INDONESIA
Aimbova Mukuru Mukuru Wematsotsi, Ava Munhu Anoremekedzwa
Hisar Sormin
AKABEREKWA MUNA 1911
AKABHABHATIDZWA MUNA 1952
NHOROONDO YOUPENYU Aimbova mukuru mukuru wechikwata chematsotsi asi akazova nhengo yeDare Rebazi.
RIMWE zuva Hama Sormin vakashevedzwa nemutungamiriri wesangano revasori kuhofisi yegweta guru rehurumende.
“Uri chizvarwa chemuIndonesia iwe, saka nditaurire chokwadi,” akadaro mutungamiriri wacho. “Ko Zvapupu zvaJehovha zviri kumbonyatsoitei muIndonesia?”
“Regai ndikuudzei nyaya yangu,” vakadaro Hama Sormin. “Ndaimbova mukuru mukuru wechikwata chematsotsi, asi iye zvino ndava kudzidzisa vanhu Bhaibheri. Izvozvo ndizvo zviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha muIndonesia. Zviri kubatsira vanhu vanotyora mutemo sezvandaiita, kuti vave vanhu kwavo!”
Pava paya mutungamiriri uya akatozozivisa kuti: “Ndiri kunzwa vanhu vakawanda vachitsutsumwa pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Asi ndinoziva kuti ichechi yakanaka nekuti yakabatsira VaSormin kuti vachinje.”