RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 124
  • “Kiyi dzeUmambo” Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kiyi dzeUmambo” Chii?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mwanakomana Womunhu Ndiani?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Ndiani Chaizvoizvo Ari Jesu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Petro Anoparidza paPentekosta
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Ngatibatisisei Kutenda Kwedu Kunokosha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 124
Makiyi matatu

“Kiyi dzeUmambo” Chii?

Mhinduro yeBhaibheri

“Kiyi dzeUmambo,” dzinomiririra simba rekupa vanhu mukana wekuti ‘vapinde muUmambo hwaMwari.’ (Mateu 16:19; Mabasa 14:22)a Jesu akapa Petro “kiyi dzeUmambo hwekumatenga.” Izvi zvinoreva kuti Petro akasarudzwa kuti aratidze kuti vanhu vakatendeka vanogona kupinda muUmambo hwekumatenga, kana vakagamuchira mweya mutsvene waMwari.

Kiyi dzacho dzakashandiswa kuvanhu vapi?.

Petro akashandisa simba raakapiwa naMwari kuti ape mapoka matatu evanhu mukana wekupinda muUmambo:

  1. VaJudha uye vanhu vakatendeuka kuti vabatane nevaJudha. Nguva pfupi Jesu afa, Petro akakurudzira vatendi vechiJudha kuti vagamuchire Jesu saMambo akasarudzwa naMwari. Petro akavaudza zvavaifanira kuita kuti vaponeswe. Izvi zvakavapa mukana wekuti vapinde muUmambo, uye zviuru zvevanhu ‘zvakagamuchira shoko rake.’​—Mabasa 2:38-41.

  2. VaSamariya. Nekufamba kwenguva Petro akazotumwa kuvaSamariya.b Akashandisazve imwe kiyi yeUmambo paaiva naJohani, ‘pavakanyengeterera vaSamariya kuti vawane mweya mutsvene.’ (Mabasa 8:14-17) Izvi zvakaita kuti vaSamariya vakwanise kupinda muUmambo.

  3. Vemamwe Marudzi. Pashure pemakore matatu nehafu Jesu afa, Mwari akaudza Petro kuti vanhu vemamwe marudzi, kureva vanhu vasiri vaJudha, vaizowanawo mukana wekupinda muUmambo. Petro akashandisa imwe kiyi nekuparidzira vanhu ava. Izvi zvakaita kuti vagamuchire mweya mutsvene, vachibva vava vaKristu uye zvakavapa mukana wekupindawo muUmambo.—Mabasa 10:30-35, 44, 45.

Zvinorevei “kupinda muUmambo”?

Vanhu ‘vanopinda muUmambo’ vachatonga naJesu kudenga. Bhaibheri rinoti ‘vachagara pazvigaro zveumambo’ uye ‘vachatonga nyika semadzimambo.’​—Ruka 22:29, 30; Zvakazarurwa 5:9, 10.

Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekiyi dzeUmambo

Zvavanotaura: Petro ndiye anosarudza kuti ndiani achapinda denga.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoti Kristu Jesu, ndiye “achatonga vapenyu nevakafa.” (2 Timoti 4:1, 8; Johani 5:22) Petro pachake akati Jesu “ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wevapenyu nevakafa.”—Mabasa 10:34, 42.

Zvimwe zvinotaurwa nevanhu: Denga raitomirira Petro kuti atange asarudza kuti oshandisa riini kiyi dzeUmambo.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Jesu paaitaura nezvekiyi dzeUmambo, akaudza Petro kuti: “Chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.” (Mateu 16:19, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Vamwe pavanoverenga vhesi iyi, vanobva vafunga kuti Petro aiva nesimba rekuti zvaaisarudza ndizvo zvaizoitwa kudenga. Asi mashoko echiGiriki akashandiswa pavhesi iyi anoratidza kuti Petro aiita zvinhu zvainge zvatosarudzwa kare kudenga.

Bhaibheri rinotiudza kuti Petro aitomirira kuudzwa naMwari kuti oshandisa riini kiyi dzeUmambo. Semuenzaniso, paakashandisa kiyi yechitatu, akanga achiita zvaakanga atoudzwa naMwari.​—Mabasa 10:19, 20.

a Pane dzimwe nguva, Bhaibheri rinoshandisa shoko rekuti “kiyi” richireva simba kana kuti basa.​—Isaya 22:20-22; Zvakazarurwa 3:7, 8.

b Chitendero chevaSamariya chakanga chakasiyana nechechiJudha, asi zvimwe zvavaidzidzisa uye zvavaiita zvaibva muMutemo waMosesi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe