndinonetseka nokuzvidya mwoyo kwokusaziva kana ndichizoverenga zvakanaka pachikuva. Ndinocherechedza kuti mafungiro angu asina kunaka aya akatoita kuti zvishate. Saka pandakapiwa basa randakapedzisira kuita, ndakanyora pfungwa dziri mubhuku reChikoro Choushumiri pasi pomusoro muduku unoti, ‘Nzira Yokutaura Nayo Zvakajeka’ (mapeji 87 ne88) uye dziri mubhokisi rinoti, ‘Kurarama Nokundandama’ (peji 95). Chokwadi, handitarisiri kuti ndichakurumidza kukunda chinetso changu chokundandama, asi ndakatsunga kusadzokera shure!”

Bazi rokuKenya rakanyora kuti, “MuBurundi, hama dzakaratidza kuti dzinoonga bhuku idzva iri, iro zvino rava kuwanika mumutauro weKirundi. Munyika ine vanhu vakawanda vasina kudzidza zvakanyanya, vadzidzi vari muChikoro chaMwari Choushumiri iye zvino vava kugona kunzwisisa mazano acho zviri nani. Somugumisiro, vanonyatsokurukura hurukuro dzavo nechido.”

Bhuku racho rakabatsirawo vakawanda kunatsiridza unyanzvi hwavo hwokunyora. Imwe hanzvadzi yechikuru yokuMexico, isina utano hwakanaka yakati: “Mubhuku reChikoro Choushumiri, pamapeji 71 kusvika 73, ndakawana pfungwa dzinoshandisika pakunyora tsamba. Ndinoparidza nenzira iyi nokuda kwoutano hwangu husina kutsarukana. Kunyange zvakadaro, ndaiwanzodzivisa kunyorera hama dzangu tsamba. Asi ndichishandisa nhungamiro inopiwa nebhuku idzva iri, iye zvino ndinogona kuvaparidzira zviri nani.” Mumwe mutariri weruwa muSouth Africa akati: “Chokwadi iri ibhuku rakasiyana nemamwe. Haringotauri zvachero pamusoro pounyanzvi hwokutaura asi rinobatanidza zvinhu zvokumudzimu, richiratidza kuti unyanzvi uhwu hunobva parudo rwechiKristu uye pakuva nehanya nevamwe.”

Zvinhu Zvine Chokuita Nomutemo

Musi waJune 17, 2002, Dare Repamusorosoro rokuUnited States rakaita chisarudzo chakakurumbira panyaya yaiva pakati peWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. neVillage of Stratton. Muchisarudzo charo, vatongi vasere mumwe chete achipikisa, Dare repamusorosoro renyika yacho rakasarudza kuti mitemo yaida mvumo yokuenda padzimba dzevanhu uchitsvaka rutsigiro kana kukumbira mari yaisabvumirana nebumbiro romutemo sezvayaishandisirwa kuushumiri hwepachena hweZvapupu zvaJehovha.

Zvichitevera kukunda uku, Dhipatimendi reMitemo riri pabazi rokuUnited States rakakurukura nemakanzuru ari munyika yacho yose. Somugumisiro, matambudziko ane chokuita nebasa redu rokuparidza akagadziriswa mumakanzuru 238 akanga amboedza kushandisira ushumiri hwedu hwepachena mutemo unorambidza kuenda padzimba dzevanhu uchitsvaka rutsigiro kana kukumbira mari. Uyezve, pamusana pechisarudzo chakaitirwa nyaya yeStratton, vaparidzi voUmambo mune mamwe makanzuru 216 havachafaniri kuenda kumapurisa kana kuvamwe vakuru vakuru vekanzuru vasati vaenda mubasa romumunda. Jehovha ngaarambe achibvisa zvibingamupinyi zvose zvakadaro.—Isa. 40:4; Mat. 24:14.

Hama dziri kuramba dzichisungwa uye dzichiiswa mujeri muArmenia pamusana pokuramba kuita basa rehondo nokuti dzinonzwa dzichirambidzwa nehana. Muchuchisi womuYerevan, guta racho guru, akakwirira mitongo yakapiwa hama dzinoverengeka kuti dzirambe dzichipika mujeri kwenguva refu. Vatongi vacho vakabvuma zvaakakwirira, vachirayira kuti pave nemitongo yakaomarara.

Muna February 2003 European Court of Human Rights yakazivisa kuti chikumbiro chakaitwa nevaviri vaichimbova mamishinari eZvapupu zvaJehovha chakanga chabvumirwa kuti chinzwiwe neDare racho. Zvavakanga vadzingwa muBulgaria, muna 1995, vaviri vacho vakafunga kuti kodzero yavo yokunamata vakasununguka uye kusasarurwa yakanga yatyorwa. Dare racho rakawana kuti zvakamhan’arwa zvacho zvakanga “zviine uchapupu.”

Nguva pfupi imwe ungano yapedza kuchengeta Chidyo chaShe cheManheru muAsmara, muEritrea, mapurisa akakomba nzvimbo yaiitirwa musangano, vakasunga vose vakanga vari ipapo 164—varume, vakadzi, uye vana. Vakachengetwa vakasungwa uye vakabvunzurudzwa usiku hwose. Zuva rakatevera zviremera zvakasunungura vana nehanzvadzi zhinji nevanofarira. Vamwe vakaendeswa kujeri guru riri muAsmara, uko vamwe vakachengetwa kweunenge mwedzi mumwe chete vasati vasunungurwa. Tisingatauri nezvechiitiko ichi choga, hama gumi dzichiri mumusasa wejeri nokuti dzakaramba kuita basa rehondo nokuti dzinonzwa dzichirambidzwa nehana. Nhatu dzakatongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe.

Hama dzedu dzichiri kungorwiswa muGeorgia. Kokorodzano dzoruwa dzakamiswa nechisimba nevakuru vakuru uye mapurisa aiva nezvombo ayo akapinda munzvimbo dzakanga dzichitoitirwa kokorodzano. Akaenda akamira pachikuva, akaudza vateereri kuti vaende. Pane imwe nguva akavhara migwagwa yose yaiva pedyo kuti hama dzirege kuenda kukokorodzano. Muchuchisi mukuru weZvapupu zvaJehovha ari kumirira kutongwa, asi haana kusungwa. Kutongwa kwake kwakasundirwa mberi kanokwana ka19. Nguva nenguva vatsigiri vake vakaita zvavanoda mudare, vachirova hama uye vachidzituka. Dhipatimendi reMitero rakaita kuti nhamba yomutero yeZvapupu yaichimboshandiswa irege kushanda, iyo yazvinoshandisa kuunza nayo mabhuku munyika uye yazvinoshandisa pakutenga.

KuKosovo neRomania kunobva mashoko akanaka. Musi waMay 20, 2003, vaparidzi voUmambo 90 vari muKosovo vakazivikanwa zviri pamutemo uye gwaro ravo rakanyoreswa. Saizvozvowo, pana May 22, 2003, Romania yakabudisa mutemo wakabva kuhurumende uchibvuma chitendero cheZvapupu zvaJehovha. Chikamu nhamba 3 chomutemo wacho chinoti: “Chitendero chechiKristu ‘Iro Sangano reChitendero reZvapupu zvaJehovha’ chine kodzero dzose uye zvachinosungirwa kuita zvinotaurwa nomutemo nokuda kwezvitendero zvinozivikanwa neHurumende yeRomania.” Mutemo wacho wakabudiswa uchiwirirana nokutonga kwakanga kwaitwa mugore ra2000 neRomanian Supreme Court of Justice.

Kutonga kwakaitwa muRussia kuchiedza kurambidza Zvapupu zvaJehovha muMoscow kwakamiswa zvachose musi waMay 22, 2003. Asingatauri kuti zvaizopera rini, mumwe mutongi akarayira kuti mabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha mumakore gumi apfuura aongororwe “zvine unyanzvi” kuti aonekwe kuti anoita sei kupfungwa. Kuongorora kwakadaro kwokuti izvi zvinoita sei kupfungwa dzomunhu kunomutsa mubvunzo. Munguva iyoyo, European Court of Human Rights yakatanga kushanda pachikumbiro chakanyorwa nehama. Chikumbiro chacho chinoshora kunetswa uye kusarurwa kwakaitirwa Zvapupu mudare muMoscow mumakore manomwe akapfuura.

Dare reMakurukota rokuchamhembe kweCyprus, richishandisa Chisarudzo cheDare Nha. E-1516-2002 chaAugust 8, 2002, rakabvisa mutemo wairambidza Zvapupu zvaJehovha kupinda kuchamhembe kwechitsuwa chacho. Mapiyona akanga adzingwa ikoko muna 1997, pakatanga kurambidzwa Zvapupu. Hama dzakadzoserwa Dzimba dzoUmambo mbiri dzakanga dzatorwa.

MuUzbekistan, Marat Mudarisov akanzi aiva nemhosva achipomerwa kuti “anoita kuti zvitendero zvivengane uye anokwezvera vana vaduku” kuchitendero chake. Akapiwa mutongo wokuti kana akangozowanikwa aine mhosva zvakare achapika. Kutaura zvazviri, “mhosva” yaainzi anayo kwaiva kuparidza mashoko akanaka kuvavakidzani vake uye kukurukura Bhaibheri vhiki nevhiki pamisangano yeungano. Munguva pfupi yapfuura, nyaya yacho yakakwidzwa kuDare Repamusorosoro reUzbekistan, uye mhosva yakanga yapomerwa Hama Mudarisov yakarambwa.

Kurarama Nemiedzo

Nyika ino zvayava pedyo nokuguma, chisimba uye kusagadzikana kwezvematongerwe enyika zviri kuramba zvichiwedzera, kazhinji zvichiomesa zvinhu kwazvo. Gore rakapera, hondo yevagari vomunyika imwe chete yakaramba ichitambudza Liberia neguta rayo guru, Monrovia. “Kwevhiki imwe chete kurwisana kwomumigwagwa kwakatsviriridza uye guta rose rakazara nemhirizhonga,” unodaro mushumo wenhau dzeReuters. “Varwi vaipikisa hurumende vatiza, zvinhu zvakaita sezvakanga zvadzikama, asi zvadaro musi wa24 June kumwezve kurwisana kwakanyanya kwakatanga uko kwakazoguma nokuparadzwa zvikuru kwezvivako uye nokufa kwevanhu.” Mune rimwe divi reguta racho, hama dzaitofanira kuti kwadzadza pasi pakanyorova muImba yoUmambo yadzo pamusana pemabara uye mabhomba aiputika, yakatsanangura kudaro hofisi yebazi. Hama dzakanyora kuti, “Kuparadzwa kweguta racho kwakanga kwakaipa kwazvo. Tainzwa kunhuwa kwezvitunha.” Korera yakaurayazve vamwe vanhu.

Nguva dzose uye zvakanyatsorongwa, varume vaiva nezvombo vakatora zvinhu nechisimba mumisha nomuDzimba dzoUmambo. Dzichiziva kuti chinhu chose chinokosha chaizobiwa, hama dzakawanda dzakasarudza kungova nezvinhu zvinodiwa pakurarama uye kwete zvakawanda, akatsanangura kudaro mamwe mamishinari akaroorana okuMonrovia. Mhuri hadzina kunyange kutenga mibhedha yokutsiva yakanga yabiwa asi dzairara pamaponde pasi. Asi vaya vakatadza kudzokera kumusha vakagara sevapoteri kana kuti vakatizira kunyika yavakavakidzana nayo.

Bazi rakanyora kuti, “Vanhu vari kungoraramira zvezuva iroro. Asi, zvinokurudzira kwazvo kuona kuti hama dzinoda chaizvo kupinda misangano uye kuita basa romumunda mamiriro ezvinhu paanobvumira.” Mamishinari ambotaurwa akati, “Panosvika zvinhu zvokuyamura, zvimwe zvezvinhu zvinotanga kubvunzwa nehama mabhuku eBhaibheri uye, dzimwe nguva, bhegi rokushandisa pakupupura kutsiva rinenge rarasika.”

Kudhinda Mabhuku Pakondinendi Imwe Neimwe

Musi waSeptember 1, 2001, hama nomwe dzakabva munyika dzakasiyana-siyana munyika yose dzakasarudzwa kuti dzive muBoka Rokuongorora Zvokudhinda. Dare Rinodzora rakakumbira hama idzi kuti dziongorore mapazi ose anodhinda munyika yose uye kuti dzitaure nzira dzokushandisa zvizere zvivako izvi zviripo. Richiita maererano nezvakanga zvataurwa neboka racho raiongorora, musi waOctober 17, 2001, Dare Rinodzora rakabvumira kuti kondinendi yoga yoga idhinde mabhuku ayo, kondinendi imwe neimwe ichitarisira zvainoda kudhinda. Makondinendi acho anoti Africa, Asia, Europe, North America, neSouth America.

Urongwa hwacho hutsva hwakatanga kushandiswa kutanga kwa2002. Zviri kuitika zviri kukurudzira. Chimbofunga nezvokugadzirwa kwemabhuku. Mugore ra2000, bazi reUnited States rakadhindira nyika yose mabhuku anenge 50 muzana. Asi iye zvino, zvapava nourongwa hwokuti kondinendi imwe neimwe idhinde mabhuku ayo, rakadhinda 26 muzana chete. Izvi zvakaguma nokudzikira kwemari inoshandiswa pakufambisa mabhuku, vashandi, michina, uye nzvimbo inodiwa yokudhindira mubazi reUnited States uye nokushandiswa zvakanaka kwezvivako zviripo iye zvino mune dzimwe nyika.

Pamwe chete nourongwa hwokuti kondinendi yoga yoga idhinde mabhuku ayo, Dare Rinodzora rakabvuma kuti michina minomwe mitsva yokudhinda inonzi MAN Roland Lithoman itengwe. Iyi ichatsiva yekare uye inonoka, nokudaro zvichibatsira kutarisira kudhinda kuchadiwa munguva yemberi. Michina mishanu pane mitsva yacho, mimwe yacho iyo yakatogadzirira kushandiswa, ndeyemapazi eBrazil, Britain, Japan, Mexico, neSouth Africa. Mimwe miviri yacho yakarongwa kuti izoiswa panzvimbo yokudhindira iri kuWallkill, New York, muna April naMay 2004. Muchina mumwe nomumwe wokudhinda wakareba mamita 40, uchadhinda magazini 90 000 kana mabhuku oukuru hwakaenzana nemagazini paawa (25 pasekondi yoga yoga), uye uchakwanisa kudhinda mavara akasiyana-siyana pamapeji ose.

Kumwezve Kuchinja Kwakaitika kuBrooklyn nokuWallkill

Pamwe chete nemichina mitsva yokudhinda, Wallkill ichatambirawo michina mitsva yokubhainda mabhuku inogona kugadzira butiro remabhuku nemaBhaibheri edeluxe 120 paminiti yoga yoga. Dhipatimendi Rokutumira Mabhuku, iro richatamiswa kubva kuBrooklyn kuenda kuWallkill, richabatsirwa nokuwana nzvimbo yokuchengetera zvinhu yakakura uye inokwira kuenda mudenga, richingoshandisa nzvimbo duku bedzi pane yaishandiswa kuBrooklyn.

Zvivako zvakatamwa zvokuBrooklyn zvichashandisirwa zvimwe zvinangwa. Uyezve, muna June 2003 Dare Rinodzora rakazivisa kuti chimwe chivako chakakura masikweya kiromita 95 000 chiri pa360 Furman Street chaizogona kutengeswa, icho chaimbova nemamwe madhipatimendi pamwe chete neRokutumira Mabhuku. Mamwe madhipatimendi ari muzvivako zvacho akatamiswa kana kuti achakurumidza kutamiswa achienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzezvivako zveBrooklyn.

Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo

Mugore rebasa ra2003, Dzimba dzoUmambo 2 340 dzakapera kuvakwa munyika yose. Izvi zvinoreva kuti paavhareji pamwedzi woga woga dzimba dzoUmambo 195 dzinovakwa, kana dzinongoti pfuurei 6 pazuva! Kubvira muna November 1999 pakatanga chirongwa chokuvaka munyika dzinowana zvishoma, Dzimba dzoUmambo 7 730 dzakavakwa. Munzvimbo dzakawanda, imba youmambo kana yangopera, nhamba yevanopinda misangano inowedzera uye nenguva isipi dzimba dzacho dzinozara kwazvo.

Pakatanga chirongwa chacho muAfrica, maiva nenzvimbo dzakakodzera dzokunamatira dzaisvika 550 munyika 38. Makore asingasviki mana gare gare, nyika 38 dzimwe chete idzodzo dzakava neDzimba dzoUmambo dzinopfuura 5 060—avhareji yeungano nhatu kusvika kuina paImba yoUmambo imwe neimwe. Richitaura nezvemanzwiro evanhu pazvirongwa zvokuvakwa kweDzimba dzoUmambo, bazi reMalawi rakataura nezveduramazwi idzva rakabudiswa neChristian Literature Association of Malawi. Bazi racho rinoti, “Duramazwi racho rine zita rokuti Zvapupu zvaJehovha uye rinoshandura zita redu zvakarurama muChichewa. Richiratidza kuti munhu angashandisa sei zita racho mumutsetse, duramazwi racho rinobva rawedzera kuti: ‘Zvapupu zvaJehovha zvakavaka machechi akawanda.’”

Hofisi yebazi yomune imwe nyika iri muAfrica, yakanyora kuti: “Hama padzakaenda kune imwe hofisi yomukuru mukuru wekanzuru kunokumbira mvumo yokuvaka Imba yoUmambo, murume wacho akabva abvarura mapepa edu ndokuarasa. Pakaitika izvi kechitatu, hama dzacho dzakasiyira nhau yacho kuna Jehovha. Nokukurumidza pashure pacho, zviremera zvakapa basa rokukweretesa mari vakuru vakuru vehurumende kune imwe yehama idzi, iyo yaizivikanwa pamusana pokutendeseka kwayo.

“Pakati peavo vakakumbira chikwereti paiva nomukuru mukuru uya akanga abvarura mapepa edu. Saka paakaona hama yedu, akabva abuda muhofisi yacho, ndokuzodzoka vhiki yaitevera achifunga kuti aizowana mumwe mukweretisi akasiyana. Asi panguva ino hama yedu yakatanga kutaura naye, ikamukumbira kuona tsamba yake, uye yakabvuma kumupa chikwereti. Achinyara, mukuru mukuru wacho akakumbira hama idzi kuti dzitumirezve tsamba dzadzo. Akaendesa oga tsamba idzi kumukuru mukuru wake kuti dzitenderwe uye akawana nzvimbo yokuvaka Imba yoUmambo. Ava kuremekedza Zvapupu, akati: ‘Izvo hazvitsivi chakaipa nechakaipa.’”

Bazi rokuUkraine rinoti: “Dzichitsvaka nzvimbo, hama dzomuguta reArtsyz dzakataura nomugadziri wemapurani womunzvimbo imomo. Dzakamuratidza mifananidzo yeDzimba dzoUmambo dzakapera kuvakwa. Zvamuomesa mate mukanwa, akati: ‘Imba yoUmambo yakadai yaifanira kuva pedyo nemahofisi edu ehurumende, sezvo yaizonakisa pakati peguta.’ Akabva avasarudzira imwe nzvimbo. Pashure pacho, mukuru wevagadziri vemapurani womudunhu racho akawedzera kuti: “Aka ndiko kokutanga kuona vanhu vechitendero vachitanga vabvumirana mapurani okushandisa vasati vatanga kuvaka. Kazhinji, hazviwanzodaro.’”

Pane imwe nzvimbo paivakirwa Imba yoUmambo muguta reLysychans’k, muzvinabhizimisi wechikadzi aibva kune rimwe guta riri pedyo, akataura kuti: “Ndave ndichikucherechedzai. Ndinofunga kuti munofanira kuvaka Imba yoUmambo yakaita seiyi muguta rokwangu. Ndichatotsigira zvamuchaita kuti muwane nzvimbo yakakodzera.” Hama dzakabva dzamuudza kuti mune Zvapupu zvishanu chete zvinogara munzvimbo iyoyo—zvishomanana kwazvo kuti zviumbe ungano uye kuti zvivake imba yacho. “Saka panodiwa zvingani?” akabvunza kudaro akabva awedzera kuti: “Ndinyorei seChapupu chechitanhatu.” Pamwe aitamba hake. Asi akabvuma kudzidza Bhaibheri.

Dzimba Itsva Dzemagungano

Mukati megore rebasa rapfuura, Dzimba Dzemagungano dzakapera kuvakwa dzikatsaurirwa muNhandeara neGoiânia, Brazil; El Trébol, Santiago, Chile; Morne Daniel, Dominica; Machala, Ecuador; Syracuse, Sicily, Italy; Gerehu, Papua New Guinea; Lomé, Togo; Newburgh, New York, neWest Palm Beach, Florida, U.S.A. Nezvebasa rokuvaka raiitwa muNewburgh, mumwe muzvinabhizimisi akati: “Sangano renyu rinoshamisa! Munoshandisa vanhu vanozvipira vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, zvipo, nounyanzvi, uye vanoshanda pamwe chete vachiwirirana. Handisati ndamboona zvakadai!” Mumwe anoongorora zvivako womunzvimbo imomo akaomeswa mate mukanwa kwete bedzi nebasa rakanga raitwa asiwo nehama nehanzvadzi. Iye akati: “Ndinofarira kuuya kuno. Ndinonzwa ndichifara pandinenge ndiri pamwe chete nemi.”

Basa rokuvaka raiitwa muNewburgh parakanga rava kuda kupera, moto wakabatira ukaparadza 20 muzana yechivako chacho. Panzvimbo pokuodzwa mwoyo, hama dzacho dzakaratidza zvikuru kuti dzaida kubatsira kuvakazve chivako chacho. Somugumisiro, basa iri rokuvakazve rakapera munguva isingasviki mwedzi, zvichiita kuti kutsaurira kwacho kuitwe panguva yakanga yakarongwa, musi waOctober 19, 2002. Richitaura nezvevazvipiri vacho, rimwe pepanhau romunzvimbo imomo rakati: “Kutenda kwavo kunopisa chaizvo kudarika mirazvo yakapisa chikamu chimwe chete pazvishanu chechivako chacho chine masikweya fiti 60 000.” Dzichiratidza kuonga kubatana kunokosha kwevanhu vaMwari, hama dzakawana mvumo yokutumidza mugwagwa wacho unoshandiswa nevanhu vose unoenda kuImba Yemagungano zita rokuti Unity Place (Nzvimbo Yokubatana).

Kutsaurirwa Kwemapazi

Mukati mokurwisana kwevagari vomuCôte d’Ivoire uye kwezvematongerwe enyika, hama imomo dzakaungana norugare musi waMarch 29, 2003, kuti dzitsaurire zvivako zvitsva zvinoverengeka pabazi riri muAbidjan. Izvi zvaisanganisira Imba yoUmambo itsva, zvivako zviviri zvokugara, uye chivako chokuitira mabasa akasiyana-siyana chine imba huru yokudyira, kicheni, mokugezera mbatya, mokuchengetera zvinhu, uye dzimba dzokugadzirira zvinhu. Zvivako zvacho zvitsva zviri pakatarisana nebazi ragara riripo, iro rakavakwa muna 1982. Vazvipiri vanobva munyika 15, vazhinji vavo vakauya vazvibhadharira mari, vakabatsira nhengo 110 dzeboka rokuvaka romunzvimbo imomo. Sébastien Johnson, mutariri wenyika dzakawanda aishanyira bazi racho, akapa hurukuro yokutsaurira yaiti, “Isa Mwoyo Wako Pakunamata Kwakachena.”

Musi woMugovera, February 15, 2003, vanhu 332 vaivapo paitsaurirwa bazi idzva muGuyana. Richard Kelsey, wokubazi riri kuGermany, akapa hurukuro yacho yokutsaurira. Akaita kuti vanhu vafunge nezvaJehovha soMuvaki Mukuru wezvinhu zvose zvakasikwa. Zvisinei, Hama Kelsey vakaratidza kuti chinhu chikuru chakasikwa naJehovha, icho chaivawo chokutanga, chakava chisikwa chomudzimu chine mbiri—iye Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe chete. Mamishinari mazhinji okutangatanga akadzoka kuzopinda purogiramu yokutsaurira, mamwe acho kari kokutanga mumakore anopfuura makumi mana! Tichifunga nezvokuti Guyana inongova nevaparidzi vemashoko akanaka vanopfuura 2 000, vose vakafara kuona vanhu 4 752 vanobva munyika 12 vachipinda purogiramu inokosha musi weSvondo.

Pakatsaurirwa zvivako zvokuwedzera zveBheteri muHaiti, inzwi raGeorge Corwin uyo ava nemakore akawanda rakadedera nomufaro sezvaaitaura nezvokushanya kwake kwaakanga achangobva kuita kuSt. Marc, taundi rine chitsuwa chengarava riri makiromita 60 kubva kuPort-au-Prince iri kuchamhembe. Somumishinari muSt. Marc kwemakore 40 akapfuura, iye akabatsira kuumba ungano yavo yokutanga. Iye zvino taundi racho rine ungano huru ina. Vadzidzi vake veBhaibheri, iye zvino vava Zvapupu zvakatendeka zvakasimba, vakafara kumugamuchira. Hama Corwin pavakasvika muHaiti, nyika yacho yaingova nevaparidzi vari pasi pe900, uye hofisi yebazi—imba duku yavairenda—yaiva nevashandi vaviri.

Bazi idzva rakavakwa muHaiti muna 1986, asi rakazovawo duku. Bazi rakawedzerwa, iro richangobva kutsaurirwa, rinokwana mhuri yeBheteri yevanhu 40, avo vanoshumira vaparidzi vanopfuura 12 000. Vazvipiri vanobva kuAustralia, Britain, Canada, Denmark, Germany, uye United States vakaitawo basa rokuvaka. Vakadzidzisawo vazvipiri vomuHaiti unyanzvi hunokosha hwokuvaka.

Nokushomeka kwezvinhu munzvimbo imomo, michina mikuru uye zvinenge zvinhu zvose zvaishandiswa kuvaka zvaifanira kuunzwa kubva kune dzimwe nyika. Pane dzimwe nguva izvi zvainonotsa basa asi hazvina kurimisa. Zuva rokutsaurira raiva Mugovera, November 23, 2002. Vanhu 3 122 vaisanganisira nhume 240 dzaibva kunyika 13. David Splane weDare Rinodzora akapa hurukuro yokutsaurira. Zuva rakatevera, vanhu vanopfuura 20 000 vakapinda purogiramu inokosha muNhandare yeSylvio Cator muPort-au-Prince.

“Ngatisimuke, tivake.” (Neh. 2:18) Aya mashoko anokurudzira, akataurwa nevaJudha vakanga vakatendeka vomunguva yaNehemia, aiva muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2000 muHungary. Vanhu vaJehovha vanobva munyika yacho yose vakakokwa kuzovaka chivako chebazi idzva muBudapest. Vachimiririra ungano dzose 251 dziri munyika yacho, vazvipiri 13 741 vakaitawo basa rokuvaka, iro rakatora makore maviri uye raisanganisira kugadziridza chivako chaimboshandiswa nemauto. Purogiramu yacho yokutsaurira, yakapindwa nevashanyi 554 vakabva munyika 22, yakaitwa musi waMay 10, 2003. Guy Pierce, imwe nhengo yeDare Rinodzora akapa hurukuro yokutsaurira yaiti, “Jehovha Anoita Kuti Zvirambe Zvichikura.”

Kuwedzera kwezvivako zvebazi kwave kuchiitwa nguva dzose muMexico. Zvivako zvacho zvitsva 14, zvakatsaurirwa musi waMarch 15, 2003, ndezvokuwedzera kune zviya zvakatsaurirwa muna 1974, 1985, uye 1989. Kuisa faundesheni yemasikweya mita 80 000 yezvivako zvitsva raiva basa rakaoma nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, nokuti nzvimbo yacho yaimbova dhamu, ivhu racho rakanga risina kusimba zvakakwana kuti ritsigise zvivako. Chechipiri, nzvimbo yacho inodengenyeka. Saka, kuti vavake faundesheni yakasimba, vashandi vacho vaifanira kuisa masimbi 3 261 pasi, imwe neimwe yakadzika mamita 24! Kugadzira mapurani nokuvaka zvakatora makore 12 uye zvaisanganisira vashandi vaizvipira 28 600 vomuMexico ne734 vakabva kune dzimwe nyika.

Nhengo nhatu dzeDare Rinodzora dzakakurukura papurogiramu yacho yokutsaurira. Guy Pierce akataura nezvomufaro mukuru unovapo nokuva noukama hwepedyo naJehovha. Theodore Jaracz akatsanangura kuti zvikomborero zvokuva akatendeka mubasa raMwari zvikuru kwazvo kana tichienzanisa nemiedzo inotarisana nevaKristu munguva ino yomugumo. Uye Gerrit Lösch, achitaura nechiSpanish, akapa hurukuro yokutsaurira yaiti, “Namata Mwari Wechokwadi!”

Musi waNovember 23, 2002, bazi rePeru rakatsaurira zvivako zvinoverengeka, kusanganisira chivako chemahofisi chakaisvonaka chine nhurikidzwa shanu uye chivako chokugara. Gerrit Lösch akapa hurukuro yokutsaurira yaiti, “Kuwedzera Kunoita Kuti Jehovha Arumbidzwe.” Zuva racho rakatevera, musi weSvondo, vanhu 59 940 vakaungana muNhandare yeSan Marcos muLima, umo purogiramu inokosha yakataura nezvezvikomborero zvakawanda zvaJehovha pabasa roUmambo muPeru. Uye kukomborera ikoko kwave kuri pachena zvechokwadi! Muna 1946 pakasvika mamishinari okutanga kuzotungamirira mubasa, munyika yacho maingova nevaparidzi vashoma nevanhu vaifarira. Zvino Peru ine vaparidzi 87 318 neungano 916.

Pabazi riri muRussia, vaeni 600 nenhengo dzemhuri yeBheteri 350—vose vaimiririra nyika 30—vakaungana pamusi waMay 17, 2003, kuti vaone kutsaurirwa kwezvivako zvitsva zvokugara, mahofisi, uye zvivako zvokuchengetera zvinhu. Kumwe kutsaurira kwakanga kwakamboitwa makore matanhatu akanga apfuura, saka nei vaifanira kukurumidza kuwedzera?

Bazi riri muRussia, riri kuSolnechnoye nechokumucheto kweSt. Petersburg, rinotarisira basa roUmambo rokuparidza rinoitwa munyika gumi. Mitauro inopfuura 100 inotaurwa munzvimbo iyi yakakura kwazvo, ine nharaunda 11 imwe neimwe ichishandisa kuverenga nguva kwakasiyana. Saka, basa rokushandura chikamu chikuru uye chiri kuwedzera chebasa rinoitwa pabazi. Panguva ino hama dziri kushandurira mabhuku eBhaibheri mumitauro 34. Uyezve, kubvira pakutsaurira kwakapedzisira kuitwa, nhamba yevaparidzi munharaunda iyoyo yakanga yawedzera nevanopfuura 40 000—vanenge 7 000 pagore! Bazi racho rakanyora kuti, “Kuwedzera kwacho kunongoramba kuchienderera mberi pasina chinomisa.” Naizvozvo dzichiitawo chimwe chinhu nokuda kwezvikomborero zvakawanda zvaJehovha, hama dziri muRussia dzakafara ku‘rebesa tambo dzetende radzo.’—Isa. 54:2.

Vazhinji vakatendeka vakwegura vakanga vatambudzwa kwazvo munguva yokutonga kweSoviet, vaivapo pakutsaurira kwacho musi woMugovera. Vose vakanyatsoteerera sezvo David Splane akapa hurukuro yokutsaurira yaiti, “Ndichazadza Imba Ino Nokubwinya,” yaitorwa pana Hagai 2:7. Akatsanangura kuti kunyange zvazvo zvivako zvitsva zvakanaka uye zvichiita kuti Jehovha arumbidzwe, mufambiro unodiwa naMwari uye unhu hwokumudzimu hwomuKristu mumwe nomumwe ndizvo zvinonyanya kumurumbidza nokunakisa kunamata kwechokwadi. Musi weSvondo, 9 800 vakashivirira mvura yaitonhora yaipfunha-pfunha kuti vanakidzwe nepurogiramu inokosha muNhandare yeKirov muSt. Petersburg.

Pasi pose, vashumiri vakagadzwa vanokwana 19 848 vanoshanda muzvivako zvebazi zvakadai. Vose inhengo dzeGadziriro Yepasi Pose yeVashumiri Chaivo Venguva Yakazara veZvapupu zvaJehovha.

[Chati/Mifananidzo iri papeji 12, 13]

ZVIMWE ZVAKAITIKA MUGORE REBASA RA2003

September 1, 2002

September 1: Nyaya dzinodzidzwa dzeNharireyomurindi dzinoitwa kuti dziwanikwe pavhidhiyo muMutauro Wemasaini wokuAmerica.

November 23: Kutsaurirwa kwebazi romuHaiti neromuPeru.

January 1, 2003

January 1: Ungano dzinotanga kushandisa bhuku idzva raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri.

February 15: Kutsaurirwa kwebazi romuGuyana.

March 15 uye 29: Kutsaurirwa kwebazi romuMexico neromuCôte d’Ivoire.

April 16: Mapurisa omuAsmara, muEritrea, anosunga vanhu 164 vari paChirangaridzo.

May 1, 2003

May 10 uye 17: Kutsaurirwa kwebazi romuHungary neromuRussia.

May 20: Zvapupu zvaJehovha zvinonyoreswa zviri pamutemo muKosovo.

May 22: Romania inobvuma zviri pamutemo kuti Zvapupu zvaJehovha chitendero. Kutonga kwokuedza kurambidza Zvapupu muMoscow kunosendekwa zvachose.

August: Muchina mutsva wokudhinda unonzi MAN Roland Lithoman unoiswa pabazi romuBritain.

August 31, 2003

August 31: Munyika dzichiri kusimukira, Dzimba dzoUmambo 7 730 dzakapera kuvakwa kubva muna November 1999. Vaparidzi 6 429 351 munyika 235.

[Mifananidzo]

Haiti

Peru

[Girafu riri papeji 11]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kuwedzera kwemitauro:

Mabhuku ose

“Nharireyomurindi”

“Mukai!”

400

300

200

100

1880 1920 1960 2000

[Mufananidzo uri papeji 14]

Varayiridzi veKosi Yokuwedzera Kunzwisisa Chirungu, uye madzimai avo

[Mufananidzo uri papeji 22, 23]

Muchina wokudhinda unoenzaniswa nebhazi

Nhamba dzezvakadhindwa:

Urefu: mamita 40

Kukwirira: mamita 5

Uremu: matani 201

[Mifananidzo iri papeji 28, 29]

Zvivako zvemapazi zvichangobva kutsaurirwa (1) Guyana, (2) Hungary, uye (3) Côte d’Ivoire

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe