Mashoko Emuzasi
c Vaya vanofunga kuti vane MCS vanofanira kutsvaka kubatsirwa nachiremba ane mukurumbira wakanaka. Zvaizova kusachenjera kutanga kuchinja kukuru, uye zvimwe kunodhura, kumararamire ako pasina kutanga waongororwa zvakakwana. Kuongororwa kungaratidza kuti kuchinja kudiki muupenyu hwako kana kuti muzvokudya kuchaderedza kunyange kubvisa zviratidzo zvokurwara.