RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 19-p. 23 ndim. 1
  • Bhaibheri Rakagadzirwa Kuti Rigare Kwenguva Refu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rakagadzirwa Kuti Rigare Kwenguva Refu
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Makavha Anobhenda
  • Shanduro yeNyika Itsva Mumitauro Yakawanda
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2015
  • Kuratidzwa Kworudo, Kutenda, uye Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kubudiswa Kwebhuku Rinonyanya Kukosha Kupfuura Mamwe Ese
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 19-p. 23 ndim. 1
Mufananidzo uri papeji 19

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Bhaibheri Rakagadzirwa Kuti Rigare Kwenguva Refu

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinoda Bhaibheri kupfuura mamwe mabhuku ese. Tinoridzidza nguva dzese uye tinorishandisa pakudzidzisa vamwe mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mat. 24:14) Nokudaro, hama dzedu dzakaita zvese zvadzaigona kuti dzive nechokwadi chekuti zvese zvakashandiswa pakugadzira Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene ya2013 yakavandudzwa zvinge zvichiyevedza uye zvakasimba.

Hama dzinoshandira kunoprindwa mabhuku kuWallkill, iri muNew York, U.S.A., dzakakurukura nemukuru weimwe kambani inoprinda mabhuku nezvezvaizenge zvakaita Bhaibheri racho idzva, iye akati, “Hazviiti kugadzira Bhaibheri ramuri kutaura nezvaro.” Akawedzera kuti, “Chokwadi chandingakuudzai ndechekuti maBhaibheri akawanda anogadzirwa kuti aonekere ari patafura kana kuti pasherufu, kwete kuti agare kwenguva refu.”

Mamwe maBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva akambovapo aisagara kwenguva refu. Nokudaro, hama dzekuWallkill dzakanyatsoongorora makavha, guruu, uye nzira dzekubatanidza nadzo mapeji kuitira kuti dzigadzire Bhaibheri raizoramba rakanaka pasinei nekushandiswa kwaro mumamiriro ekunze akasiyana-siyana. Kubva pane zvavakawana, vakagadzira maBhaibheri ekushandisa kuti vaite tsvakurudzo ndokuapa Zvapupu zviri munyika dzakati kuti dzinotonhora, dzinopisa kana kuti dzinonaya zvakanyanya kuti vaone kuti anoita here.

Pashure pemwedzi mitanhatu, maBhaibheri acho akadzorerwa, uye hama dzacho dzakavandudza zvimwe zvinhu ndokutumira mamwezve. MaBhaibheri ese akatumirwa aipfuura 1 690. Mashomanana ndiwo akakanganiswa netsaona dzakaitika. Semuenzaniso, rimwe Bhaibheri rakatsikwa nemotokari, rimwe rakasiyiwa riri panze usiku hwese kuchinaya, uye rimwe rakakanganiswa nemvura yakanaya pakaitika dutu.

Muna 2011, panguva yaiitwa tsvakurudzo idzi, pakatengwa michina inoprinda mabhuku akawanda zvikuru munguva pfupi kuti ishandiswe kuWallkill uye kuEbina, Japan. Paida kuprindwa maBhaibheri anokwana vanhu vese paraizobudiswa, uyewo kuWallkill nekuEbina kwaifanira kuzoprindwa maBhaibheri akanyatsofanana.

Makavha Anobhenda

Mufananidzo uri papeji 21

Pakutanga, makavha acho aibhenda

Gore ra2012 richangotanga, kuWallkill nekuEbina kwakatanga kugadzirwa Shanduro yeNyika Itsva ya1984, pachishandiswa zvinhu zvaizogadziriswa makavha matsva. Zvisinei, michina mitsva inoisa makavha yakaisa mukavha yeBhaibheri racho guruu neliner zvainge zvisina kushandiswa pakuita tsvakurudzo, uye makavha acho aibhenda zvakanyanya. Saka haana kuzoramba achigadzirwa.

Vanogadzira chimwe chezvinhu zvakashandiswa pakavha iyoyo vakati dambudziko rekubhenda kwemakavha rinozivikanwa zvikuru muindasitiri yekubatanidza mabhuku saka vaifunga kuti hapana zvaigona kuitwa kuti dambudziko racho rigadziriswe. Zvisinei, hama dzaida chaizvo kugadzira Bhaibheri rine kavha yakapfava, inogara kwenguva refu uye inoyevedza, kwete kudzokera pakugadzira Bhaibheri rine kavha yakaomarara. Pashure peinenge mwedzi mina vachiedza guruu nemaliner zvakasiyana-siyana, vakazowana guruu neliner zvakazoita kuti vakwanise kugadzirazve maBhaibheri ane makavha akapfava asi asingazobhendi.

Mufananidzo uri papeji 22

Munobatanidzirwa mabhuku kuWallkill

Shanduro yeNyika Itsva yakavandudzwa yaifanira kubudiswa musi wa5 October 2013, pamusangano wepagore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Mafaira epakombiyuta eBhaibheri akanga apera kugadzirwa akasvika kwaaizoprindirwa musi weChishanu 9 August 2013, uye akatanga kuprindwa mangwana acho. Musi wa15 August ndipo pakanyatsopera kugadzirwa Bhaibheri rekutanga. Mumavhiki manomwe akatevera, hama dzekuWallkill uye kuEbina dzakashanda siku nesikati kuti dzigadzire nekutumira maBhaibheri 1 600 000 aizokwana vanhu vese vakapinda musangano wepagore.

Bhaibheri iri rakanaka uye rakasimba, asi mashoko aro anopa upenyu ndiwo akatonyanya kunaka. Imwe hanzvadzi yekuUnited States payakagamuchira Bhaibheri iri idzva, mangwana acho yakanyora kuti, “Zvatava neshanduro iyi yakavandudzwa, ndava kunzwisisa Bhaibheri zviri nani.”

Kushandurwa kweBhaibheri

Pakazosvika 31 August 2014, Shanduro yeNyika Itsva yakanga yatoshandurwa yese kana kuti chikamu chayo mumitauro 124. MaBhaibheri anotevera akabudiswa mugore rebasa ra2014.

PARAKABUDISWA

NYIKA

MUTAURO

BHAIBHERI

6 September 2013

South Africa

Swati

Magwaro echiGiriki

20 September 2013

Paraguay

Guarani

Magwaro echiGiriki

17 January 2014

Timor-Leste

Tetum

Magwaro echiGiriki

5 July 2014

Ukraine

Ukrainian

Bhaibheri rese

8 August 2014

Estonia

Estonian

Bhaibheri rese

22 August 2014

Britain

Persian

Magwaro echiGiriki

22 August 2014

Zambia

Chitonga

Bhaibheri rese

22 August 2014

Zambia

Kikaonde

Bhaibheri rese

29 August 2014

Kenya

Luo

Magwaro echiGiriki

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe