29 Zvino Mosesi akati kuna Hobhabhu mwanakomana waReueri+ muMidhiyani, tezvara vaMosesi: “Tava kutama kuti tiende kunzvimbo yakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai iyo.’+ Handei tose, uye tichakuitirai zvakanaka,+ nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro paIsraeri.”+