19 “‘Mupristi anofanira kuita kuti apike, uye anofanira kuti kumukadzi wacho: “Kana pasina murume akarara newe uye kana usina kutsaukira kuzvinhu chero zvipi zvazvo zvisina kuchena iwe uchiri pasi pomurume wako,+ mvura iyi inovava inouyisa kutukwa ngairege kukukuvadza.