Mashoko Emuzasi
b Kazhinji Gomo reKameri rinogara rakasvibira, nokuti mwando unobva mugungwa paunokwidza gomo unowanzounza mvura uye dova rakawanda. Sezvo Bhaari ainzi ndiye anounza mvura, zviri pachena kuti gomo iri raiva nzvimbo yaikosha pakunamata Bhaari. Kameri rakanga raoma risisina miti ndiro rakava nzvimbo yakanaka zvikuru yokufumura kunamata Bhaari.