RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 4
  • Ganda rePilot Whale Rinozvichenesa Rega

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ganda rePilot Whale Rinozvichenesa Rega
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Guruu reBarnacle
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Kudzika Pasi Pemvura Kunoita Cuvier’s Beaked Whale
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • “Ngarava dzokukitimu” Dzinogara Dzichifamba Mumakungwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 4
Hove inonzi pilot whale

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ganda rePilot Whale Rinozvichenesa Rega

Zvikwekwe zvemumvura zvinonamira pasi pezvikepe uye zvinokonzera dambudziko rakakura kuvatyairi vezvikepe. Zvikwekwe izvi zvinoita kuti zvikepe zvisanyanya kumhanya, zvidye mafuta akawanda, uye pashure pemakore akati kuti zvikepe zvinenge zvava kutofanira kumbonogezwa kuti zvikwekwe izvi zvibviswe. Nyanzvi dzesainzi dzava kutarisa pazvinhu zvakasikwa kuti dzideredze dambudziko iri.

Chimbofunga izvi: Vanotsvakurudza vakaona kuti ganda rehove inonzi pilot whale (Globicephala melas) rinokwanisa kuzvichenesa rega. Ganda racho rakagadzirwa nenzira yekuti zvikwekwe izvi hazvikwanisi kunamira pariri. Ganda racho rine mafuta anobuda anouraya zerere neutachiona. Hove iyi painovhunura panobva pabuda mamwe mafuta matsva.

Nyanzvi dzesainzi dziri kuedza kugadzira zvikepe zvinokwanisa kuzvichenesa sezvinoita hove iyi. Vakamboedza kushandisa pendi. Asi pendi dzakawanda dzacho hadzichabvumirwi nekuti dzinouraya zvipukanana zvemumvura. Vanotsvakurudza vakasarudza kunamira rata rinobudisa mushonga usingaurayi zvipuka zvemumvura. Mushonga wacho paunosangana nemvura yemugungwa unobva wagadzira namo inobva yavhara chikepe chacho pasi. Nekufamba kwenguva, namo iyi, iyo inenge yakakora 0.7mm inogezwa nemvura uye zvese zvinenge zvakanamira pairi zvinobva zvaendawo. Namo iyi painobva panobva pabuda zvekare mumwe mushonga mutsva wotenderedza chikepe chacho.

Zvikwekwe zvemumvura zvakanamira pasi pechikepe

Zvikwekwe zvemumvura zvinoita kuti chikepe chisanyanya kumhanya uye zvinonetsa kubvisa

Zvakaonekwa kuti kana mushonga uyu ukashandiswa, zvichabatsira chaizvo kuderedza dambudziko rekunamira kwezvikwekwe zvemumvura pazvikepe. Izvi zvichabatsira chaizvo makambani mahombe ane zvikepe, nekuti kugeza chikepe chichibviswa zvikwekwe izvi kunodhura chaizvo.

Unofungei? Ganda repilot whale iro rinozvichenesa rega, rakangoerekana ravako here kana kuti rakaita zvekusikwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe