Mashoko Emuzasi
a Ichitaura maererano nemashoko aPauro okuti “rudo rune mwoyo murefu [uye] rune mutsa,” nyanzvi yeBhaibheri Gordon D. Fee inonyora kuti: “Mudzidziso yaPauro izvo [mwoyo murefu nomutsa] zvinomirira mativi maviri emaonero anoitwa naMwari vanhu (cf. VaRom. 2:4). Kudivi rimwe, kushivirira kwaMwari kune rudo kunoratidzwa nokurega kwake kuratidza hasha dzake kuvanhu vanopandukira; kune rimwe racho, mutsa wake unooneka mukuratidza kwaanoita ngoni dzake kakapetwa kane chiuru. Nokudaro kurondedzera kwaPauro rudo kunotanga nokutsanangura uku kwaakaita munzira mbiri zvakaita Mwari, uyo akashandisa Kristu kuzviratidza kuti anoshivirira uye ane mutsa kune vaya vanofanirwa nomutongo waMwari.”