RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 145
  • Chii Chinonzi Jerusarema Idzva?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Jerusarema Idzva?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Zvinhu zvinoita kuti tizive chinonzi Jerusarema Idzva
  • Guta Rinon’animira
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Jerusarema Rapasi Rinosianiswa neJerusarema Rokudenga
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Jerusarema—“Guta raMambo Mukuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Denga Idzva Nepasi Idzva
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 145
Jerusarema Idzva sematsanangurirwo arinoitwa muna Zvakazarurwa

Chii Chinonzi Jerusarema Idzva?

Mhinduro yeBhaibheri

Mashoko ekuti “Jerusarema Idzva” anowanika kaviri muBhaibheri, uye anoreva boka revateveri vaJesu vanoenda kudenga kunotonga pamwe chete naye muUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 3:12; 21:2) Bhaibheri rinoratidza kuti boka iri rinonziwo mwenga waKristu.

Zvinhu zvinoita kuti tizive chinonzi Jerusarema Idzva

  1. Jerusarema Idzva riri kudenga. Pese panotaurwa nezveJerusarema Idzva muBhaibheri, rinenge richiburuka kubva kudenga uye ngirozi dzinenge dzakamira pamagedhi. (Zvakazarurwa 3:12; 21:2, 10, 12) Kukura kwakaita guta iri kunoratidza kuti hazvingaiti kuti rive pasi pano. Rine mativi mana uye rakafara “mastadhia 12 000” kana kuti makiromita 2 220.a (Zvakazarurwa 21:16; Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Saka mativi aro anenge akakwirira kuenda mudenga nemakiromita anenge 560.

  2. Boka revateveri vaJesu, mwenga waKristu, ndiro rinonzi Jerusarema Idzva. Jerusarema Idzva rinonzi “mwenga, mudzimai weGwayana.” (Zvakazarurwa 21:9, 10) Gwayana rinomiririra Jesu Kristu. (Johani 1:29; Zvakazarurwa 5:12) “Mudzimai weGwayana,” mwenga waKristu, anomiririra vaKristu vanoenda kudenga kunova pamwe chete naJesu. Bhaibheri rinofananidza ukama huri pakati paJesu nevaKristu ava nehwemurume nemudzimai. (2 VaKorinde 11:2; VaEfeso 5:23-25) Pamatombo efaundesheni yeJerusarema Idzva pakanyorwa ‘mazita gumi nemaviri evaapostora gumi nevaviri veGwayana.’ (Zvakazarurwa 21:14) Izvi zvinotibatsira kuziva chinonzi Jerusarema Idzva nekuti vaKristu vanoenda kunorarama kudenga “vanovakwa panheyo dzevaapostora nevaprofita.”​—VaEfeso 2:20.

  3. Jerusarema Idzva chikamu chehurumende. Jerusarema rekare ndiro raiva guta guru muumambo hwevaIsraeri. Mambo Dhavhidhi, mwanakomana wake Soromoni uye vamwe vemudzinza ravo, vaitonga “pachigaro choumambo chaJehovha” vari muJerusarema (1 Makoronike 29:23) Saka Jerusarema, iro rinonzi “guta dzvene,” raimiririra utongi hwaMwari mudzinza raDhavhidhi. (Nehemiya 11:1) Jerusarema Idzva, iro rinonziwo “guta dzvene,” rinoumbwa nevaya vachaenda kudenga kuna Jesu “kunotonga semadzimambo pamusoro penyika.”​—Zvakazarurwa 5:9, 10; 21:2.

  4. Jerusarema Idzva richaita kuti vanhu vakomborerwe. Jerusarema Idzva rinotaurwa richinzi ‘rinoburuka kudenga richibva kuna Mwari,’ kuratidza kuti Mwari anorishandisa kuita zvimwe zvinhu pano panyika. (Zvakazarurwa 21:2) Mashoko aya anoratidza kubatana kwakaita Jerusarema Idzva neUmambo hwaMwari, hwaanoshandisa kuti kuda kwake ‘kuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’ (Mateu 6:10) Zvimwe zvezvinhu zvichaitwa neUmambo hwaMwari ndeizvi:

    • Huchabvisa chivi. “Rwizi rwemvura youpenyu” runoyerera ruchibva muJerusarema Idzva ruchidiridza “miti youpenyu” iyo ‘inorapa marudzi.’ (Zvakazarurwa 22:1, 2) Kurapwa mumuviri uye mune zvekunamata uku kuchabvisa chivi kwoita kuti vanhu vararame upenyu hwaidiwa naMwari paakasika vanhu.​—VaRoma 8:21.

    • Huchaita kuti vanhu vachivazve neushamwari naMwari. Chivi chinoita kuti vanhu vaparadzaniswe naMwari. (Isaya 59:2) Kubviswa kwechivi kuchaita kuti uprofita uhwu huzadzike: “Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo.”​—Zvakazarurwa 21:3.

    • Huchabvisa kutambura uye rufu. Mwari achashandisa Umambo hwake ‘kupukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.’​—Zvakazarurwa 21:4.

a VaRoma vaiyera vachishandisa mastadhia uye stadia imwe chete yaiva yakaenzana nemamita 185.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe