RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 2
  • Mungabatsira Sei Mwana Wenyu Kuti Apase?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mungabatsira Sei Mwana Wenyu Kuti Apase?
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvamunofanira kuziva
  • Zvamunogona kuita
  • Ndoita Sei Kana Ndiri Kufoira Kuchikoro?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinogona Sei Kuvandudza Mamakisi Angu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingapedza Sei Homuweki Yangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingawana Sei Nguva Yebasa Rechikoro Rinoitirwa Kumba?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 2
Mukomana ari kunetseka nekuita homuweki

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Mungabatsira Sei Mwana Wenyu Kuti Apase?

Mwana wenyu anogona kunge asina basa nechikoro, asingamboiti homuweki kana kumboverengawo. Anotanga kufoira, uye kuwedzera kusada chikoro. Mungamubatsira sei kuti apase?

  • Zvamunofanira kuziva

  • Zvamunogona kuita

Zvamunofanira kuziva

Kunetsana naye kunotowedzera dambudziko racho. Kunetsana nemwana wenyu kunoita kuti ashaye mufaro kuchikoro uye kumba! Anogona kuzopedzisira ava kunyepa, kuviga ripoti rake kana kuti kusatoenda kuchikoro kwacho. Zvinotoita kuti dambudziko racho riwedzere.

Kumuvimbisa kumupa chimwe chinhu kana apasa kunogona kusashanda. “Taiedza kuita kuti mwanasikana wedu aite shungu nekumupa chimwe chinhu kana achinge apasa,” vanodaro vamwe baba vanonzi Andrew, “asi izvozvo zvakaita kuti angofunga nezvekupiwa zvinhu. Paaifoira aisarwadziwa nekufoira asi nekuti akanga asina chaaizopiwa.”

Kupa vadzidzisi mhosva kunokuvadza mwana wenyu. Mwana wenyu anogona kuzopedzisira ava kufunga kuti haafaniri kushanda nesimba kuti apase. Anenge ava kupawo vamwe mhosva kana achinge akanganisa uye ava kutarisira kuti ndivo vanofanira kugadzirisa. Haazodzidzi chinhu chinokosha muupenyu—kubvuma uye kugadzirisa zvaanenge akanganisa.

Zvamunogona kuita

Dzorai hasha. Musataura nezvekufoira kwaari kuita pamunenge muine hasha. “Ini nemudzimai wangu tinogona kunyatsokurukura nemwana wedu zvakanaka tichimunzwisisa patinenge takadzikama,” vanodaro vamwe baba vanonzi Brett.

Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kurumidzai kunzwa, munonoke kutaura, munonoke kuva nehasha.’​—Jakobho 1:19.

Zivai pane dambudziko. Chinowanzoita kuti vana vafoire inyaya yekudheererwa kuchikoro, kuchinja zvikoro, kutya mazamanishoni, matambudziko emhuri, kusarara, kusarongeka, kana kuti kutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete. Musakurumidza kufunga kuti mwana wenyu ane usimbe.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu anoratidza kuti ane njere panyaya achawana zvakanaka.”​—Zvirevo 16:20.

Mubatsirei kuti akwanise kuverenga. Murongerei purogiramu yekuita homuweki uye yekuverenga. Mutsvagirei nzvimbo yekuti aitire homuweki yake asingavhiringidzwi nezvimwe zvinhu zvakadai seTV kana kuti foni. Munogona kuita kuti aite homuweki yacho muzvikamu pane kuiita kamwe chete kuitira kuti akwanise kuramba akaisa pfungwa dzake pane zvaanenge achiita.Vamwe baba vekuGermany vanonzi Hector vanoti, “Kana mwana wedu ava kuda kunyora mazamanishoni, tinogadzirira pachiine nguva pane kuzomhanya-mhanya nguva yapera.”

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.”​—Muparidzi 3:1.

Mukurudzirei kuti averenge. Kana mwana akanzwisisa kuti chikoro chinotomubatsira pari zvino, achaita shungu dzekudzidza. Semuenzaniso, maths dzinogona kumubatsira kushandisa zvakanaka mari yaanopiwa kuti ashandise kuchikoro.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Wana uchenjeri, wana kunzwisisa. . . . Hukoshese kwazvo.”​—Zvirevo 4:5, 8.

Amai vari kubatsira mwana wavo kuita homuweki

Zano: Batsirai mwana wenyu kuita homuweki, asi musabva mamuitira homuweki yacho. Andrew anoti, “Mwanasikana wedu akanga ava kutomirira kuti timuitire homuweki yake, asingachashandisi pfungwa dzake.” Dzidzisai mwana wenyu kuti azviitire ega homuweki yake.

Millicent

“Kana mwana wangu akafoira kuchikoro, ndinoedza kuramba ndakadzikama. Ndinomubvunza kuti zvii zvakaitika uye kuti angagadzirisa sei. Ndinoedza kuyeukawo kuti neni ndaimbofoirawo kuchikoro.”—Millicent.

Edwin

“Tinoedza kubatsira vana vedu kubvira pavanongovhura chikoro gore richitanga. Vamwe vabereki vanozoona kuti mwana wavo ane dambudziko kana achinge azofoira. Rinenge ratova basa rakakura kuzvigadzirisa.”—Edwin.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe