Mashoko Emuzasi
a “Satani, pasina mubvunzo achiona Jesu soMwanakomana waMwari uye akaprofitwa kuti achamupwanya musoro (Ge 3:15), akaita zvose zvaaigona kuti aparadze Jesu. Asi, payakanga ichizivisa nezvokunambwa kwaJesu muna Mariya, ngirozi Gabrieri yakamuudza kuti: ‘Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza. Nokuda kwechikonzero ichi chichaberekwa chichanziwo chitsvene, Mwanakomana waMwari.’ (Ru 1:35) Jehovha akachengetedza Mwanakomana wake. Kuedza kuparadza Jesu paakanga ari kasvava kwakakundikana.”—Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 868, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.