RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 42
  • Chii Chinonzi Watch Tower Bible and Tract Society?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Watch Tower Bible and Tract Society?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mamwe Masangano Epamutemo
  • Kusiyana Kwakaita Dare Rinodzora Nesangano Repamutemo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Chiziviso Chinokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • “Sirivha Ndeyangu, Nendarama Ndeyangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 42
Saini yakanzi Watchtower pamusoro pemahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, kuNew York

Chii Chinonzi Watch Tower Bible and Tract Society?

Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania isangano rakatangwa muna 1884 pasi pemitemo yeCommonwealth of Pennsylvania, kuU.S.A. uye harina chinangwa chokuita purofiti. Rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kutsigira basa ravanoita pasi rose, kusanganisira rokubudisa maBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri.

Maererano negwaro resangano iri, zvinangwa zvaro “ndezvokunamata, kudzidzisa uye kuyamura,” kunyanya pazvinhu zvine chokuita “nekuparidza uye kudzidzisa evhangeri yeUmambo hwaMwari hunotungamirirwa naKristu Jesu.” Kuti munhu apinde musangano iri hapatariswi kuti ari kupa mari yakawanda sei, asi anotoita zvekukokwa. Nhengo dzesangano iri nemadhairekita aro, vanobatsira Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha.

Mamwe Masangano Epamutemo

Kunze kwesangano reWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Zvapupu zvaJehovha zvine masangano akawanda epamutemo ari munyika dzakasiyana-siyana. Mamwe mazita emasangano aya ane mashoko okuti “Watch Tower,” kana kuti “Watchtower,” kana kuti shanduro yemashoko aya.

Masangano aya ari kutibatsira kuita zvakawanda kusanganisira zvinotevera:

  • Kunyora uye kubudisa mabhuku. Takabudisa maBhaibheri angasvika 253 miriyoni. Mabhuku edu anobudiswa mumitauro inodarika 1 050. Vanhu vari kukwanisa kuverenga Bhaibheri pajw.org mumitauro inodarika 300 vasingabhadhari uye vari kupindurwa mibvunzo yeBhaibheri yakaita sewekuti, “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?”

  • Kudzidzisa. Tine zvikoro zvakawanda zvinodzidzisa vanhu Bhaibheri. Semuenzaniso, kubvira muna 1943, Zvapupu zvaJehovha zvinodarika 10 000 zvakabatsirwa chaizvo nedzidzo yavakawana kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Zvavakadzidza zvakaita kuti vakwanise kuva mamishinari kana kuti kutsigira basa redu uye kuita kuti zvinhu zvinyatsofamba negwara. Vhiki imwe neimwe, mamiriyoni evanhu, kusanganisira vasiri Zvapupu vanodzidziswa pamisangano inoitwa muungano dzedu. Tinodzidzisawo vanhu kuverenga nekunyora uye takabudisa bhuku mumitauro 136 rinobatsira pakuita izvi.

  • Kuyamura. Tinoyamura vanhu vanenge vawirwa nenjodzi, dzingava dzinokonzerwa nevanhu, seyakaitika muna 1994 kuRwanda paiurayana maHutu nemaTutsi, kana kuti njodzi dzinongoitika dzega dzakadai sekudengenyeka kwenyika kwakaitika muna 2010 kuHaiti.

Kunyange zvazvo masangano aya achiita kuti basa redu rifambe zvakanaka, pane zvimwe zvinoita kuti basa redu ribudirire. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuteerera murayiro waMwari wokuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Tinoziva kuti Mwari ndiye ari kutsigira basa redu uye kuti acharamba ‘achiita kuti zvikure.’—1 VaKorinde 3:6, 7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe