RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 130
  • Zvinorevei ‘Kukudza Baba Naamai Vako’?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinorevei ‘Kukudza Baba Naamai Vako’?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekukudza baba naamai
  • “Kudza Baba Vako Naamai Vako”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Eksodho 20:12—“Kudza Baba Vako Naamai Vako”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kudzai Vanhu Vamarudzi Ose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 130
Mwana ari kufamba nababa vake vakwegura

Zvinorevei ‘Kukudza Baba Naamai Vako’?

Mhinduro yeBhaibheri

Murayiro wekuti “kudza baba vako naamai vako” unowanika kakawanda muBhaibheri. (Eksodho 20:12; Dheuteronomio 5:16; Mateu 15:4; VaEfeso 6:2, 3) Murayiro uyu une zvinhu zvina zvinokosha zvinofanira kuitwa.

  1. Vakoshese. Unokudza baba naamai vako nekutenda zvavakakuitira. Unoratidza kuti unovakoshesa nekushandisa mazano avanokupa. (Zvirevo 7:1, 2; 23:26) Bhaibheri rinokukurudzira kuti uone vabereki vako ‘serunako’ rwako, uye izvi zvinoreva kuti unofanira kudada navo.​—Zvirevo 17:6.

  2. Vateerere. Kana uchiri mudiki, unokudza baba naamai vako paunovateerera uchiratidza kuti unobvuma kuti vakapiwa simba naMwari. VaKorose 3:20 inoudza vechidiki kuti: “Teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza kwazvo munaShe.” Kunyange Jesu paaiva mudiki aiteerera vabereki vake.​—Ruka 2:51.

  3. Varemekedze. (Revhitiko 19:3; VaHebheru 12:9) Unofanira kuvaremekedza nezvaunotaura uye nematauriro aunozviita. Dzimwe nguva vabereki vanoita zvinhu zvinoita kuti zvikuomere kuvaremekedza. Kunyange zvakadaro, vana vanogona kukudza vabereki vavo nekusataura kana kuita zvinhu zvinoratidza kusavaremekedza. (Zvirevo 30:17) Bhaibheri rinodzidzisa kuti kutuka baba kana amai vako imhosva yakakura.​—Mateu 15:4.

  4. Variritire. Vabereki vako pavanokwegura, vanogona kuda kubatsirwa. Unogona kuvakudza nekuedza nepese paunogona napo kuti uvape zvavanenge vachida. (1 Timoti 5:4, 8) Semuenzaniso, Jesu ava pedyo nekufa, akaronga kuti amai vake vazova neanovachengeta.​—Johani 19:25-27.

Nhema dzinotaurwa nevamwe nezvekukudza baba naamai

Zvavanotaura: Kuti ukudze baba naamai vako, unofanira kuteerera zvese zvavanotaura, wozvishandisa mumba mako.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinodzidzisa kuti unofanira kuwirirana nemunhu wawakaroorana naye kupfuura chero ani zvake weukama. Genesisi 2:24 inoti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake.” (Mateu 19:4, 5) Vanhu vakaroorana vanogona kubatsirwa nemazano avanopiwa nevabereki vavo uye navanatezvara, vanavamwene kana vanaambuya. (Zvirevo 23:22) Kunyange zvakadaro, vakaroorana vanogona kuronga kuti veukama vanofanira kugumira papi pakuvaudza zvekuita mumba mavo.​—Mateu 19:6.

Zvavanotaura: Hakuna ane simba rakaenzana nerina baba naamai.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Kunyange zvazvo Mwari akapa vabereki simba mumhuri, simba rine munhu wese rine parinogumira uye haripfuuri rina Mwari. Semuenzaniso, rimwe dare repamusoro parakaudza vadzidzi vaJesu kuti vasateerera Mwari, vakapindura kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:27-29) Saizvozvowo, vana vanofanira kuteerera vabereki vavo “munaShe,” kureva kuti vanofanira kuteerera zvinhu zvese zvisingapesani nemitemo yaMwari.—VaEfeso 6:1.

Zvavanotaura: Kuti ukudze baba naamai vako unofanira kunge uchipinda chechi yavo.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiongorore zvatinenge tichidzidziswa kuti tione kuti ndezvechokwadi here. (Mabasa 17:11; 1 Johani 4:1) Munhu anoita izvozvo anogona kusarudza chechi yakasiyana neyevabereki vake. Bhaibheri rinotaura nezvevashumiri vaJehovha vakatendeka vakati kuti vakanga vasinganamati vanamwari vevabereki vavo. Vamwe vevashumiri ava ndiAbrahamu, Rute, uye muapostora Pauro.​—Joshua 24:2, 14, 15; Rute 1:15, 16; VaGaratiya 1:14-16, 22-24.

Zvavanotaura: Kuti ukudze baba naamai vako, unofanira kuitawo mitambo yavanoita yekuremekedza madzitateguru.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Ruka 4:8) Munhu anonamata madzitateguru ake anogumbura Jehovha. Bhaibheri rinotodzidzisa kuti “vakafa havana kana chavanoziva.” Vakafa havatombozivi kuti pane ari kuvaremekedza; havagoni kubatsira vapenyu kana kuvakuvadza.​—Muparidzi 9:5, 10; Isaya 8:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe