RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 52
  • Tinoraramirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoraramirei?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mubvunzo 1: Ndinomboraramirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nezvahunoreva Zvechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 52

Tinoraramirei?

Mhinduro yeBhaibheri

Mubvunzo wokuti tinoraramirei unogona kubvunzwa nenzira dzakasiyana-siyana dzakadai sokuti Nei tiri panyika? kana kuti Upenyu hwangu hune chinangwa here? Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa chokurarama ndechokuti tive neukama naMwari. Funga nezvezvinhu zviri pasi apa zvinotaurwa neBhaibheri.

  • Mwari ndiye Musiki wedu. Bhaibheri rinoti: “[Mwari] ndiye akatisika, kwete isu pachedu.”—Pisarema 100:3; Zvakazarurwa 4:11.

  • Mwari ane chinangwa pazvinhu zvose zvaakasika kusanganisira isu.​—Isaya 45:18.

  • Mwari akatisika tiine chido chokunamata, icho chinoita kuti tide kuziva chinangwa cheupenyu. (Mateu 5:3) Anoda kuti tizadzise chido ichocho.​—Pisarema 145:16.

  • Tinozadzisa chido chedu chekunamata nekuva neukama naMwari. Kunyange zvazvo vamwe vachifunga kuti hazviiti kuti munhu ave shamwari yaMwari, Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8; 2:23.

  • Kuti tive shamwari yaMwari, tinofanira kurarama zvinoenderana nechinangwa chaakatisikira. Bhaibheri rinotaura chinangwa ichi pana Muparidzi 12:13 richiti: “Itya Mwari uchichengeta mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa guru romunhu raakasikirwa kuita.”​—Bhaibheri Rinoera.

  • Mune ramangwana, Mwari paachabvisa matambudziko ose uye paachapa upenyu husingaperi kushamwari dzake kureva vaya vanomunamata, ndipo patichanyatsorarama zvinoenderana nechinangwa chatakasikirwa.​—Pisarema 37:10, 11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe