RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 43
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nevabereki Vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nevabereki Vangu?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo panyaya yokunetsana
  • Nei vanhu vachinetsana?
  • Zvaungaita
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Vabereki Vangu Vandipe Rusununguko Rukuru?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 43
Vana vari kunakidzwa nekutaura nevabereki vavo vachifamba havo mupaki

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nevabereki Vangu?

  • Mibvunzo panyaya yokunetsana

  • Nei vanhu vachinetsana?

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Mibvunzo panyaya yokunetsana

  • Pavabereki vako, ndiani waunonyanya kunetsana naye?

    • Baba

    • Amai

  • Munowanzonetsana kakawanda sei?

    • Panguva dziri kure

    • Pano neapo

    • Kakawanda

  • Munoita sei pamunonetsana?

    • Tinokurumidza kugadzirisa nyaya yacho murugare.

    • Tinozogadzirisa nyaya yacho asi tambokweshana.

    • Nyaya yacho haitomboperi kunyange tikakweshana sei.

Unofunga kuti paunonetsana nemubereki wako, ndiye anenge asiri kunzwisisa here? Munyaya ino tichaona zvinhu zvaunofanira kuita kuti musaramba muchinetsana. Chimboona zvinhu zvinokonzera kuti munetsane . . .

Nei vanhu vachinetsana?

  • Mafungiro aunoita. Paunokura, mafungiro ako anochinja kudarika zvawaiita uchiri mudiki. Zvaunenge uchinyatsonzwa kuda zvinogona kutosiyana nezvinenge zvichidiwa nevabereki vako. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoti: “Kudza baba vako naamai vako.”​—Eksodho 20:12.

    Chokwadi chisingarambiki: Kuti uratidze kuti wakura unofanira kutaura wakadzikama kunyange paine chinhu chausiri kubvumirana nacho.

  • Rusununguko. Paunenge uchikura, vabereki vako vanogona kukuwedzera rusununguko. Asi chinozoita kuti munetsane ndechokuti iwe unenge uchiona sokuti rusununguko rwauri kupiwa rushoma kana kuti vari kunonoka kukupa rusununguko rwacho. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoti: “Teererai vabereki venyu.”​—VaEfeso 6:1.

    Chokwadi chisingarambiki: Vabereki vako vanogona kukuwedzera rusununguko zvichienderana nokuteerera kwauri kuita.

Zvaungaita

  • Taura wakadzikama. Pane kuti ungoti vabereki vako ndivo vasiri kunzwisisa, iwewo ita zvinhu zvinoita kuti muwirirane. Mumwe mukomana anonzi Jeffrey akati, “Dzimwe nguva mapindurire aunoita ndiwo anoita kuti munetsane nemubereki wako, kwete zvavanenge vataura. Kana ukataura wakadzikama zvichaita kuti musanyanya kunetsana.”

    Bhaibheri rinoti: ‘Nepaunogona napo, ita kuti pave norugare.’​—VaRoma 12:18.

  • Teerera vabereki vako pavanenge vachitaura. Samantha ane makore 17 akati, “Kuita izvi hakusi nyore. Asi ndakaona kuti pandinoteerera vabereki vangu ivowo vanonditeerera.”

    Bhaibheri rinoti: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura.’​—Jakobho 1:19.

    1. Pani yabatira moto; 2. Moto wacho wawedzera

    Kunetsana kwakafanana nemoto, kukasadzorwa kunokanganisa zvakawanda

  • Tsigirana nevabereki vako. Ita zvinoita vanhu vanotamba tennis. Mumwe anenge ari kune rimwe divi mumwe kune rimwe. Saka nyaya yamuri kunetsana iise kune rimwe divi iwe nevabereki vako moenda kudivi rimwe chete. Mumwe mukomana anonzi Adam akati, “Paunenge uchinetsana nevabereki vako, ivo vanenge vachida kuti uite zvavanofunga kuti ndizvo zvakakunakira asi iwe unenge uchida kuita zvaunofunga kuti ndizvo zvakakunakira. Saka zvinoratidza kuti mose munenge muchingoda chinhu chimwe chete.”

    Bhaibheri rinoti: ‘Ita zvinhu zvinoita kuti pave norugare.’​—VaRoma 14:19.

  • Iva munhu anonzwisisa. Mumwe musikana anonzi Sarah akati, “Ndinoona zvichibatsira kufunga kuti vabereki vanewo matambudziko avari kusangana nawo ari kutovanetsa kungofananawo nesu.” Musikana anonzi Carla akatiwo, “Ndinoedza kumbofungidzira kuti dai ndiriini mubereki, ndiine mwana ane dambudziko rakafanana nerandiinaro, zvii zvandaizoita zvakanakira mwana wangu?”

    Bhaibheri rinoti: ‘Musaramba muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’​—VaFiripi 2:4.

  • Ita zvaunenge waudzwa. Bhaibheri ndizvo zvarinokukurudzira kuti uite. (VaKorose 3:20) Uye zvinhu zvinokufambira zvakanaka ukaita zvaunenge waudzwa. Mumwe musikana anonzi Karen akati, “Handinyanyi kunetseka pandinoita zvandinenge ndaudzwa nevabereki vangu. Vane zvakawanda zvavakatondiitira muupenyu saka kuvateerera ndiko kunoratidza kuti ndinotenda zvavanondiitira.” Kuita zvaunenge waudzwa kunobatsira kuti musanetsana!

    Bhaibheri rinoti: “Pasina huni, moto unodzima.”​—Zvirevo 26:20.

Zano. Kana zvekutaura zvichinetsa, unogona kuita zvekunyora zvaunofunga. Alyssa akati, “Ndinowanzozviita kana ndisiri kunzwa kuda kutaura. Zvinondibatsira kuti ndinyatsobudisa zviri mumwoyo mangu pasina munhu wandiri kupopotera uye kuti ndisazotaura zvandinozodemba.”

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Marilyn

“Dzimwe nguva kana vanhu vakaneta vanongoramba vachinetsana. Saka pamwe pacho zvinoda kuti mumbosiyana nenyaya yacho moenda kunorara, mozoikurukura mangwana musisina kuneta.”​—Marilyn.

Devin

“Mwoyo murefu unobatsira pane zvakawanda. Ukaona kuti mava kuda kutanga kunetsana, zviri nani kumbonyarara wozvipa nguva yekufunga. Kusanzwisisana kunowanzotanga vanhu pavanoita zvinhu vasina kufunga.”​—Devin.

Mackenzie

“Handidi kuzozvidemba ndava kuzviti ndakanga ndisingaremekedzi vabereki vangu. Kuyeuka izvi kunondibatsira kuti nditeerere uye ndisangoti nangananga nekese kese kavanenge vaita.”​—Mackenzie.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe