Mashoko Emuzasi
a Pane zvimwe zvisingafaniri kurega kucherechedzwa: Munacimiento yeMexico, mwana wacho anotaurwa nezvake sa“Mwana Mwari” nepfungwa yokuti Mwari pachake ndiye akauya kupasi somwana. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza Jesu soMwanakomana waMwari akazvarwa panyika; akanga asiri iye kana kuti akaenzana naJehovha, Mwari wemasimba ose. Chimbofunga nezvechokwadi cheizvi, chinoratidzwa pana Ruka 1:35; Johani 3:16; 5:37; 14:1, 6, 9, 28; 17:1, 3; 20:17.