RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 34
  • Mwari Achanzwa Minyengetero Yangu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Achanzwa Minyengetero Yangu Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Nezveminyengetero Inonzwiwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 34

Mwari Achanzwa Minyengetero Yangu Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Hongu achanzwa. Zvakanyorwa muBhaibheri uye zvinosangana nevanhu muupenyu zvinoratidza kuti Mwari anonzwa minyengetero. Bhaibheri rinoti: “[Mwari] achaita zvinodiwa navose vanomutya, achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye achavaponesa.” (Pisarema 145:​19) Asi zvauchaita ndizvo zvichatema kuti munyengetero wako uchanzwiwa here kana kuti kwete.

Zvinotariswa naMwari kune vaya vanonyengetera kwaari

  • Kunyengetera kwaari, kwete kuna Jesu, Mariya, vasande, ngirozi, kana zvifananidzo. Jehovha Mwari chete ndiye “Munzwi womunyengetero.”​—Pisarema 65:2.

  • Kunyengetera zvinoenderana nezvaanoda, kana kuti mitemo yake, yakanyorwa muBhaibheri.​—1 Johani 5:14.

  • Kunyengetera nomuzita raJesu, kuratidza kuti tinoremekedza chinzvimbo chake. “Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri,” akadaro Jesu.​—Johani 14:6.

  • Kunyengetera tichiratidza kuti tine kutenda, uye tichikumbira kuti tiwedzerwe kutenda kwatinako.​—Mateu 21:​22; Ruka 17:5.

  • Kuzvininipisa uye kunyengetera nemwoyo wose. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa.”​—Pisarema 138:6.

  • Kuramba tichinyengetera. Jesu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa.”​—Ruka 11:9.

Zvisingatariswi naMwari kune vaya vanonyengetera kwaari

  • Rudzi rwako kana kwaunobva. “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”​—Mabasa 10:​34, 35.

  • Kuti wakapfugama here kana kuti hauna. Unogona kunyengetera kuna Mwari wakagara, wakakotamisa uso, wakapfugama, kana kuti wakamira.​—1 Makoronike 17:​16; Nehemiya 8:6; Dhanieri 6:​10; Mako 11:25.

  • Kunyengetera zvinonzwika kana kuti nechemumwoyo. Mwari anonzwa kunyange minyengetero inoitwa chinyararire.​—Nehemiya 2:​1-6.

  • Zviri kukunetsa zvikuru kana kuti zviduku. Mwari anokukurudzira kuti ‘ukande kuzvidya mwoyo kwako kwose paari, nokuti iye ane hanya newe.’​—1 Petro 5:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe