Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?
Mhinduro yeBhaibheri
Mubhuku raZvakazarurwa, munotaurwa ‘nezvemukadzi’ uyo ari ‘pfambi huru’ uye ane “zita risinganzwisisiki rekuti: ‘Bhabhironi Guru.’” (Zvakazarurwa 17:1, 3, 5) Mukadzi uyu anomiririra mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema zviri panyika, izvo zvakaita kuti “chokwadi chaMwari chive nhema.”a (VaRoma 1:25) Kunyange zvazvo zvitendero zvacho zviine pakawanda pazvakasiyana, zvese zvinotadzisa vanhu kunamata Mwari wechokwadi Jehovha.—Dheuteronomi 4:35.
Zvinhu zvinotibatsira kuziva Bhabhironi Guru
Bhabhironi Guru rine zvarinomiririra. Zvinhu zvakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa zvine zvazvinofananidzira, saka Bhabhironi Guru harisi mukadzi chaiyeiye. (Zvakazarurwa 1:1) Uyewo, ‘rinogara pamvura zhinji’ iyo inomiririra “vanhu nemapoka evanhu nemarudzi nendimi.” (Zvakazarurwa 17:1, 15) Kudai ari munhu chaiye aisakwanisa kuita izvi.
Bhabhironi Guru rinomiririra sangano rakakura riri pasi rese. Rinonzi ‘iguta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.’ (Zvakazarurwa 17:18) Saka rine simba rekuita kuti vanhu vepanyika vaite zvarinoda.
Bhabhironi Guru isangano rechitendero, kwete rezvematongerwo enyika kana kuti rezvekutengeserana. Guta reBhabhironi rinotaurwa nezvaro muBhaibheri rainge rakanyura mune zvechitendero. Raizivikanwa nekuita zvemidzimu zvakadai ‘sekutsinga’ uye “uroyi.” (Isaya 47:1, 12, 13; Jeremiya 50:1, 2, 38) Vanhu vemuguta iroro vaiita zvekunamata kwenhema kusingadiwi naMwari wechokwadi, Jehovha. (Genesisi 10:8, 9; 11:2-4, 8) Madzimambo emuBhabhironi aizvikudza panzvimbo pekukudza Jehovha uye kumunamata. (Isaya 14:4, 13, 14; Dhanieri 5:2-4, 23) Kungofanana neguta iri rekare, Bhabhironi Guru rinozivikanwa ‘nekuita zvemidzimu.’ Saka izvi zvinoratidza kuti isangano rechitendero.—Zvakazarurwa 18:23.
Bhabhironi Guru harisi sangano rezvematongerwo enyika nekuti parichaparadzwa ‘madzimambo enyika’ acharichema. (Zvakazarurwa 17:1, 2; 18:9) Uyewo harisi sangano rezvekutengeserana nekuti Bhaibheri rinoratidza kuti rakasiyana ‘nevanhu vanofamba vachitengesa.’—Zvakazarurwa 18:11, 15.
Photograph taken by courtesy of the British Museum
Dombo riri kuratidza Mambo Nabonidus wekuBhabhironi uye rine zviratidzo zvavanamwari vatatu vanoti Sin, Ishtar, naShamash
Bhabhironi Guru rinonyatsofananidzira chitendero chenhema. Pane kudzidzisa vanhu zvinhu zvavangaita kuti vaswedere pedyo naMwari wechokwadi, Jehovha, chitendero chenhema chinotoita kuti vanhu vanamate vamwe vanamwari. Bhaibheri rinoti ihwohwo “unzenza” pakunamata. (Revhitiko 20:6; Eksodho 34:15, 16) Zvitendero zvenhema zvakawanda zvinodzidzisa zvinhu zvaidzidziswa muguta reBhabhironi rekare, zvinosanganisira dzidziso yeutatu, dzidziso yekuti mweya haufi, uyewo kushandiswa kwezvidhori pakunamata. Zvitendero izvi zvinodzidzisawo vanhu kuda nyika. Bhaibheri rinotaura nezvekusavimbika uku richiti kuita upombwe mune zvekunamata.—Jakobho 4:4.
Upfumi hwechitendero chenhema uye kushamisira kwachinoita kunonyatsoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri parinoti Bhabhironi Guru ‘rakapfeka nguo dzepepuru netsvuku,’ uye ‘rakashonga ndarama nematombo anokosha nemaparera.’ (Zvakazarurwa 17:4) MuBhabhironi Guru ndimo munobva ‘zvinhu zvinosemesa zvenyika,’ kana kuti munodzidziswa uye munoitwa zvinhu zvinozvidza Mwari. (Zvakazarurwa 17:5) ‘Vanhu vese nemapoka evanhu nemarudzi nendimi’ vanotsigira Bhabhironi Guru vari muchitendero chenhema.—Zvakazarurwa 17:15.
Bhabhironi Guru ndiro rakakonzera nzufu ‘dzevaya vese vakaurayiwa panyika.’ (Zvakazarurwa 18:24) Kwemakore, chitendero chenhema chakakonzera hondo, ugandanga uye chakatadza kudzidzisa vanhu chokwadi nezvaJehovha, Mwari ane rudo. (1 Johani 4:8) Izvi zvakaita kuti ropa rakawanda rideurwe.
Mwari anoona sei Bhabhironi Guru?
Mukuona kwaMwari, ‘zvivi zveBhabhironi Guru zvatutirana kusvika kudenga.’ (Zvakazarurwa 18:4, 5) Mwari akatsamwira chitendero chenhema nekuti chinotaura zvakaipa nezvake uye chinoitira vashumiri vake zvakaipa.
Chii chichaitika kuBhabhironi Guru?
Bhaibheri rinotaura kuti ‘Mwari akapa Bhabhironi Guru mutongo waro.’ (Zvakazarurwa 18:20) Nenzira yekufananidzira, Bhaibheri rakagara rataura kuti Mwari achaparadza chitendero chenhema zvachose. (Zvakazarurwa 18:8) Achaita kuti chikara chitsvuku, icho chinomirira vezvematongerwo enyika vane simba, chipandukire chitendero chenhema chobva chachiparadza. (Zvakazarurwa 17:16, 17) “Bhabhironi guta guru richawisirwa pasi nesimba seizvi, uye harizombowanikizve.” (Zvakazarurwa 18:21) Vanhu vanoda kufadza Mwari vanofanira ‘kubva pakati paro,’ vozviparadzanisa nechitendero chenhema kuti zvivafambire zvakanaka.—2 VaKorinde 6:14-17.
a Ona nyaya inoti, “Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi”