Kuramba Mabasa Echiuto Nemhaka Yehana
Maererano naIsaya 2:4 naJohani 18:36.
ARMENIA
Musi wa27 November 2012 European Court of Human Rights (ECHR) yakapa mutongo wakanakira Hama Khachatryan nevamwe panyaya yavaipomerwa neArmenia. Hurumende yacho yakaita zviri kunze kwemutemo payakapomera Zvapupu 17 mhosva yekuramba kuita rimwewo basa risiri rechiuto rinotungamirirwa nemauto. Armenia yakaripa vanhu ava pamwe chete nekubhadhara mari dzavakashandisa pakufambisa nyaya dzacho mumatare.
Khachatryan naBayatyan vakanzi havana mhosva panyaya dzavaipomerwa neArmenia, Bayatyan ari iye wekutanga kupiwa mutongo wakadaro. Pasinei naizvozvo uye mimwewo mitongo yakazopiwa neECHR hurumende yeArmenia yakaramba ichingosunga uye ichipa Zvapupu zvechiduku mhosva nemhaka yokuramba kuita mamwe mabasa pamusana pehana. Zvisinei musi wa8 June 2013, hurumende yakabvumira kugadziriswa kwemutemo wekuita rimwe basa risiri rechiuto uyo unoita seunorambidza mauto kuva nesimba pabasa racho. Zvapupu zvose zvainge zvakasungwa nemhaka yokuramba kuita mabasa echiuto pamusana pehana zvakasunungurwa musi wa12 November 2013, uye hama dzechiduku idzo dzinokumbira kuita mamwe mabasa ehurumende asiri echiuto dziri kubvumirwa.
SOUTH KOREA
Musi wa31 October 2013, paiva nehama 602 dzaiva mujeri. Kubva muna 1950, South Korea yakatongera Zvapupu zvaJehovha 17 605 kugara mujeri kwemakore anosvika 34 184 pamusana pekuramba kuita basa rechiuto nemhaka yahana.
Kusvika munguva ichangobva kupfuura, Zvapupu zvakawanda izvo zvaiva mujeri zvaigara pamwe chete nemabhanditi, mamwe acho aitova nemhosva dzakakura. Zvisinei, boka rehama rakashanyira mukuru wevanoona nezvemajeri eKorea kuti rimukumbire kuti audze vakuru vakuru vemajeri kuti vaparadzanise hama dzedu nevamwe vasungwa. Vakuru vakuru vemajeri vakamhanya-mhanya ndokuparadzanisa ruzhinji rwehama dzedu kubva kumabhanditi, zvokuti pakazosvika April 2013, vanenge zvikamu 75 kubva muzana vehama dzaiva mujeri vainge vava kugara vari 4 kana kuti 5 muimba yemujeri. Kuchinja uku kwakava nemigumisiro ipi kuhama dzedu?
“Tava kure nezvinhu zvakashata zvakadai seunzenza uye kutuka,” yakadaro imwe hama. Imwe yakati, “Iye zvino tava kukurudzirana uye tava kugona kuita misangano yose iri mishanu vhiki imwe neimwe.”
Panguva ino, varume 56 vakambomiswa basa muchiuto vachinzi vamirire kuzodanwa kana vava kudiwa avo vakazova Zvapupu vari kuramba vachiendeswa kumatare, vachibhadhariswa faindi, uye vachimbosungwa nemhaka yekuramba kuenda kwavari kupota vachidanwa kuti vadzidzire zvechiuto. Sezvo vachidanwa kanoverengeka pagore kwemakore masere, kusaruramisira kwavari kutarisana nakwo kwakaoma kutsungirira.
SINGAPORE
Pasinei nekuramba dzichikumbira kuti dziite rimwe basa rehurumende risiri rechiuto, hama 12 dziri kuchengetwa dziri munzvimbo inochengeterwa masoja anenge asungwa, dzichipika jeri kwemwedzi 39 pamunhu. Imwe hama iri kupika kwegore pamusana pekuramba kuita mabasa anofanira kuitwa nemasoja anenge ambomiswa basa.
TURKMENISTAN
Pamusana pekuramba kuita zvinopesana nehana, hama 9 dziri kupika jeri kwemwedzi 18 kusvika kumakore maviri uye dzinowanzorohwa zvine utsinye nemagadhijeri nemasoja. Hama idzi padzinobudiswa mujeri, hurumende inowanzodziendesazve kumatare sevanhu vanenge vadzokorora kupara mhosva yovapa mutongo wakati omei. Magweta eZvapupu gumi zvakaramba kuita mabasa echiuto akanyunyuta kudare reUnited Nations rinoona nezvekodzero dzevanhu.
Kuramba Kuita Zvinhu Zvenyika Zvinopesana Nehana
Maererano naDhanieri 3:16-18.
Tanzania: Pashure pekunge vanzi havana mhosva, vechiduku ava vari Zvapupu vakakwanisa kuenderera mberi nechikoro
TANZANIA
Dare repamusorosoro reTanzania riri muDar es Salaam rakabvumirana kuti zvakaitwa nechimwe chikoro zvekudzinga vana vashanu uye kumisa chikoro vamwe 122 nokuti vakaramba kuimba rwiyo rwenyika zvaiva kunze kwemutemo. Muchisarudzo chakabudiswa musi wa12 July 2013, dare racho rakazivisa kuti kutenda kwevadzidzi vari Zvapupu ndekwechokwadi uye rakati vaiva nekodzero yepamutemo yekuti rusununguko rwavo rwehana nechitendero rudzivirirwe. Kutsunga kwevechiduku ava kuramba vakavimbika kuna Mwari kwakaguma nerukundo runosimudzira zita raJehovha uye rusununguko rwedu rwekunamata muTanzania.
Rusununguko Rwekutaura
Maererano naMabasa 4:19, 20.
KAZAKHSTAN
Tsvakurudzo inonzi yeunyanzvi yakaitwa neDhipatimendi Rinoona Nezvezvitendero yakabudisa kuti mabhuku edu anoverengeka anokonzera mhirizhonga, ichiti anokurudzira kusabatana kwevanhu uye kwezvitendero. Musi wa6 April 2013, mapurisa muguta reKarabalyk akatora zvinyorwa paakavhozhokera pamusangano weungano waiitirwa pamba. Musi wa3 July 2013, Astana Economic Court yakatsigira mutongo wekurambidza zvinyorwa zvedu 10, zvichiita kuti mabhuku edu arambe achiongororwa kuti paonekwe kuti ndeapi akakodzera kupinda munyika yacho. Uyezve muna December 2012, vakuru vakuru vehurumende vakatanga kusunga hama dzedu uye vakadzipa mhosva yekuita ravanoti basa reumishinari risiri pamutemo. Musi wa28 March 2013, Dhipatimendi Rinoona Nezvezvitendero rakarayira sangano reRegional Religious Center of Jehovah’s Witnesses kuti riudze Zvapupu zvaJehovha zvose muKazakhstan kuti hazvibvumirwi nemutemo kuparidza kunze kwenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakanyoreswa. Muna July 2013, zviremera zvakatanga kupa mhosva hama nehanzvadzi dzedu 21.
Rusununguko Rwekuungana Uye Kuwadzana
Maererano naVaHebheru 10:24, 25.
AZERBAIJAN
Muna January 2010, dare rehurumende rinoona nezvemasangano ezvitendero rakaramba kunyoresazve Religious Community of Jehovah’s Witnesses nemhaka yokuti raiti pane zvisina kumira zvakanaka pamagwaro ekunyoresa kwacho. Pasinei nokuedza kunoita Zvapupu zvaJehovha kugadzirisa zvinhu zvacho zvinonzi hazvina kumira zvakanaka, zviremera zvinongoramba kuzvinyoresazve. Musi wa31 July 2012, hama dzedu dzakapira nyaya iyi kuECHR, dzichiti hurumende yakakanganisa rusununguko rwedu rwechitendero payakaramba kutinyoresazve sesangano rechitendero, asi pasina chikonzero chepamutemo. Pasina kunyoreswazve, hama dzedu hadziwani zvose zvinowanikwa nevanhu vanenge vari pamutemo.
Rusununguko Uye Kuchengeteka Kwevanhu Nezvinhu
Maererano naVaFiripi 1:7.
UKRAINE
Kunyange zvazvo Zvapupu zviine rusununguko rwekunamata muUkraine, zvave zvichirohwa, zvichipisirwa uye kuparadzirwa Dzimba dzoUmambo. Vanoona nezvekuteererwa kwemitemo havanyatsoongorori nyaya idzi uye havadziendesi kumatare. Ndokusaka vanhu vanopikisa vachizofunga kuti vanogona havo kuita zvavanoda pasina zvavanoitwa. Nokudaro, zvakaipa zvinoitirwa hama dzedu zvakawedzera muna 2012 na2013. Nyaya dzakashumwa dzokuparadzwa uye kupiswa kwedzimwe Dzimba dzoUmambo muna 2010 dzaiva 5, dzikawedzera kusvika ku15 muna 2011, 50 muna 2012, uye mumwedzi mishanu yokutanga ya2013 paiva nenyaya 23. Hofisi yebazi iri kuendesa nyaya dzose idzi kudare reUnited Nations rinoona nezvekodzero dzevanhu.
Ukraine: Hama dzedu dziri kugadzirira kuvakazve Imba yoUmambo iyi yakaparadzwa ndokupiswa
Kodzero Yokuzvisarudzira
Maererano naMabasa 5:29 uye Mabasa 15:28, 29.
ARGENTINA
Muchirimo cha2012, Pablo Albarracini, uyo ainge akangomirawo hake matsotsi paaiedza kuba, akakuvara nemhaka yokupfurwa kanoverengeka uye ainge asingachazivi zvaiitika paakazomhanyiswa kuchipatara. Ainge ambosaina kadhi redurable power of attorney achiratidza kuti aisada kurapwa pachishandiswa zvinhu zvakatorwa kubva muropa. Kunyange zvazvo chipatara chacho chaida kuremekedza chisarudzo chaHama Albarracini chakajeka, mumwe wemumhuri mavo asiri Chapupu akaedza kuwana tsamba inobva kudare yokuti vawedzerwe ropa, achiita nharo dzokuti vaifanira kuwedzerwa ropa kuti vapone. Zvisinei, Dare Repamusorosoro rekuArgentina rakapa mutongo wakanakira Hama Albarracini, richiremekedza kodzero yavo yokutaura marapirwo avaida kuitwa kunyange pavainge vasingachazivi zvaiitika. Havana kuwedzerwa ropa asi vakasvika pakunyatsopora. Vakaonga kuti Jehovha akavabatsira kuti varambe vakaperera panyaya iyi inokosha.
Vanovengwa Pamusana Pechitendero
Maererano naRuka 21:12-17.
KYRGYZSTAN
Musi wa16 April 2013, rimwe dare rakapa mutongo wakanakira hama dzedu muToktogul, makaparadzwa Imba yoUmambo kaviri nevagari vemunzvimbo yacho. Dare racho rakawana vakaita izvi vaine mhosva ndokuvarayira kuti varipe. Kutongwa kwevakaiparadza kekutanga kuri kuitwa, zvichipa tariro yekuti matambudziko ari munzvimbo yacho achapera. Pari zvino ungano dzacho dzichavakazve Imba yoUmambo yacho.