Mashoko Emuzasi
a The International Standard Bible Encyclopedia inotsanangura, kuti: “Vakadzi vaisadya navaeni vechirume, uye varume vaisakurudzirwa kutaura navakadzi. . . . Kurukurirano nomukadzi munzvimbo yavose yakanga iri zvikurukuru inonyadzisa.” Mishnah yechiJudha, muunganidzwa wedzidziso dzavanarabhi, yakati: “Usataurisa navakadzi. . . . Anotaurisa navakadzi anozviunzira amene zvakaipa uye anoregeredza fundo yoMutemo uye pakupedzisira achagara nhaka yeGehena.”—Aboth 1:5.