Mashoko Emuzasi
b Kududzwa zvakananga kwaJosefa kwokupedzisira kwaiva apo Jesu aiva namakore 12 akawanikwa mutemberi. Hapana panotaurwa nezvokuvapo kwaJosefa pamabiko omuchato muKana, pamavambo oushumiri hwaJesu. (Johani 2:1-3) Muna 33 C.E., Jesu akanga arovererwa akati Mariya atarisirwe nomuapostora aidiwa Johani. Ndicho chimwe chinhu chingadai chisina kuitwa naJesu dai Josefa akanga achiri kurarama.—Johani 19:26, 27.