RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfs nyaya 20
  • Ndinofara Kuti Ndakasarudza Basa Rakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofara Kuti Ndakasarudza Basa Rakanaka
  • Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzadzisa Zvinangwa Zvedu
  • Basa Rakaoma
  • Papua New Guinea—Nyika Ine Zvinhu Zvakasiyana-siyana
  • Zvizhinji Zvekuita kuAustralia
  • Kutsunga Kuita Ushumiri Hwedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Dzidzo Yave Ichienderera Kwoupenyu Hwangu Hwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Jehovha Akandidzidzisa Kuita Kuda Kwake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Haana Kumbondisiya Ndiri Ndega”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
lfs nyaya 20
Warren naLeann Reynolds.

WARREN REYNOLDS | NYAYA YEUPENYU

Ndinofara Kuti Ndakasarudza Basa Rakanaka

Taive tiri munzvimbo iri kwayo yega nechekumusoro kweAustralia, tiine dzimwe hama nehanzvadzi tichidziya moto. Taikurukura hedu nezvekukomborerwa kwataiitwa naJehovha. Aka kainge kasiri kekutanga kuita izvi. Taigara tichizviita tiri mune dzimwe nyika tiine vanhu vaitaura mitauro yakasiyana-siyana. Pandaitarisa mudzimai wangu tiri pamoto ipapo, ndainyatsoona kuti ari kufara. Ini nemudzimai wangu tashumira Jehovha pamwe chete munzvimbo dzandaisambofungidzira kuti ndingadzisvika. Asi pane zvimwe zvinhu zvakaitika ndichiri mudiki, zvingadai zvakanditadzisa kuita basa iri. Regai ndikuudzei nezveupenyu hwangu.

Ndakakurira muAustralia kumamisha. Vabereki vangu nambuya nasekuru vangu, vekwaamai nevekwababa, vese vakadzidza Bhaibheri kuma1950. Ndakatanga kuparidza pandaiva nemakore 6 uye ndakabhabhatidzwa ndava nemakore 13. Ndaiwanzoita upiyona hwebetsero pamazororo ekuchikoro. Ndaida Jehovha uye ndaida kumushumira kweupenyu hwangu hwese.

Ndiine vabereki vangu nevanin’ina vangu 4

Pandakanga ndava nemakore 15, vanhu vaindidzidzisa mitambo kuchikoro vakaona kuti ndainge ndiri shasha chaiyo. Izvi zvakaita kuti vamwe vanhu vainge vabva kusangano raiona nezvemutambo werugby vauye vachindiudza kuti vaizondibhadharira mari yechikoro kana ndikavatambira. Kapfungwa kekuda kuzova shasha yemutambo werugby kakambondibata, asi ndakanga ndatozvitsaurira kuna Jehovha. Baba vangu vakandikurudzira kuti nditange ndafungisisa nezvekuzvitsaurira kwandainge ndaita ndisati ndasarudza zvandaizoita. Ndizvo chaizvo zvandakaita uye ndakaona kuti ndaisakwanisa kuita zvese, saka ndakaramba kubhadharirwa mari yacho yechikoro. Papera mwedzi yakati kuti, sangano rezvemitambo reAustralian Institute of Sport riri muCanberra rakatiwo raida kundibhadharira mari yechikoro, ndichidzidzira kumhanya madaro akareba zvekuti ndaizokwanisa kunomiririra Australia mumitambo yeCommonwealth kana kuti yemaOlympic. Asi ndaida Mwari chaizvo uye ndainyatsoda kurarama maererano nekuzvitsaurira kwandakaita kwaari, saka ndakaramba zvakare.

Ndichangopedza chikoro ndakatanga kupayona, icho chaiva chinangwa changu kwemakore. Asi zvinhu zvainge zvakaoma mumhuri medu tichishayiwa mari yekurarama nayo. Saka ndakambomira kupayona ndikabva ndatanga kushanda mazuva ese papurazi ndiri mutyairi. Ndakanga ndava kuda kusvitsa makore 20 uye ndaigara ndega. Ndakapedzisira ndava kungonamatawo zviya zvekungoti ndizvo zvandinofanira kuita. Zvakanga zvisingachandinakidzi, uye ushamwari hwangu naJehovha hwakanga husisina kusimba. Ndakatanga kushamwaridzana nevanhu vaidhakwa uye vaiita upombwe, uye ndaidawo kuita zvavaiita. Ndakanga ndisisakoshesi ushamwari hwangu naJehovha, ndava kuita zvinhu zvekuzvifadza kwenguva pfupi.

Ndakaona kuti ndaifanira kuchinja mararamiro andaiita, saka ndakatamira kune rimwe guta, kure nevanhu vandaishamwaridzana navo. Ushamwari hwangu naJehovha hwakatanga kusimba uye ndakaronga kuti nditangezve kupayona. Ndakazoonana nemumwe musikana aipayona ainzi Leann McSharry. Ainge akakurira kumamisha uye aiva munhu anonyara. Takatanga kushamwaridzana uye takanyatsotaura nezvezvinangwa zvedu izvo zvaisanganisira basa reumishinari. Takachata muna 1993, uye taida kuti Jehovha atitungamirire muupenyu hwedu.

Kuzadzisa Zvinangwa Zvedu

Gore iroro, ndakabva ndatangawo kupayona. Taida kurarama upenyu husina twakawanda-wanda uye tisingaiti zvikwereti, saka takatenga mota yekudhara yataifamba nayo uye tichiishandisawo seimba. Kwemakore 6, taienda kwese kwatainzi tiende nesangano raJehovha, uye taiita mabasa akasiyana-siyana kuti tiwane mari yekurarama nayo. Taiparidza neungano diki dzaiva munzvimbo dziri kwadzo dzega muQueensland. Nzvimbo dzacho dzinopisa uye dzakakura zvekukura zviya. Kakawanda taiwanzotsvaga nzvimbo dzekuitira misangano musango kana kuti mumacommunity hall emunharaunda idzi. Tainakidzwa asi taingozvibvunza kuti, ‘Zvii zvimwe zvatingaitira Jehovha?’ Mhinduro yacho haina kumbononoka.

Musangano watakaitira musango tichiparidza munzvimbo iri kwayo yega muAustralia

Sangano raJehovha rakatikumbira kuti tinoita basa reumishinari kune imwe nyika. Asi takanzwa tisina kukodzera kuita basa iri uye taityira kuti taisazova mamishinari akanaka sezvo tainge tisina kuenda kuChikoro cheGiriyedhi. Tainakidzwa neushumiri, asi sezvo taisava nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda munzvimbo dzataishumira tiri, taiona sekuti taisanyatsogona kudzidzisa.

Takaudza Hama Max Lloyd, avo vaiva muDare reBazi, zvese zvaitinetsa.a Vakatiudza kuti kana tikangoratidza kuti tinoda kushanda kunyange tichiona sekuti hatikodzeri, Jehovha achatibatsira kuti tikwanise kuita chero zvaanenge ati tiite. Takanzwa setarayirwa nababa chaivo zvekuti takabvuma kuenda kubasa redu idzva kuSri Lanka.

Basa Rakaoma

Muna 1999, takasvika muColombo, guta guru reSri Lanka. Kwainge kwakasiyana chaizvo nekuAustralia. MuSri Lanka maiva nevanhu vakawandisa, marudzi airwisana, urombo, vanhu vaipemha, uye mitauro yainge yakaoma. Kunyange zvakadaro, maiva nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu uye maivawo nevanhu vakawanda vaida kuziva nezvaJehovha.

Takanzi tiende kunoshanda kuKandy, guta rakanaka rainge rakapoteredzwa neminda yetii uye masango aiva nemiti yakasvibirira. Guta racho rakazara temberi dzechiBhudha. Vanhu vakawanda vemunzvimbo iyi vaisatomboziva kuti kune Musiki ane rudo. Ungano yedu yaiva nevanhu vaitaura chiSinhala uye chiTamil uye taiita misangano yeungano tichishandisa mitauro yacho iri miviri. Kudzidzira chiSinhala kwainge kwakaoma, asi ungano yedu nevanhu vataidzidza navo Bhaibheri vaifara chaizvo nezvataiedza kuita, uye vaifa havo nekuseka pataikanganisa.

Ndichipa hurukuro kuSri Lanka ichiturikirwa muchiSinhala nechiTamil

Asi kudzidza mutauro handiko kwainge kwakanyanya kutiomera. Kekutanga muupenyu hwedu, takarwiswa nevanhu vaipikisa chokwadi. Mumwe musi, rimwe boka revanhu vainge vakaita kuguta nehasha rakatiunganira. Vamwe vakapisa mabhuku edu uye vamwe vakarova ini neimwe hama. Izvi pazvaiitika, takanyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire kuramba takadzikama uye kuti atiyeukewo kana tikafa. Takafara chaizvo vanhu vacho pavakangoerekana vaenda. Takabuda munharaunda iyoyo tichitya, asi tichitenda Jehovha kuti ainge atichengeta.

Nekufamba kwenguva, takatanga kunzwa sekuti kuSri Lanka ndiko kwainge kwava kumba kwedu chaiko. Kunyange zvazvo hondo yakaita kuti vanhu vaiva munyika vasabatane, tainakidzwa nekuona kuunza kwaiita Jehovha vanhu vaida chokwadi kumhuri yake yakabatana. Tine zvinhu zvakawanda chaizvo zvinotifadza zvatinoyeuka zvakaitika pachitsuwa ichi chakazonaka. Asi pashure pemakore maviri chete, hurumende yakafurirwa nevatungamiriri vezvitendero, ikabva yaita kuti mamishinari akawanda abude munyika yacho.

Mavhiki akazotevera acho ainge akaoma. Tainetseka kuti tichaenda kupi. Dare Rinotungamirira rakabva rati tiende kuPapua New Guinea. Takasvika muguta guru reko rinonzi Port Moresby, muna September 2001.

Papua New Guinea—Nyika Ine Zvinhu Zvakasiyana-siyana

Papua New Guinea iri pedyo chaizvo neAustralia, asi mararamiro evanhu vemunyika idzi uye tsika dzavo zvakatosiyana chaizvo. Taifanira kutochinja zvekare kuti tijairane nenyika iyi. Takadzidza chiTok Pisin, unova ndiwo mutauro unotaurwa zvakanyanya pamitauro inodarika 800 yeko!

Pashure pemakore matatu tiri muguta rePopondetta, takanzi tiite basa remudunhu. Hatina kumbobvira tafungira kuti Jehovha aizotipa basa iri. Ndakanga ndagara ndichiyemura chaizvo zvinoitwa nevatariri vanofambira pakutungamirira, pakudzidzisa, uye kukura kwavakaita mune zvekunamata, asi ndainzwa ndisina kukodzera kushumira ungano ndichiita basa iroro. Ndaingonzwa hangu ndichida kuita basa reumishinari. Handina kumbobvira ndafunga nezvekuva mutariri wedunhu. Nanhasi zvichiri kundishamisa kuti Jehovha akaita kuti ndiite basa iri rinokosha.

Warren achiitisa musangano kuboka riri kwaro rega muPapua New Guinea.

Patainge tashanyira boka raiva kwaro rega muDunhu reWest Sepik, kuPapua New Guinea

Warren achinyora mishumo akavhenekerwa nechiedza cherambi.

Ndichinyorera bazi zvatainge tasangana nazvo patakashanyira boka raiva kwaro rega muPapua New Guinea

Pataishanyira ungano dzemumaguta, taiwanzova nemagetsi nemvura uye imba yekurara yaiva nemubhedha. Asi pataienda kumamisha taisava nezvese izvi. Tairara mudzimba diki dzeuswa, taibikira panze nemoto, uye taigezera kurwizi. Asi kana makarwe ari pedyo, taichera mvura nemabhaketi tonogezera kumba.

Basa remudunhu raitoda simba rakawanda kupfuura mamwe mabasa ese atakamboita. Asi taiva nechokwadi chekuti kana ‘tikaenda nesimba rataiva naro,’ Jehovha aizotikomborera. (Vatongi 6:14) Zvaisava nyore kusvika kuungano uye kumapoka akawanda ataishanyira nekuti ainge ari kure nekure. Taifanira kufamba nemumasango akakura, munzvimbo dzine mvura kana kuti mumakomo. Taifamba nemotokari, zvikepe, ndege, uye pamwe pacho taifamba netsoka kuti tishanyire hama nehanzvadzi dzedu.b

Leann achifamba nepadanda rakatetepa achiyambuka rwizi.

Leann anogara akagadzirira zvese zvaanogona kusangana nazvo mubasa rekuparidza

Kuti tishanyire ungano yaiva pedyo nebhodha reIndonesia, takatyaira kwemakiromita anopfuura 350, tichifamba nemumigwagwa isina tara munzvimbo dzakawanda. Parwendo irworwo, kanopfuura ka200 takayambuka nzizi neturukova, uye makawanda macho maisava nemabhiriji. Mumakore iwayo, taiita maawa akawanda tichisunda nekubvisa motokari mumadhaka kuti tisvike kuhama dzedu. Pataisvika, taitambirwa nemufaro uye vainge vatotibikira chikafu.

Mapikicha: 1. Vaparidzi vatatu vari kusunda mota yaanaWarren yanyura mumadhaka. 2. Pave paya Leann nevamwe vaparidzi vamira padivi pemota hembe dzavo dzakazara madhaka.

Kufamba nemumigwagwa muPapua New Guinea kwainge kwakaoma

Pataienda munharaunda dzemakomo netundege tudiki, kakawanda mutyairi aitofanira kutsvaga panenge pasina makore akawanda kuti akwanise kuona pekumhara. Ndege yacho yaizodzika zvishoma mutyairi achitarisa kuti paari kuda kumhara hapana vana kana kuti mhuka here. Taibva tagadzirira kumhara pamusoro pegomo rakareba mamita anopfuura 2 100, uye painge paine madhaka uye pasina kuti sandara. Kuti tizobva munharaunda idzi dzaiva kwadzo dzega, dzimwe nguva zvaisava nyore. Pamwe pacho pakanga pasina zvekutoita kunze kwekushandisa kandege kaisimuka kachibva mumugwagwa usina kukura, uye nechekwaiperera mugwagwa wacho kwaiva nemawere.c

Dzimwe nguva taikwira makomo kana kufamba nemunzvimbo dzaijenga mvura apa kuchipisa zvekupisa zviya, takabereka mabhegi akazara mabhuku nezvimwewo zvekushandisa. Kufamba kwataiita nehama nehanzvadzi dzedu kwaitipa mikana yekuti tikurudzirane, uye tainakidzwa zvedu tichiseka.

Warren achityaira chikepe chakazara nevaparidzi.

Tiri murwizi runonzi Keram, ruri muPapua New Guinea, tichienda kunoparidza

Tinonyatsobvuma kuti zvakataurwa nemuapostora Pauro pana 1 VaTesaronika 2:8 ndezvechokwadi, apo panoti: ‘Sezvo taikudai zvikuru, taidawo kutokupai upenyu hwedu pachedu, nekuti taikudai chaizvo.’ Hama nehanzvadzi dzedu dzainge dzakagadzirirawo kuita zvimwe chete kwatiri, kunyange kutofa vachitidzivirira pavanhu vaiva nezvombo. Leann akamboda kukuvadzwa nemumwe murume aiva nezibanga. Ndakatadza kumubatsira nekuti ndaisava pedyo. Imwe hama yakabva yamira pakati paLeann nemurume wacho. Hama yacho haina hayo kuzonyanya kukuvadzwa nekuti vamwe vanhu vakamhanya kunobata murume iyeye ainge akagumbuka. Jehovha aitibatsira zuva nezuva munyika iyi yaiva nevanhu vaiwedzera kuita zvakaipa achiitira kuti tirambe tichisimbisa hama nehanzvadzi dzedu idzi.

KuPapua New Guinea hakuna zvipatara zvakawanda, saka zvainge zvakaoma kuti tirambe tiine utano hwakanaka. Muna 2010, Leann akarwara zvekuti akapotsa afa, saka takatozoenda nendege kuAustralia kuti anokurumidza kurapwa. Jehovha akatibatsira kuti tirambe takadzikama. Vanachiremba vakazowana mushonga wakamubatsira. Mumwe chiremba akati: “Manga muchishandira Mwari. Iye zvino ndiye ava kukushandirai.” Pashure pemwedzi yakati wandei, takazodzokera kubasa redu.

Mepu yeAustralia uye dzimwe nyika dziri pedyo dzinosanganisira Sri Lanka, Indonesia, Papua New Guinea, uye Timor-Leste. Mepu yeAustralia ichiratidza Northern Territory uye nharaunda dzinoti Western Australia, Queensland, neNew South Wales.

Zvizhinji Zvekuita kuAustralia

Gore rakatevera, taifanira kugara tichidzoka kuAustralia naLeann kuti anoonekwa navanachiremba. Saka muna 2012, bazi rakazotiti tigare kuAustralia tichiona nezveutano hwedu. Zveutano hwedu handizvo zvainge zvakanyanya kutiomera. Taiomerwa nekubvuma zvainge zvavapo uye kuramba tichifara. Tairwadziwa nekusiya basa redu uye hama dzedu nehanzvadzi dzataida chaizvo. Tainzwa sekuti tainge takundikana uye takanga tisisabatsiri kuna Jehovha. Tainge tava nemakore akawanda tisiri muAustralia, saka zvaitiomera kutangazve kugaramo. Taida chaizvo kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzedu panguva iyi yakaoma.

Leann paainge ava kunzwa zviri nani, takashumira semapiyona chaiwo muWollongong, kumaodzanyemba kweSydney, New South Wales. Pashure perinenge gore, takafara chaizvo patakakokwa kuChikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana (chava kunzi Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo). Patakapedza chikoro, takabva tanzi tiite basa remudunhu nebazi reAustralasia. Mumakore achangopfuura, takashanyira ungano nemapoka mumaguta makuru, maguta madiki ari mugwenga, uye nharaunda dzine vanhu vanorarama nekubata hove. Iye zvino ndima yatiri kushanda inosanganisira nharaunda yakaita gwenga iri nechekuchamhembe kweAustralia uye Timor-Leste yese.

Warren naLeann vachiparidzira mumwe murume pamahombekombe.

Tichiparidza kuTimor-Leste

Mudzimai wangu chipo chakazonaka chandakapiwa naJehovha. Anonditsigira chaizvo uye anogara akaisa pfungwa dzake pazvinhu zvekunamata. Pasinei nekushumira kwataiita mumamiriro ezvinhu akaoma, haana basa raakamboramba kuita. Kana mumwe munhu akamubvunza kuti chii chinomubatsira kuti akunde matambudziko aanosangana nawo, Leann anoti, “Ndinoudza Jehovha zvese.” Paanoverenga Shoko raMwari, anobvumira kuti Jehovha amudzidzise zvaanofanira kuita, kuitira kuti ave nemafungiro akanaka, uye aite zvinhu zvakanaka.

Handimbozvidembi kuti ndakabvumira Jehovha kuti anditungamirire muupenyu hwangu pane kuita zvemitambo yenyika. Ndakazvionera ndega kuti zvechokwadi Jehovha anogona kutidzidzisa kuti tikwanise kuita chero zvaanenge achida kuti tiite kana tikabvuma basa raanenge atipa. Ndakadzidza kunyengetera kuna Jehovha pandinosangana nematambudziko uye pandinoda kuita zvisarudzo, ndichikumbira uchenjeri uye mweya mutsvene zuva rega rega. Baba vedu vane rudo Jehovha vakatipa upenyu hunogutsa, uye takamirira kuona zvimwe zvavanoda kuti tiite, isu “midziyo yevhu.”—2 VaKorinde 4:7.

a Nyaya yeupenyu yaMax Lloyd yakabudiswa muNharireyomurindi yaJuly 15, 2012, mapeji 17-21.

b Verenga 2011 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 129-134, kuti unzwe nezverumwe rwendo rwatakaita nechikepe tiri mudunhu.

c Verenga nyaya iri muNharireyomurindi yaMarch 1, 2010, mapeji 16-17, yakanzi “Kushanyira Hama Dzedu Dziri Munyika Yakanaka.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe