RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 115
  • Chii Chinonzi Kutambudzika Kukuru?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Kutambudzika Kukuru?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Ramba Wakatendeka ‘Pakutambudzika Kukuru’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kununurwa Pakuratidzwa kwaJesu Kristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kuguma Kuchaita Nyika Ino
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 115
Vanhu vapona pakutambudzika kukuru

Chii Chinonzi Kutambudzika Kukuru?

Mhinduro yeBhaibheri

Kutambudzika kukuru kuchaita kuti pave nenguva yematambudziko akakura asati amboonekwa nevanhu. Sezvinotaurwa neuprofita hweBhaibheri, kuchaitika ‘mumazuva okupedzisira’ kana kuti “nguva yokupedzisira.” (2 Timoti 3:1; Dhanieri 12:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kuchava “kutambudzika kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve.”​—Mako 13:19; Dhanieri 12:1; Mateu 24:21, 22.

Zvichaitika munguva yekutambudzika kukuru

  • Kuparadzwa kwechitendero chenhema. Chitendero chenhema chichaparadzwa nekukurumidza zvinoshamisa. (Zvakazarurwa 17:​1, 5; 18:​9, 10, 21) Hurumende dzinomiririrwa nesangano reUnited Nations dzichange dzichiita kuda kwaMwari padzichaparadza chitendero ichi.​—Zvakazarurwa 17:​3, 15-​18.a

  • Kurwiswa kwechitendero chechokwadi. Mubatanidzwa wemarudzi uyo unotaurwa nezvawo ‘saGogi wenyika yeMagogi’ mune zvakaonekwa naEzekieri, uchaedza kuparadza vanamati vechokwadi. Asi, Mwari achadzivirira vanamati vake kuti vasaparadzwa.​—Ezekieri 38:​1, 2, 9-​12, 18-​23.

  • Kutongwa kwevagari vepanyika. Jesu achatonga vanhu vese uye “achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi.” (Mateu 25:31-​33) Achatonga mumwe nemumwe maererano nekutsigira kana kuti kusatsigira kwaaiita “hama” dzaJesu, kureva vaya vachatonga pamwe chete naye kudenga.​—Mateu 25:34-​46.

  • Kuunganidzwa kwevachanotonga muUmambo. Vanhu vakatendeka vakasarudzwa kunotonga naKristu vachapedza upenyu hwavo hwepanyika vomutswa kuti vazorarama kudenga.​—Mateu 24:31; 1 VaKorinde 15:50-​53; 1 VaTesaronika 4:​15-​17.

  • Amagedhoni. Iyi “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” inonziwo “zuva raJehovha.” (Zvakazarurwa 16:14, 16; Isaya 13:9; 2 Petro 3:​12) Vaya vanenge vatongwa naKristu kuti vanhu vakaipa, vachaparadzwa. (Zefaniya 1:​18; 2 VaTesaronika 1:​6-​10) Izvi zvinosanganisira kuparadzwa kwehurumende dzese dzepanyika, idzo dzinotaurwa muBhaibheri sechikara chine misoro minomwe.​—Zvakazarurwa 19:19-​21.

Zvichaitika pashure pekutambudzika kukuru

  • Kusungwa kwaSatani nemadhimoni ake. Ngirozi huru ichakanda Satani nemadhimoni ake “mugomba rakadzikadzika,” izvo zvinoratidza kuti vanenge vakangoita sevakafa. (Zvakazarurwa 20:1-3) Panguva iyoyo Satani achange akaita seari mujeri; achange asina simba pachinhu chero chipi zvacho.​—Zvakazarurwa 20:7.

  • Kutonga kwemakore ane chiuru kunotanga. Umambo hwaMwari huchabva hwatanga kutonga kwemakore ane chiuru, zvoita kuti vanhu vawane makomborero akawanda. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:4, 6) “Boka guru revanhu” vasingakwanisi kuverengwa ‘richabuda mukutambudzika kukuru,’ uye richaona kutanga kwemakore ane chiuru ekutonga kweUmambo panyika.​—Zvakazarurwa 7:9, 14; Pisarema 37:9-11.

a Mubhuku raZvakazarurwa, chitendero chenhema chinotaurwa nezvacho seBhabhironi Guru kana kuti “hure guru.” (Zvakazarurwa 17:​1, 5) Chikara chitsvuku, icho chichaparadza Bhabhironi Guru, chinomiririra sangano rine chinangwa chekubatanidza uye kumiririra nyika dziri pasi rese. Chakatanga chichizivikanwa seLeague of Nations asi iye zvino chava kunzi United Nations.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe