RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbv nyaya 46
  • 1 VaKorinde 10:13—“Mwari Akatendeka”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 VaKorinde 10:13—“Mwari Akatendeka”
  • Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorehwa na1 VaKorinde 10:13
  • Mashoko akapoteredza 1 VaKorinde 10:13
  • Kukunda Kuneta Kwokuberekwa Nakwo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Muedzo
    Mukai!—2017
  • “Kuti Murege Kupinda Mumuedzo”
    Rambai Makarinda!
  • 2 VaKorinde 12:9—“Nyasha Dzangu Kwauri Dzakakwana”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
Ona Zvimwe
Kutsanangurwa Kwemavhesi
ijwbv nyaya 46

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

1 VaKorinde 10:13—“Mwari Akatendeka”

“Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu. Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.”—1 VaKorinde 10:13, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

Zvinorehwa na1 VaKorinde 10:13

Vhesi iyi inoratidza unhu huna Mwari hunoita kuti timude. Unhu ihwohwo kutendeka. Vashumiri vaMwari vakavimbika vane chokwadi chekuti anogona kuvabatsira, kunyanya pavanosangana nematambudziko kana kuti miedzo.

“Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu.” Vashumiri vaMwari vanogona kuedzwa kuita zvinhu zvisingamufadzi. Kunyange zvazvo miedzo yakadaro yakaoma, haisi chinhu chitsva nekuti variko vakawanda vakatombosangana nayo. Saka vashumiri vaMwari vanogona kuva nechokwadi chekuti naivowo vanogona kuikunda.

“Mwari akatendeka.” Jehovhaa Mwari akavimbika uye tinogona kuvimba naye. Agara achizadzisa zvaakavimbisa zvekuti haazombosiyi vese vanomuda uye vanoramba vakavimbika kwaari vachimuteerera. (Dheuteronomi 7:9; Pisarema 9:10; 37:28) Saka vaya vanomunamata vanogona kuva nechokwadi chekuti achazadzisawo zvimwe zvinhu zviviri zvaakavimbisa zvinotaurwa muvhesi iyi.

“Haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira.” Mwari anoratidza kuti akavimbika nekusabvumira miedzo kuti inyanye kuoma zvekuti munhu haakwanisi kuitsungirira. Anoziva zvinogonekwa nezvisingagonekwi nemushumiri wake mumwe nemumwe.—Pisarema 94:14.

“Pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” Mwari anogona kubvisa muedzo wacho kana kupa vashumiri vake zvavanoda kuti vakwanise kuutsungirira. Semuenzaniso, anogona kutibatsira nekutipa mweya mutsvene, kutinyaradza achishandisa Bhaibheri kana kuti kushandisa vamwe vatinonamata navo kuti vatibatsire.—Johani 14:26; 2 VaKorinde 1:3, 4; VaKorose 4:11.

Mashoko akapoteredza 1 VaKorinde 10:13

Vhesi iyi iri mutsamba yakanyorwa naPauro kuungano yevaKristu yekuKorinde. Ava kunopedza tsamba yake, akataura zvakaitika kuvaIsraeri achiyambira vaKorinde nezvezvinhu zvavaifanira kungwarira. (1 VaKorinde 10:11) Pauro akataura miedzo yakawanda yakasangana nevaIsraeri, kusanganisira muedzo wekunamata zvidhori uye wekuita upombwe. (1 VaKorinde 10:6-10) Vamwe vaIsraeri vakakundwa nemiedzo iyi. Pauro akashandisa zvakaitika kuvaIsraeri kuyeuchidza vaKristu kuti vasazvivimba vachifunga kuti havambofi vakakundwa nemiedzo. (1 VaKorinde 10:12) Asi akazoenderera mberi nekuvasimbisa nemashoko ari pana 1 VaKorinde 10:13. Vashumiri vaMwari vakavimbika vanokwanisa kukunda chero muedzo wavangasangana nawo.

Verenga 1  VaKorinde chitsauko 10 muBhaibheri rekudzidza reChirungu reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Bhaibheri iri riri nyore kuverenga rine zvakarekodwa, manotsi anotsanangura mavhesi, mapikicha, mavhidhiyo, mamepu uye rinoratidza mamwe mavhesi anoenderana nearimo.

Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku ra1 VaKorinde.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe