RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 56
  • Dhiyabhorosi Anogona Kutsausa Vanhu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhiyabhorosi Anogona Kutsausa Vanhu Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Rwisanai Nasatani, uye Iye Achakutizai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Unonyatsodavira Kuti Dhiyabhorosi Munhu Chaiye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 56

Dhiyabhorosi Anogona Kutsausa Vanhu Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Dhiyabhorosi nemadhimoni vanotsausa vanhu zvakanyanya zvokuti Bhaibheri rinoti: “Satani ndiye anotonga pasi pano.” (1 Johani 5:19, Bhaibheri Rinoera) Bhaibheri rinoratidza nzira dzinoshandiswa naDhiyabhorosi kuti atsause vanhu.

  • Unyengeri. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti ‘vamirisane nemazano aSatani akaipa vachirwa nawo.’ (VaEfeso 6:11, Bhaibheri Rinoera) Umwe unyengeri hwaanoshandisa ndehwokuita kuti vanhu vafunge kuti vanhu vaanoshandisa vashumiri vaMwari.​—2 VaKorinde 11:13-15.

  • Zvemidzimu. Dhiyabhorosi anotsausa vanhu achishandisa masvikiro, vafemberi, vanoshopera uye vanofembera vachishandisa nyeredzi. (Dheuteronomio 18:10-12) Kushandisa madhiragi, kuitwa kuti urare asi uchiita zvimwe zvinhu zvinoda kushandisa pfungwa (hypnotism), uye kunyanya kudzamisa pfungwa kunoitwa nomunhu zvokuti pfungwa dzinosara dzisisina chinhu (meditation techniques) zvinoitawo kuti munhu atsauswe nemadhimoni.​—Ruka 11:24-26.

  • Chitendero chenhema. Zvitendero zvinodzidzisa zvenhema zvinotsausa vanhu kuti vasateerera Mwari. (1 VaKorinde 10:20) Bhaibheri rinoti dzidziso dzakadaro dzenhema ‘idzidziso dzemadhimoni.’—1 Timoti 4:1.

  • Kugarwa nemadhimoni. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vainetswa nemidzimu yakaipa. Dzimwe nguva vanhu vaigarwa nemadhimoni vaiitwa mapofu kana kutadza kutaura kana kutozvikuvadza.​—Mateu 12:22; Mako 5:2-5.

Zvii zvaungaita kuti usatsauswa naDhiyabhorosi?

Haufaniri hako kugara uchitya madhimoni, nokuti Bhaibheri rinoratidza zvaungaita kuti ukunde Dhiyabhorosi:

  • Ziva nzira dzinoshandiswa naDhiyabhorosi kuitira kuti uzive ‘mazano ake.’​—2 VaKorinde 2:11.

  • Dzidza Bhaibheri, woita zvaunenge wadzidza. Kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kuchakudzivirira kuti usatsauswa naDhiyabhorosi.​—VaEfeso 6:11-18.

  • Rasa chinhu chose chine chokuita noudhimoni. (Mabasa 19:19) Izvi zvinosanganisira nziyo, mabhuku, magazini, zvikwangwani, uye mavhidhiyo anokurudzira kuita zvechidhimoni.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe