RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 pp. 26-35
  • Mushumo Wenyaya Dzemumatare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mushumo Wenyaya Dzemumatare
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mushumo Wenyaya Dzemumatare
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Zvakaitika Gore Rakapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013
  • Mushumo Wenyaya Dzemumatare
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Zvakaitika Gore Rakapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2012
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 pp. 26-35
Mufananidzo uri papeji 27

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Mushumo Wenyaya Dzemumatare

Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu achiti: “Rambai muchifunga vaya vakasungwa nezvisungo zvomujeri sokunge kuti makasungwa pamwe chete navo.” (VaH. 13:3) Zvatiri vashumiri vaJehovha, tinoramba tichiyeuka hama nehanzvadzi dzedu dzakatendeka uye tinonyengeterera “vaya vose vane nzvimbo dzepamusoro; kuti tirambe tichirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara, tichizvipira kuna Mwari uye tiri vomwoyo wose zvizere.”​—1 Tim. 2:1, 2; VaEf. 6:18.

Dzinotevera ndedzimwe nyaya dzemumatare dzaifambirwa neZvapupu zvaJehovha gore rakapera:

Hama dzedu muRussia dzinoramba ‘dzichidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka’ pasinei nezviri kuitwa neRussian Orthodox Church nevamwe vakuru vakuru vehurumende kuti vamise basa redu. (Mab. 5:42) Zviremera zveRussia zvinoramba zvichipomera zvinyorwa zvedu nehama dzedu zvichishandisa mutemo usina kujeka une chekuita nekukonzera mhirizhonga wazvakadzika nechinangwa chekurwisa ugandanga. Somugumisiro, matare eRussia akataura kuti zvinyorwa zvedu zvinenge 70 zvine mashoko anokonzera mhirizhonga, uye vakuru vakuru vehurumende vakaisa zvinyorwa izvi pakati pezvinyorwa zvinokonzera mhirizhonga zvinorambidzwa munyika iyi. Nemhaka yeizvi, zviremera zvedzimwe nzvimbo zvinongoerekana zvavhozhokera muDzimba dzoUmambo nemudzimba dzehama dzedu kuti zvitsvage zvinyorwa zvacho. Mapurisa anobata uye anotora mapikicha nemafingapurindi Zvapupu zvakawanda nemhaka yokuita ushumiri. Anowanzoedza kutyisidzira hama dzedu paanenge akadzichengeta mumakamba emapurisa.

Kutanga muna May 2013, hama nehanzvadzi 16 muguta reTaganrog vakamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuronga, kupinda uye kuva nezvavanoita pamisangano yechiKristu uye kuita basa rekuparidza. Aka ndekekutanga kubva pakaparara Soviet Union kuti Zvapupu zvipomerwe mhosva yekuita maererano nezvazvinotenda. Zviremera zvemune dzimwe nzvimbo muRussia zviri kuedza kukurudzira matare kuti ataure kuti zvinyorwa zvedu zvinokonzera mhirizhonga uye kuti apomere hama dzedu mhosva yokuvenga zvimwe zvitendero.

Mamiriro ezvinhu ehama nehanzvadzi dzedu muEritrea haana kuchinja. Muna July 2013, paiva nevanhu 52 vaiva mujeri, kusanganisira hama 8 dzine makore 70 kana kupfuura, pamwe chete nehanzvadzi 6. Hama nhatu, Paulos Eyassu, Isaac Mogos, naNegede Teklemariam, vave vari mujeri kubva musi wa24 September 1994 pamusana pekuramba kwavo kuita mabasa echiuto.

Inopfuura hafu yevakasungwa iri mujeri reMeiter, riri mugwenga riri kuchamhembe kweguta guru reAsmara. Kubva muna October 2011 kusvika muna August 2012, zviremera zvakaranga hama dzedu 25 nokudziisa muchivako chemarata chakavakwa hafu yacho yakanyura muvhu. Mumwedzi yokupisa, magadhi anobudisa vasungwa panguva dzemasikati kuti vasanyanye kutsva nekupisa kunenge kuri muchivako chacho. Zvisinei, vanowana zvokudya nemvura zvisingakwani, saka utano hwehama dzacho hunodzikira zvikuru. Zvinosuruvarisa kuti Yohannes Haile, imwe hama yaiva nemakore 68, akafa muna August 2012 nemhaka yokubatwa zvisina kunaka uku, uye ndozvakaitawo Hama Misghina Gebretinsae muna 2011.

Kuramba Mabasa Echiuto Nemhaka Yehana

Maererano naIsaya 2:4 naJohani 18:36.

ARMENIA

Musi wa27 November 2012 European Court of Human Rights (ECHR) yakapa mutongo wakanakira Hama Khachatryan nevamwe panyaya yavaipomerwa neArmenia. Hurumende yacho yakaita zviri kunze kwemutemo payakapomera Zvapupu 17 mhosva yekuramba kuita rimwewo basa risiri rechiuto rinotungamirirwa nemauto. Armenia yakaripa vanhu ava pamwe chete nekubhadhara mari dzavakashandisa pakufambisa nyaya dzacho mumatare.

Khachatryan naBayatyan vakanzi havana mhosva panyaya dzavaipomerwa neArmenia, Bayatyan ari iye wekutanga kupiwa mutongo wakadaro. Pasinei naizvozvo uye mimwewo mitongo yakazopiwa neECHR hurumende yeArmenia yakaramba ichingosunga uye ichipa Zvapupu zvechiduku mhosva nemhaka yokuramba kuita mamwe mabasa pamusana pehana. Zvisinei musi wa8 June 2013, hurumende yakabvumira kugadziriswa kwemutemo wekuita rimwe basa risiri rechiuto uyo unoita seunorambidza mauto kuva nesimba pabasa racho. Zvapupu zvose zvainge zvakasungwa nemhaka yokuramba kuita mabasa echiuto pamusana pehana zvakasunungurwa musi wa12 November 2013, uye hama dzechiduku idzo dzinokumbira kuita mamwe mabasa ehurumende asiri echiuto dziri kubvumirwa.

SOUTH KOREA

Musi wa31 October 2013, paiva nehama 602 dzaiva mujeri. Kubva muna 1950, South Korea yakatongera Zvapupu zvaJehovha 17 605 kugara mujeri kwemakore anosvika 34 184 pamusana pekuramba kuita basa rechiuto nemhaka yahana.

Kusvika munguva ichangobva kupfuura, Zvapupu zvakawanda izvo zvaiva mujeri zvaigara pamwe chete nemabhanditi, mamwe acho aitova nemhosva dzakakura. Zvisinei, boka rehama rakashanyira mukuru wevanoona nezvemajeri eKorea kuti rimukumbire kuti audze vakuru vakuru vemajeri kuti vaparadzanise hama dzedu nevamwe vasungwa. Vakuru vakuru vemajeri vakamhanya-mhanya ndokuparadzanisa ruzhinji rwehama dzedu kubva kumabhanditi, zvokuti pakazosvika April 2013, vanenge zvikamu 75 kubva muzana vehama dzaiva mujeri vainge vava kugara vari 4 kana kuti 5 muimba yemujeri. Kuchinja uku kwakava nemigumisiro ipi kuhama dzedu?

“Tava kure nezvinhu zvakashata zvakadai seunzenza uye kutuka,” yakadaro imwe hama. Imwe yakati, “Iye zvino tava kukurudzirana uye tava kugona kuita misangano yose iri mishanu vhiki imwe neimwe.”

Panguva ino, varume 56 vakambomiswa basa muchiuto vachinzi vamirire kuzodanwa kana vava kudiwa avo vakazova Zvapupu vari kuramba vachiendeswa kumatare, vachibhadhariswa faindi, uye vachimbosungwa nemhaka yekuramba kuenda kwavari kupota vachidanwa kuti vadzidzire zvechiuto. Sezvo vachidanwa kanoverengeka pagore kwemakore masere, kusaruramisira kwavari kutarisana nakwo kwakaoma kutsungirira.

SINGAPORE

Pasinei nekuramba dzichikumbira kuti dziite rimwe basa rehurumende risiri rechiuto, hama 12 dziri kuchengetwa dziri munzvimbo inochengeterwa masoja anenge asungwa, dzichipika jeri kwemwedzi 39 pamunhu. Imwe hama iri kupika kwegore pamusana pekuramba kuita mabasa anofanira kuitwa nemasoja anenge ambomiswa basa.

TURKMENISTAN

Pamusana pekuramba kuita zvinopesana nehana, hama 9 dziri kupika jeri kwemwedzi 18 kusvika kumakore maviri uye dzinowanzorohwa zvine utsinye nemagadhijeri nemasoja. Hama idzi padzinobudiswa mujeri, hurumende inowanzodziendesazve kumatare sevanhu vanenge vadzokorora kupara mhosva yovapa mutongo wakati omei. Magweta eZvapupu gumi zvakaramba kuita mabasa echiuto akanyunyuta kudare reUnited Nations rinoona nezvekodzero dzevanhu.

Kuramba Kuita Zvinhu Zvenyika Zvinopesana Nehana

Maererano naDhanieri 3:16-18.

Mufananidzo uri papeji 32

Tanzania: Pashure pekunge vanzi havana mhosva, vechiduku ava vari Zvapupu vakakwanisa kuenderera mberi nechikoro

TANZANIA

Dare repamusorosoro reTanzania riri muDar es Salaam rakabvumirana kuti zvakaitwa nechimwe chikoro zvekudzinga vana vashanu uye kumisa chikoro vamwe 122 nokuti vakaramba kuimba rwiyo rwenyika zvaiva kunze kwemutemo. Muchisarudzo chakabudiswa musi wa12 July 2013, dare racho rakazivisa kuti kutenda kwevadzidzi vari Zvapupu ndekwechokwadi uye rakati vaiva nekodzero yepamutemo yekuti rusununguko rwavo rwehana nechitendero rudzivirirwe. Kutsunga kwevechiduku ava kuramba vakavimbika kuna Mwari kwakaguma nerukundo runosimudzira zita raJehovha uye rusununguko rwedu rwekunamata muTanzania.

Rusununguko Rwekutaura

Maererano naMabasa 4:19, 20.

KAZAKHSTAN

Tsvakurudzo inonzi yeunyanzvi yakaitwa neDhipatimendi Rinoona Nezvezvitendero yakabudisa kuti mabhuku edu anoverengeka anokonzera mhirizhonga, ichiti anokurudzira kusabatana kwevanhu uye kwezvitendero. Musi wa6 April 2013, mapurisa muguta reKarabalyk akatora zvinyorwa paakavhozhokera pamusangano weungano waiitirwa pamba. Musi wa3 July 2013, Astana Economic Court yakatsigira mutongo wekurambidza zvinyorwa zvedu 10, zvichiita kuti mabhuku edu arambe achiongororwa kuti paonekwe kuti ndeapi akakodzera kupinda munyika yacho. Uyezve muna December 2012, vakuru vakuru vehurumende vakatanga kusunga hama dzedu uye vakadzipa mhosva yekuita ravanoti basa reumishinari risiri pamutemo. Musi wa28 March 2013, Dhipatimendi Rinoona Nezvezvitendero rakarayira sangano reRegional Religious Center of Jehovah’s Witnesses kuti riudze Zvapupu zvaJehovha zvose muKazakhstan kuti hazvibvumirwi nemutemo kuparidza kunze kwenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakanyoreswa. Muna July 2013, zviremera zvakatanga kupa mhosva hama nehanzvadzi dzedu 21.

Rusununguko Rwekuungana Uye Kuwadzana

Maererano naVaHebheru 10:24, 25.

AZERBAIJAN

Muna January 2010, dare rehurumende rinoona nezvemasangano ezvitendero rakaramba kunyoresazve Religious Community of Jehovah’s Witnesses nemhaka yokuti raiti pane zvisina kumira zvakanaka pamagwaro ekunyoresa kwacho. Pasinei nokuedza kunoita Zvapupu zvaJehovha kugadzirisa zvinhu zvacho zvinonzi hazvina kumira zvakanaka, zviremera zvinongoramba kuzvinyoresazve. Musi wa31 July 2012, hama dzedu dzakapira nyaya iyi kuECHR, dzichiti hurumende yakakanganisa rusununguko rwedu rwechitendero payakaramba kutinyoresazve sesangano rechitendero, asi pasina chikonzero chepamutemo. Pasina kunyoreswazve, hama dzedu hadziwani zvose zvinowanikwa nevanhu vanenge vari pamutemo.

Rusununguko Uye Kuchengeteka Kwevanhu Nezvinhu

Maererano naVaFiripi 1:7.

UKRAINE

Kunyange zvazvo Zvapupu zviine rusununguko rwekunamata muUkraine, zvave zvichirohwa, zvichipisirwa uye kuparadzirwa Dzimba dzoUmambo. Vanoona nezvekuteererwa kwemitemo havanyatsoongorori nyaya idzi uye havadziendesi kumatare. Ndokusaka vanhu vanopikisa vachizofunga kuti vanogona havo kuita zvavanoda pasina zvavanoitwa. Nokudaro, zvakaipa zvinoitirwa hama dzedu zvakawedzera muna 2012 na2013. Nyaya dzakashumwa dzokuparadzwa uye kupiswa kwedzimwe Dzimba dzoUmambo muna 2010 dzaiva 5, dzikawedzera kusvika ku15 muna 2011, 50 muna 2012, uye mumwedzi mishanu yokutanga ya2013 paiva nenyaya 23. Hofisi yebazi iri kuendesa nyaya dzose idzi kudare reUnited Nations rinoona nezvekodzero dzevanhu.

Mufananidzo uri papeji 28

Ukraine: Hama dzedu dziri kugadzirira kuvakazve Imba yoUmambo iyi yakaparadzwa ndokupiswa

Kodzero Yokuzvisarudzira

Maererano naMabasa 5:29 uye Mabasa 15:28, 29.

ARGENTINA

Muchirimo cha2012, Pablo Albarracini, uyo ainge akangomirawo hake matsotsi paaiedza kuba, akakuvara nemhaka yokupfurwa kanoverengeka uye ainge asingachazivi zvaiitika paakazomhanyiswa kuchipatara. Ainge ambosaina kadhi redurable power of attorney achiratidza kuti aisada kurapwa pachishandiswa zvinhu zvakatorwa kubva muropa. Kunyange zvazvo chipatara chacho chaida kuremekedza chisarudzo chaHama Albarracini chakajeka, mumwe wemumhuri mavo asiri Chapupu akaedza kuwana tsamba inobva kudare yokuti vawedzerwe ropa, achiita nharo dzokuti vaifanira kuwedzerwa ropa kuti vapone. Zvisinei, Dare Repamusorosoro rekuArgentina rakapa mutongo wakanakira Hama Albarracini, richiremekedza kodzero yavo yokutaura marapirwo avaida kuitwa kunyange pavainge vasingachazivi zvaiitika. Havana kuwedzerwa ropa asi vakasvika pakunyatsopora. Vakaonga kuti Jehovha akavabatsira kuti varambe vakaperera panyaya iyi inokosha.

Vanovengwa Pamusana Pechitendero

Maererano naRuka 21:12-17.

KYRGYZSTAN

Musi wa16 April 2013, rimwe dare rakapa mutongo wakanakira hama dzedu muToktogul, makaparadzwa Imba yoUmambo kaviri nevagari vemunzvimbo yacho. Dare racho rakawana vakaita izvi vaine mhosva ndokuvarayira kuti varipe. Kutongwa kwevakaiparadza kekutanga kuri kuitwa, zvichipa tariro yekuti matambudziko ari munzvimbo yacho achapera. Pari zvino ungano dzacho dzichavakazve Imba yoUmambo yacho.

Mufananidzo uri papeji 34

Kyrgyzstan: Imba yoUmambo iyi yakaparadzwa kaviri nevagari vemunzvimbo yacho

Kukunda Zvine Mutsindo Mumatare

  1. Nyaya yacho: Chitendero chinofanira kuwana mvumo yekuita magungano nemisangano yeungano here?

    Chisarudzo chacho: Musi wa5 December 2012, Constitutional Court of the Russian Federation yakati Bumbiro Remutemo reRussia rinopa rusununguko rwekunamata uye dare racho rakapa mutongo wekuti hama dzedu dzinogona kuita misangano yechitendero dzisina kutanga dzazivisa kana kuwana mvumo kubva kuzviremera.

  2. Nyaya yacho: Vagari wemunyika vane kodzero here yekuramba kuti mapepa avo ekurapwa asaonekwa nevanhu vasinei nawo? Zvakaitika: Muna 2007 mutevedzeri wemuchuchisi weguta muSt. Petersburg, kuRussia, akarayira vezvipatara zvose muguta racho kuti vaudze hofisi yemuchuchisi nezveZvapupu zvaJehovha zvose zvinenge zvaramba kuwedzerwa ropa, asi vasingaudzi murwere wacho. Matare eRussia paakatadza kutsigira kodzero dzevarwere dzekuti zvinhu zvavo zvisaonekwa nevanhu vasinei nazvo, hama dzakaendesa nyaya yacho kudare rinoona nezvekodzero dzevanhu muEurope (ECHR).

    Chisarudzo chacho: Musi wa6 June 2013, ECHR yakatonga kuti zvakarayirwa nemuchuchisi zvinotyora kodzero dzekuti zvinhu zvemunhu zvisangoonekwa nevanhu vasinei nazvo. Yakati paisava nezvikonzero zvinogutsa kana kuti zvakakwana zvekuudza zviremera zvehurumende mashoko asingafaniri kuudzwa vanhu vasinei nawo. Chisarudzo chacho chakasimbiswa musi wa7 October, Chikamu Chepamusorosoro cheECHR pachakaramba chikumbiro cheRussia.—Nyaya yaAvilkina neVamwe yaiva pakati pavo nehurumende yeRussia.

Mamwe Mashoko Pamishumo Yenyaya Dzemumatare Dziri muBhuku Regore ra2013

Hurumende yeFrance yakaita maererano nezvakarayirwa neECHR musi wa5 July 2012, munyaya yekubhadharisa mitero zviri kunze kwemutemo. Hurumende yacho yakadzorera mari yayainge yatora yava nemubereko, pamwe chete nemari dzakashandiswa pakufambisa nyaya yacho mumatare, uye haisisina kubata zvivako zvebazi.—Bhuku Regore ra2013, peji 34.

Zvapupu zvaJehovha muIndia zviri kuramba zvichitambudzwa munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika yacho. Zvisinei, hazvisati zvasungwa kana kupomerwa zvenhema sezvakamboitika kare. Pari zvino pane nyaya dzinenge 20 dzakamirira kupinda mudare kuti zvakaipa zvakaitirwa hama dzedu zvigadziriswe.—Bhuku Regore ra2013, peji 35.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe