RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 88
  • Chii Chingandipa Shungu Dzekuekisesaiza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chingandipa Shungu Dzekuekisesaiza?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei ndichifanira kuekisesaiza?
  • Chii chiri kunditadzisa kuekisesaiza?
  • Chii chingandibatsira kuti ndiekisesaize?
  • Usanyanyisa
  • Zano 3 Gara Uchiita Maekisesaizi
    Mukai!—2011
  • Nei Ndichifanira Kuchengetedza Utano Hwangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Utano Hwakanaka—Chii Chaunogona Kuita Pamusoro Pahwo?
    Mukai!—1990
  • Kudzivirira Kwaungaita Utano Hwako
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 88
Mukomana anosimuka pacheya obva atanga kumhanya

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Chii Chingandipa Shungu Dzekuekisesaiza?

  • Nei ndichifanira kuekisesaiza?

  • Chii chiri kunditadzisa kuekisesaiza?

  • Chii chingandibatsira kuti ndiekisesaize?

  • Usanyanyisa

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Nei ndichifanira kuekisesaiza?

Mune dzimwe nyika, vechidiki vari kuita nguva shoma vachiekisesaiza kana kuita zvimwe zvinhu zvinoda kushandisa simba, uye izvozvo zviri kukanganisa utano hwavo. Bhaibheri rinototaura kuti “kusimbisa muviri kunobatsira.” (1 Timoti 4:8) Funga nezvezvinhu zvinotevera:

  • Kuekisesaiza kunokubatsira kuti ufare. Kana ukaita zvinhu zvinoda kushandisa simba, pfungwa dzako dzinobva dzabudisa mahomoni anoita kuti unzwe wakadekara uye uchifara. Vamwe vanoti kuekisesaiza utori mushonga unorapa kushungurudzika mupfungwa.

    “Kana ndikati ndichingomuka ndoenda kunomhanya, ndinokwanisa kuita zvakawanda uye ndinoswera ndichifara. Kumhanya kunoita kuti ndisasuruvara.”—Regina.

  • Kuekisesaiza kunoita kuti uve nechimiro chakanaka. Kuekisesaiza zvine mwero kuchaita kuti muviri wako usimbe, uve neutano uye hauzozvitarisiri pasi pane vamwe.

    “Iye zvino ndiri kufara kuti ndava kukwanisa kuita ekisesaizi inonzi chin-up ka10, asi gore rakapera ndaisatombokwanisa kuiita kunyange kamwe chete! Chinonyanya kundifadza ndechekuti ndiri kuchengetedza muviri wangu.”—Olivia.

  • Kuekisesaiza kunogona kuwedzera makore ekurarama. Kugara uchiekisesaiza kunobatsira kuti mwoyo nemapapu zvishande zvakanaka. Maekisesaizi anoita kuti ufemeruke anobatsira kuti usabatwa nechirwere chemwoyo, icho chiri kunyanya kuuraya vanhu.

    “Kana tikava nepurogiramu yekuekisesaiza, tinoratidza Musiki wedu kuti tinotenda muviri waakatipa.”—Jessica.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kuekisesaiza kunokubatsira pazvinhu zvakasiyana-siyana uye kunokubatsirawo kuti uzova neutano hwakanaka mune ramangwana. Mumwe musikana anonzi Tonya anoti: “Hauzombofi wakazvidemba uchiti ‘Dai hangu ndisina kuenda kunomhanya.’ Pese pandinozvipa nguva yekuekisesaiza, handimbozvidembi.”

Mukomana ari kutarisa injini yemota yafa

Mota isingachengetwi zvakanaka inopedzisira yafa; ndizvo zvinoitikawo kumuviri wedu kana tikasaekisesaiza

Chii chiri kunditadzisa kuekisesaiza?

Zvimwe zvinhu zvingakutadzisa ndeizvi:

  • Kushaya chido. “Kana uri wechidiki unenge uchinzwa sekuti hapana chinondiwana. Haumbofungi kuti pane paungazova nedambudziko reutano. Unofunga kuti ndezvevanhu vakwegura.”—Sophia.

  • Kushaya nguva. “Ndinogara ndakabatikana, ndinofanira kuwana nguva yekudya nekurara, asi zvakaoma kuwana nguva yekuekisesaiza.”—Clarissa.

  • Kushaya mari yekubhadhara gym. “Zvinodhura kuti uekisesaize, unofanira kutobhadhara mari yegym!”—Gina.

Zvekufunga nezvazvo:

Chii chinonyanya kukutadzisa kuekisesaiza? Zvinotoda kushanda nesimba kuti ubudirire, asi unenge washandira zviripo.

Chii chingandibatsira kuti ndiekisesaize?

Zvimwe zvinogona kukubatsira:

  • Iwe pachako ndiwe unofanira kuchengetedza utano hwako.—VaGaratiya 6:5.

  • Usapa tuzvikonzero. (Muparidzi 11:4) Semuenzaniso, haufaniri hako kutoenda kugym kuti utange kuekisesaiza. Tsvaga zvimwe zvinhu zvinosimbisa muviri zvaunofarira wogara uchizviita.

  • Bvunzawo vamwe unzwe zvavari kuita.—Zvirevo 20:18.

  • Ronga mazuva uye nguva yekuekisesaiza. Iva nechinangwa uye nyora pasi zvaunenge wagona kuti urambe uine chido chekuekisesaiza.—Zvirevo 21:5.

  • Tsvaga munhu wekuekisesaiza naye. Acharamba achikukurudzira uye achikubatsira kuti usarega.—Muparidzi 4:9, 10.

  • Pane zvinhu zvinogona kukudzosera kumashure, asi usazvibvumire kuti zvibve zvakunetesa.—Zvirevo 24:10.

Usanyanyisa

Bhaibheri rinoudza munhu wese kuti ‘aite zvinhu nemwero.’ (1 Timoti 3:2, 11) Saka usanyanyisa paunenge uchiekisesaiza. Kana ukanyanyisa vamwe vanozokuona semunhu anozvida zvakanyanya. Mumwe musikana anonzi Julia anoti, “Kana mukomana aine mamhasuru, asi asina njere, hapana chekuyemura paari.”

Ngwarirawo kufurirwa. Vamwe vanonamira pamadziro mapepa anenge akanyorwa mashoko ekukurudzira akadai seekuti “Paunonzwa sekuti waparara, chibva wadzokorora futi ka10.” Izvozvo zvinogona kukukuvadza uye kuita kuti usaise pfungwa dzako ‘pazvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe’ muupenyu.—VaFiripi 1:10.

Kuwedzera pana izvozvo, mazano akadaro anogona kutoita kuti uore mwoyo. Mumwe musikana anonzi Vera akati: “Vasikana vakawanda vanochengeta mapikicha evanhu vane miviri yavanoda, kuti varambe vaine chido chekuekisesaiza. Asi pavanozvienzanisa nevanhu vakadaro, vanopedzisira vaora mwoyo. Zviri nani kuva nechinangwa chekuva neutano hwakanaka pane kungofunga nezvechimiro chako.”

Zvinotaurwa nevezera rako

Yasmine

“Ndinofarira kumhanya nekuti kunondibatsira kuti ndisaita stress. Kumhanya kunoitawo kuti mwoyo wangu upombe ropa nekukurumidza, zvobva zvandibatsira kupisa mafuta mumuviri. Kumhanya kunoita kuti ndinzwe ndiine simba, uye handizozvitarisi pasi.”—Yasmine.

Joel

“Ndinofarira kuekisesaiza ndichitamba mitambo, kunyanya basketball. Ndikangotanga kutamba handitozombooni sekuti ndiri kuekisesaiza. Zvinoda nguva kuti uzogona kutamba mutambo uye kuti ukunakidze, asi unenge uchishandira zviripo.”—Joel.

Lily

“Kukwira makomo kunondibatsira chaizvo. Ndingati kunondibatsira kuti ndisimbise muviri uyewo kuti ndisaita stress. Sezvinoita vakawanda, ndine zvinondidya mwoyo, asi pandinenge ndiri kunze ndichiona zvinhu zvakasikwa, pfungwa dzangu dzinova panzvimbo imwe chete uye ndinonzwa ndiine simba. Izvi hazviwanzoitiki munyika ino ine vanhu vane zvakawanda zvekuita.”—Lily.

Miles

“Zvinhu zvakawanda zvinoita kuti kuekisesaiza kuite sekwakaoma hazvimbondikanganisi kana ndikasafunga nezvazvo. Semuenzaniso, pandinotamba basketball, ndinenge ndichifunga nezvekutamba kwete kungofunga kuti ndaneta. Kutamba basketball kunotondibatsirawo kuti ndiwane shamwari.”—Miles.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe