RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 63
  • Kutamba Nemwoyo Wemunhu Kwakaipa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutamba Nemwoyo Wemunhu Kwakaipa Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutamba nemwoyo wemunhu kuita sei?
  • Nei vamwe vachizviita?
  • Zvakaipirei?
  • Kutamba Kworudo Kwakaipei?
    Mukai!—1998
  • 1 Bhaibheri Rinokubatsira Kudzivisa Matambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Tingori Shamwari Here Kana Kuti Paita Zverudo Apa?​—Chikamu 2: Zvandiri Kuita Zvinoita Kuti Afungei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Tingori Shamwari Kana Kuti Paita Zverudo?—Chikamu 1 | Vechiduku Vanobvunza Kuti
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 63
 Mumwe musikana ari kuyaruka ari kuita seanoda mukomana wemukirasi make

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kutamba Nemwoyo Wemunhu Kwakaipa Here?

  • Kutamba nemwoyo wemunhu kuita sei?

  • Nei vamwe vachizviita?

  • Zvakaipirei?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Kutamba nemwoyo wemunhu kuita sei?

Vamwe vanhu vanofunga kuti kutamba nemwoyo wemunhu kuratidza nemashoko kana kuti nezviito zvako kuti uri kumuda asi usingamudi. Zvakaipa here kuratidza kuti uri kuda mumwe munhu? Aiwa, hazvina hazvo kuipa. Mumwe musikana anonzi Ann, anoti, “Kana wava kukwanisa kufambidzana nemumwe munhu uye paine munhu wauri kuda, chii chimwe chaungaita kuti uone kana achikudawo?”

Munyaya ino tichakurukura nezvekutamba nemwoyo wemunhu uchiita seunomuda asi usingamudi.

“Kunyatsoratidza kuti unofarira mumwe munhu uine chinangwa chekuti mudanane kwakasiyana nekuita kuti mumwe munhu afunge kuti unomuda asi wobva wazongorega kuratidza kuti unomufarira, zvoita kuti asare achirwadziwa.”​—Deanna.

Nei vamwe vachizviita?

Vamwe vanhu vanotamba nemwoyo yevamwe vachingoda kuona kuti pane anovadawo here. “Paunongoziva kuti unogona kufarirwa nemumwe munhu zvakadaro, ungatonzwa uchida kuti zvirambe zvichiitika,” anodaro mumwe musikana anonzi Hailey.

Asi kana ukaita nemaune kuti mumwe munhu afunge kuti unomuda asi chaizvoizvo usingamudi, unenge uchiratidza kuti hauna kana hanya nekuti anonzwa sei. Uye unenge uchitoitawo kuti vanhu vasakuona zvakanaka. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane mwoyo usina njere anoti upenzi kufara.”​—Zvirevo 15:21.

Ndokusaka Hailey achigumisa achiti , “Pakutanga, kutamba nemwoyo wemumwe munhu kungaita sekusina kuipa, asi kazhinji kacho zvinozoipa pakupedzisira.”

Zvakaipirei?

  • Kutamba nemwoyo wemunhu kunosvibisa zita rako.

    “Munhu anotamba nemwoyo yevamwe vanhu anoonekwa semunhu anofunga semwana mudiki uye asina chivimbo. Unoona kuti anenge asiri kukubudira pachena asi anenge aine zvaari kungoda kuwana kubva kwauri.”​—Jeremy.

    Bhaibheri rinoti: “Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.”​—1 VaKorinde 13:​4, 5.

    Zvekufunga nezvazvo: Mashoko akaita sei kana kuti zviito zvipi zvingaita kuti uzivikanwe semunhu anotamba nemwoyo yevanhu?

  • Kutamba nemwoyo wemunhu kunoita kuti munhu wacho arwadziwe.

    “Ndikasangana nemunhu anoita seanondida asi asingandidi, zvinoita kuti ndisade kuva pedyo naye. Zvinoita sekuti ari kungoda kutaura neni nekuti ndiri musikana. Vanhu vakadaro havana hanya neni; chavanongoda chete ndechekuti ivo vanzwe zvakanaka.”​—Jaqueline.

    Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”​—1 VaKorinde 10:24.

    Zvekufunga nezvazvo: Wakambonyengedzwa kuti ufunge kuti mumwe munhu anokuda here, wozoona kuti wanga wakarasika? Kana zvakamboitika kwauri, wakasara uchinzwa sei? Zvii zvaungaita kuti usarwadzisawo mumwe saizvozvo?

  • Kuva netsika yekutamba nemwoyo yevanhu kunozoita kuti ushaye munhu akadzikama wekuroorana naye.

    “Handitombodi kudanana kana kuti kuroorwa nemunhu ane tsika yekutamba nemwoyo yevanhu. Ndingazokwanisa sei kunyatsomuziva kana kuti kuvimba naye kana iye achinyepedzera kundida?”​—Olivia.

    MuBhaibheri, munyori wemapisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Handifambidzani nevaya vanovanza zvavari.”​—Pisarema 26:4.

    Zvekufunga nezvazvo: Munhu anotamba nemwoyo yevamwe anowanzofarirwa nevanhu vakaita sei? Munhu akadaro ndiye here waungada kuti akufarire?

Zvinotaurwa nevezera rako

Scott

“Kana uri munhu anotamba nemwoyo yevamwe, ucharwadzisa vanhu uye ivo vachaudzawo vamwe nezvako. Kana ukaramba uchitamba nemwoyo yevamwe, uchawedzera kusvibisa zita rako uye zvichawedzera kuoma kuti urichenese.”​—Scott.

Jeslyn

“Kutamba nemwoyo wemumwe munhu kunogona kushatisa zita rako zvakanyanya. Munhu anoita seanokuda asi asingakudi anoonekwa semunhu asina kutendeseka, uye handingambodi kuti munhu akadaro ave shamwari yangu yepedyo.”​—Jeslyn.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe