RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 31
  • Zvapupu zvaJehovha Isangano Rakatangwa Nemunhu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Isangano Rakatangwa Nemunhu Here?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Sangano rakatangwa nemunhu rakaita sei?
  • Masekete—Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvapupu zvaJehovha Isekete Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Umhandara—Nei?
    Mukai!—1996
  • Chivande Chinoitwa Muzita raShe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 31
Mumwe weZvapupu zvaJehovha ari kudzidzisa vanhu kuverenga nekunyora.

Zvapupu zvaJehovha Isangano Rakatangwa Nemunhu Here?

Kwete, Zvapupu zvaJehovha harisi sangano rakatangwa nemunhu. Tiri vaKristu vanoedza nepose pavanogona kutevedzera mararamiro aiitwa naJesu Kristu uye dzidziso dzake.

Sangano rakatangwa nemunhu rakaita sei?

Vanhu vanopa tsanangudzo dzakasiyana-siyana panyaya iyi. Asi ona zvinhu zviviri zvinowanzotaurwa nevanhu nezvemasangano iwayo uye kuti sei isu tichiti takasiyana nemasangano iwayo.

  • Vamwe vanoti chinenge chiri chitendero chitsva chatangwa. Zvapupu zvaJehovha hazvina kutanga chitendero chitsva. Manamatiro edu akafanana neevaKristu vekutanga-tanga, avo vane mararamiro uye dzidziso zviri muBhaibheri. (2 Timoti 3:16, 17) Tinoti Magwaro Matsvene ndiwo anofanira kutungamirira pane zvose zvine chokuita nokunamata.

  • Vamwe vanoti chinenge chiri chitendero chinotungamirirwa nemunhu. Zvapupu zvaJehovha hazvina munhu wepanyika wazvinoti ndiye mutungamiriri wazvo. Tinotevedzera zvakataurwa naJesu paakaudza vadzidzi vake kuti: “Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu.”—Mateu 23:10.

Isu takasiyana nekure nezvinofungwa nevanhu vanoti sangano redu rakaipa. Chitendero chedu chinobatsira vanhu vose pasinei nokuti tinonamata navo here kana kuti kwete. Somuenzaniso, basa redu rokuparidza rabatsira vanhu vakawanda kuti vasiye zvinhu zvinokanganisa utano zvakadai sokudhakwa uye kushandisa madhiragi nenzira isiri iyo. Uyezve pasi rose, tiri kubatsira zviuru zvevanhu kuti vadzidze kuverenga nokunyora. Uye tinobatsira chaizvo vanenge vawirwa nenjodzi. Tinoedza nepose patinogona kuva nemararamiro akanaka anobatsira vamwe, sekurayira kwakaita Jesu vadzidzi vake.—Mateu 5:13-16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe