RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 82
  • Ndingashandisa Sei Nguva Yangu Zvakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingashandisa Sei Nguva Yangu Zvakanaka?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei uchifanira kushandisa nguva yako zvakanaka?
  • Zvaunogona kuita
  • Nzira 20 Dzokuwana Nguva Yakawanda
    Mukai!—2010
  • Ndingashandisa Sei Nguva Yangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisaverengera Kuita Zvinhu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingawana Sei Nguva Yebasa Rechikoro Rinoitirwa Kumba?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 82
Mukomana asiri kufara nemarongero aakaita nguva. Akatanga nekutamba bhora kwava kuona bhora asati aita homuweki

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingashandisa Sei Nguva Yangu Zvakanaka?

  • Nei uchifanira kushandisa nguva yako zvakanaka?

  • Zvaunogona kuita

  • Zvinotaurwa nevezera rako?

Nei uchifanira kushandisa nguva yako zvakanaka?

  • Nguva yakaita semari. Kana ukasaishandisa zvakanaka, paunozoida unenge usisina. Asi kana ukaronga nguva yako zvakanaka, unosara uine imwe yekuita zvinhu zvaunofarira!

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Simbe inopanga, asi mweya wayo hauna chinhu. Zvisinei, mweya yevanoshingaira ichakodzwa.”​—Zvirevo 13:4.

    Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kuronga nguva yako zvakanaka kunotoita kuti uve nerusununguko rwekuita zvaunoda.

  • Kugona kuronga nguva kuchakubatsira kana wakura. Kunogona kutokubatsira kuti uzochengetedza basa. Kudai waiva nebhizinesi, waizoda kuramba uchishandirwa nemunhu anogara achinonoka kubasa here?

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akatendeka pazvinhu zvidukuduku akatendekawo pazvinhu zvikuru.”​—Ruka 16:10.

    Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Marongero aunoita nguva yako anoratidza kuti uri munhu akaita sei.

Asi kuronga nguva kwakaoma. Ngatimboonai zvimwe zvinoita kuti zviome.

1: Shamwari

“Kana shamwari dzangu dzikandikumbira kuti timbonotandara, kakawanda kacho ndinobvuma kunyange ndisina nguva yacho. Ndinozviudza kuti, ‘Pandinozodzoka kumba ndinozongokurumidza kuita mabasa angu.’ Asi kakawanda kacho hazvishandi, zvinhu zvinopedzisira zvaenda mudondo.”​—Cynthia.

2: Zvinhu zvinodya nguva

“TV inokudyira nguva. Mamwe mapurogiramu anobudapo anonakidza zvekuti hauzodi kubva.”​—Ivy.

“Ndinogona kupedza nguva yakawanda ndiri patablet yangu. Ndinotozobvapo kana ichinge yadzima, yapera moto ndochitanga kuzvidemba.”​—Marie.

3: Kuverengera

“Ndinoverengera kuita homuweki nezvimwe zvinhu zvandinofanira kuita. Ndinopedza nguva ndichiita zvinhu zvisina basa ndotozoita homuweki ndatoona kuti yava kufanira kuitwa.Hakusi kuronga nguva zvakanaka ikoko.”​—Beth.

Mukomana ari kufara nemarongero aakaita nguva. Akatanga nekuverenga kwava kuzoita homuweki achibva asara nenguva yekutamba bhora

Kuronga nguva yako zvakanaka kunotoita kuti uve nerusununguko rwekuita zvaunoda

Zvaunogona kuita

  1. Nyora pasi zvinhu zvaunofanira kuita. Izvi zvinosanganisira mabasa epamba uye homuweki. Nyora pasi kuti chimwe nechimwe chinowanzotora nguva yakaita sei uchichiita.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Ivai nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’​—VaFiripi 1:10.

  2. Nyora pasi zvinhu zvaunofarira kuita paunenge wapedza mabasa. Izvi zvinogona kusanganisira zvinhu zvakadai sekushandisa social network uye kuona TV. Chinyorazve kuti unowanzotora nguva yakaita sei uchizviita.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rambai muchifamba nokuchenjera . . . , muchizvitengera nguva yakakodzera.”​—VaKorose 4:5.

  3. Ronga zvauchaita. Tarisa zvese zvawanyora. Pane nguva yakakwana yekuita zvinhu zvinokosha here? Pane paungada kuchinja here pazvinhu zvinokuvaraidza kuti ushandise imwe nguva yacho pakuita zvinhu zvinokosha?

    Zano: Zuva rega rega, nyora pasi zvaunoda kuita, woita uchimaka chaunenge wapedza kuita.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.”​—Zvirevo 21:5.

  4. Ita sezvawaronga. Dzimwe nguva ungatofanira kurega kunotandara nevamwe kuti uite zvinhu zvinokosha. Asi uchatozoona kuti unosara uine nguva yekuti uite zvaunoda.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musava nousimbe pabasa renyu.”​—VaRoma 12:11.

  5. Tanga waita zvinokosha wozozvivaraidza hako wapedza. Mumwe musikana anonzi Tara anoti, “Dzimwe nguva kana ndikapedza zvinhu zviviri pane zvandinenge ndichida kuita, ndinobva ndati, ‘Rega ndimboona TV kwemaminitsi 15 ndozotangazve basa.’ Maminitsi 15 iwayo anozoita 30, ozoita awa, uye ndinotozopedzisira ndaita kana maawa maviri ndiri paTV!”

    Ungagadzirisa sei dambudziko racho? Kuzvivaraidza kunofanira kuita semubayiro waunowana kana wapedza mabasa ako, kwete kuita sechinhu chinotofanira kuitwa.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti afadzwe nebasa rake rakaoma.’​—Muparidzi 2:24.

Zvinotaurwa nevezera rako

Cheyenne

“Ndinogara ndakanyora pasi zvinhu zvandinenge ndichida kuita. Ndinotorongawo nguva yekungozorora pasina chandiri kuita. Kugara ndakaronga kunondibatsira kuti ndione pandisingafaniri kutombotambisa nguva nepandinokwanisa kumboitawo zvimwe zvinhu.”​—Cheyenne.

Samuel

“Ndakadzidza kuramba kuita zvinhu zvandisingakwanisi kuita. Hazvisi nyore kuramba asi hapana munhu ati ambonditsamwira pandinotaura kuti handizokwanisi kuisa pfungwa dzangu pachinhu chacho.”​—Samuel.

Brooklyn

“Pandaiva nezvinhu zvakawanda zvekuita, ndaipedzisira ndisisina nguva yekurara kana yekuita maekisesaizi. Asi kuwana nguva yakakwana yekurara neyekuekisesaiza kunotondibatsira kuti ndikwanise kuzoita zvakawanda mangwana acho uye ndifare. Kuchengetedza utano hwako kunokosha.”​—Brooklyn.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe