Mashoko Emuzasi
a Kuchinja kusati kwaitika muna October 1917, Russia yaishandisa karenda yekare yaJulius, asi nyika dzakawanda dzakanga dzava kushandisa karenda yaGregory. Muna 1917 karenda yaJulius yaiva iri kumashure nemazuva 13 pane yaGregory. Pashure pokuchinja, vanhu vokuSoviet vakatanga kushandisa karenda yaGregory, zvichiita kuti Russia iite zvaiitwa nenyika yose. Zvisinei, Chechi yeOrthodox yakaramba ichishandisa karenda yaJulius pamhemberero dzayo, ichiipa zita rokuti karenda “Yekare.” Unogona kunzwa kuti Russia iri kuchengeta Krisimasi musi waJanuary 7. Zvisinei, yeuka kuti January 7 pakarenda yaGregory ndiyo December 25 pakarenda yaJulius. Saka, vanhu vakawanda vokuRussia vanoronga mazororo avo seizvi: December 25, Krisimasi yoKumadokero; January 1, Gore Idzva renyika; January 7, Krisimasi yeOrthodox; January 14, Gore Idzva Rekare.