RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 24
  • Sei Pasi Rose Pasina Rugare?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Pasi Rose Pasina Rugare?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nei Vanhu Vari Kutadza Kuita Kuti Panyika Pave Nerugare?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Ndiani Achatungamirira Rudzi Rwomunhu Kurugare?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 24
Ndege yehondo

Sei Pasi Rose Pasina Rugare?

Mhinduro yeBhaibheri

Vanhu vakundikana kuita kuti pasi rose pave nerugare uye vacharamba vachikundikana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana:

  • “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:​23) Vanhu havana kusikwa vachikwanisa kana kuti vaine kodzero yokuzvitonga, saka havakwanisi kuita kuti pasi rose parambe paine rugare.

  • “Usavimba nevatungamiriri vevanhu; hapana munhu anogona kukuponesa. Pavanofa, vanodzokera kuguruva; pazuva iroro zvirongwa zvavo zvose zvinobva zvaguma.” (Pisarema 146:​3, 4, Good News Translation) Vatungamiriri vehurumende, kunyange vaya vanenge vachida kuitira vanhu zvakanaka, havagoni kuwana nzira dzokupedza nadzo zvinokonzera hondo.

  • “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava. . . vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada.” (2 Timoti 3:​1-4) Tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” enyika ino yakaipa, apo vanhu vari kuratidza unhu hunoita kuti zviome kuita kuti pave nerugare.

  • “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:​12) Dhiyabhorosi, muvengi waMwari, ari pano panyika uye ari kukusvudzira vanhu kuti vave nemafungiro ake eutsinye. Kana iye achiri “mutongi wenyika ino,” pasi pano hapafi pakava nerugare.​—Johani 12:31.

  • “[Umambo hwaMwari] huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [hunopikisa Mwari], uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhanieri 2:​44) Umambo hwaMwari, kwete hurumende dzevanhu, ndihwo huchagutsa chido chedu chokuva nerugare pasi rose.​—Pisarema 145:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe