RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 128-129
  • Aisakwanisa Kurisiya Pasi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Aisakwanisa Kurisiya Pasi!
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nguva Yavanorirava Uye Kubetserwa Kwavanoita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri—Bhuku Rinofanira Kuraviwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 128-129

GEORGIA

Aisakwanisa Kurisiya Pasi!

Marina Kopaliani

  • AKABEREKWA MUNA 1957

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1990

  • NHOROONDO YEUPENYU Iye nemurume wake, Badri, vakava vaparidzi vanoshingaira, ukuwo vachirera vanakomana vavo vaviri. Badri aiva mudare raiona nezvebasa reZvapupu munyika yacho uye akaramba akatendeka kusvikira paakazofa muna 2010.

Marina Kopaliani

MUNA 1989, ini nemurume wangu takasangana neZvapupu pamba pemumwe muvakidzani wedu. Hama Givi Barnadze, avo vaidzidza Bhaibheri nemuvakidzani wedu, vainge vasina Bhaibheri ravo nekuti zvainge zvakaoma kuwana maBhaibheri muGeorgia panguva iyoyo.

Takanakidzwa nezvatakadzidza uye taitoda kutsvaga Bhaibheri. Murume wangu paakaonana nemukoma wake, akabva amuudza kuti aitsvaga Bhaibheri. Murume wangu akashamisika paakanzwa mukoma wake achiti akanga abva kutenga Bhaibheri rechiGeorgian uye kuti aigona kumupa Bhaibheri iroro sechipo.

Badri paakadzoka kumba, akabva agara pasi ndokuti sika kuverenga Bhaibheri riya kusvikira hwava usiku. Zuva rakatevera racho akamuka ndokusimudzira kuriverenga. Pandakasvika kumba ndichibva kubasa, ndakamuwana achiri kungoriverenga. Aisakwanisa kurisiya pasi! Saka ndakamubvunza kuti zvaisaita here kuti ambokumbira kusava pabasa kwetwumazuva kuitira kuti apedze kuriverenga. Munguva pfupi ainge atoriti tsvai.

Patakazotanga kudzidza bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi naHama Barnadze, taifara kuti takanga tava neBhaibheri reduwo. Zvakabva zvatonakawo kuti munhu aitidzidzisa aiva nebhuku raZvokwadi uye isu taiva neBhaibheri! Pashure perinenge gore, ini naBadri takabva tabhabhatidzwa.

Marina naBadri Kopaliani
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe