RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 86
  • Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Inga wani Bhaibheri rinoti Mwari haachinji?
  • Mwari anodemba kuti akasika vanhu here?
  • Unofanira Kuchinja Pfungwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kunyeverwa Nezvakamboitika
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Paradza Kufunga Kwese Kunopesana Nekuziva Mwari!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Nzira Yaunogona Kuchinja Nayo Zvauri
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 86
Saini yokudzokera kwawabva

Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Ehe, anozviita kana munhu akachinja maitiro ake. Somuenzaniso, Mwari paakataura mutongo waaida kupa vaIsraeri akati: ‘Zvichida vachateerera votendeuka, mumwe nomumwe osiya nzira yake yakaipa, uye kana vakadaro ndichachinja pfungwa dzangu ndorega kuvaunzira dambudziko randakanga ndavafungira nemhaka yezvakaipa zvavanoita.’—Jeremiya 26:3.

Pavhesi iyi, maBhaibheri akawanda anoti Mwari ‘aizozvidemba’ nezvedambudziko raakanga afungira vaIsraeri. Izvi zvinogona kupa pfungwa yokuti Mwari akanga akanganisa. Asi shoko rechiHebheru rakashandiswa apa rinogona kureva “kuchinja pfungwa.” Imwe nyanzvi yechiJudha yakanyora kuti: “Kana munhu akachinja maitiro ake Mwari anochinja chirango chaanga achida kumupa.”

Kunyange zvazvo Mwari achigona kuchinja pfungwa dzake, hazvirevi kuti anotofanira kudzichinja pese pese. Funga nezvedzimwe nguva apo Mwari asina kuchinja pfungwa dzake:

  • Mwari haana kuchinja pfungwa dzake kuti aite sezvaidiwa naBharaki zvokutuka vaIsraeri.​—Numeri 23:18-​20.

  • Mambo Sauro paakanga anyura pakuita zvakaipa, Mwari haana kuchinja pfungwa dzake dzokumubvisa pakuva mambo.​—1 Samueri 15:28, 29.

  • Mwari achazadzisa vimbiso yake yokuti Mwanakomana wake ave mupristi nokusingaperi. Mwari haasi kuzochinja pfungwa dzake ipapo.​—Pisarema 110:4.

Inga wani Bhaibheri rinoti Mwari haachinji?

Ehe ndizvozvo, Mwari anoti: “Ndini Jehovha; handina kuchinja.” (Maraki 3:6) Rinotiwo Mwari ‘haambochinji sokufamba kunoita mumvuri.’ (Jakobho 1:17) Asi izvi hazvisi kupikisana nenyaya yokuti Mwari anogona kuchinja pfungwa dzake. Mwari haachinji pakuti unhu hwake, mitemo yake yorudo uye yokururamisira zvinoramba zvakadaro. (Dheuteronomio 32:4; 1 Johani 4:8) Kunyange zvakadaro, anogona kupa vanhu mirayiridzo kuti vaite chimwe chinhu neimwe nzira nhasi asi mangwana ovapa mimwe yakasiyana. Somuenzaniso, Mwari akapa Mambo Dhavhidhi mirayiridzo yakasiyana pakunorwa hondo mbiri uye nzira dzacho dzakashanda.​—2 Samueri 5:​18-​25.

Mwari anodemba kuti akasika vanhu here?

Aiwa, asi anorwadziwa nokuona vanhu vakawanda vasingamuteereri uye vachimuramba. Bhaibheri parinorondedzera zvaiva zvakaita upenyu Mafashamo emunguva yaNoa asati auya, rinoti: “Jehovha akazvidemba kuti akanga aita vanhu panyika, akarwadziwa mumwoyo make.” (Genesisi 6:6) Muvhesi iyi shoko rokuti “kuzvidemba” rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “kuchinja pfungwa.” Mwari akachinja pfungwa dzake nezvevanhu vakawanda vairarama Mafashamo asati auya nokuti vakanga vaipa chaizvo. (Genesisi 6:​5, 11) Kunyange zvazvo akarwadziwa nezvakaipa zvavaiita, haana kuchinja chinangwa chake chokuti munhu arambe aripo. Izvi zvinooneka nokuponesa kwaakaita Noa nemhuri yake.​—Genesisi 8:​21; 2 Petro 2:​5, 9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe