Mashoko Emuzasi
a Hazvingamboiti kuti titi Mefibhosheti, murume aionga uye aizvininipisa zvakadaro, akaronga zano rakadaro rokuda chinzvimbo. Pasina mubvunzo ainyatsoziva mukurumbira wokutendeka wakanga wasiyiwa nababa vake, Jonatani. Kunyange aiva mwanakomana waMambo Sauro, Jonatani nokuzvininipisa akabvuma kuti Dhavhidhi ndiye akanga asarudzwa naJehovha kuti ave mambo waIsraeri. (1 Samueri 20:12-17) Somubereki aitya Mwari waMefibhosheti uye shamwari yakavimbika yaDhavhidhi, Jonatani aisazodzidzisa mwanakomana wake muduku kuti ave neshungu dzokuda kuva mambo.