RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 130-131
  • Nguva Yese Iyi Makanga Muri Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yese Iyi Makanga Muri Kupi?
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • Vapristi Vakatsamwa Vanosangana Nevanhu Vanyoro
    Zvakaitika
  • Pfuma Yakavanzwa Kwemazana Emakore
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Ndakazvionera Ndega Zvinotaurwa neBhaibheri!
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 130-131

GEORGIA

Nguva Yese Iyi Makanga Muri Kupi?

Artur Gerekhelia

  • AKABEREKWA MUNA 1956

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1991

  • NHOROONDO YEUPENYU Papera mwedzi 8 chete kubva paakabhabhatidzwa, akasiya imba yake nebhizimisi rake raibudirira kuitira kuti aende kwaidiwa vaparidzi vakawanda.

Artur Gerekhelia

NDICHANGOBVA kubhabhatidzwa, vakuru vakandibvunza kuti ndaida here kuwedzera ushumiri hwangu. Musi wa4 May, 1992, ndakapinda musangano wakaitirwa vaya vainge vakagadzirira kutamira kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Zuva rakatevera racho, ini newandaizoenda naye kunoparidza, takatamira kuguta rine chiteshi chezvikepe rinonzi Batumi, riri munharaunda yeAjaria.

Musi wandakatanga kuparidza muBatumi, ndainzwa kutya. Ndakafunga kuti, ‘Saka ndotanga kutaura navo ndichitii?’ Ndakashamisika nezvakataurwa nemumwe mukadzi wandakatanga kuonana naye, uyo akati, “Nguva yese iyi makanga muri kupi?” Aida chaizvo kuziva zvakawanda nezveZvapupu zvekuti takabva tatotanga kudzidza Bhaibheri naye zuva rakatevera racho!

Tisati taenda kuBatumi, takapiwa kero dzevanhu vaifarira. Sezvo taiva vatsva muguta racho, taifamba tichibvunza vanhu vataisangana navo kuti tofamba sei kuti tisvike kwataienda. Vakawanda vaisakwanisa kutibatsira nekuti migwagwa yakawanda yainge ichangobva kupiwa mazita matsva, asi vairatidza kuti vaifarira mashoko ataiparidza. Munguva pfupi, takanga tava kudzidzisa Bhaibheri zvikwata zvevanhu 10 kusvika ku15.

Pangopera mwedzi 4 kubva patakasvika munzvimbo yacho, vanhu vanodarika 40 vainge vava kupinda misangano nguva dzese. Saka takatanga kunetseka kuti, ‘Ndiani achasara achidzidzisa vanhu ava?’ Sezvineiwo, mauto emuGeorgia akabva atanga kunetsana nevapanduki vemunharaunda yeAbkhazia, zvikabva zvaita kuti vaparidzi vese vemuungano yandaimbopinda nayo vatamire kuBatumi. Nezuva rimwe chete kwakabva kwatoumbwa ungano yaiva nevakuru nemapiyona vaiva neruzivo!

Vanhu vari kudzidza Bhaibheri
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe