Mashoko Emuzasi
a Apokirifa (kureva kuti, “zvakavanzika”) neZvinyorwa Zvisina Kufuridzirwa (kureva kuti, “zvinyorwa zvenhema”) zvinyorwa zvechiJudha zvakanyorwa kutangira muzana remakore rechitatu B.C.E. kusvika kuzana remakore rokutanga C.E. Mabhuku eApokirifa anogamuchirwa neChechi yeRoma Katurike semamwe emabhuku eBhaibheri akafuridzirwa, asi mabhuku iwaya anorambwa nevaJudha nevaPurotesitendi. Zvinyorwa zvisina kufuridzirwa kakawanda kacho iwedzero dzenhau dzeBhaibheri, dzakanyorwa mumazita evamwe vanhu vari muBhaibheri vakakurumbira.