14 Pane vakasara vaJudha vari kupinda kuti vagare imomo vari vatorwa, imo munyika yeIjipiti,+ hapazovi neanopukunyuka kana anopona, kunyange kuti vadzokere kunyika yaJudha kuri kuda kudzokera mweya yavo kuti vanogara;+ nokuti havazodzokeri, kunze kwevachapukunyuka.’”