RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO

Mashoko Emuzasi

a “Mabhati zviuru zviviri” akaenzana nemarita 44 000 uye “mabhati zviuru zvitatu” akaenzana nemarita 66 000.

Nei Jesu naPetro vakabhadhara mutero wepatemberi nemari imwe chete?

Muzuva raJesu, munhurume wose wechiJudha ane makore 20 aifanira kubhadhara mutero wepatemberi wepagore wemadrakema maviri. Mari iyi yaiva yakaenzana nomubhadharo wokushanda mazuva maviri. Pakabvunzwa nezvomutero uyu, Jesu akaudza Petro kuti: “Enda kugungwa, ukande chirauro, utore hove inotanga kubuda, uye paunoshamisa muromo wayo, uchawana mari yesitateri. Tora iyoyo uvape nokuda kwangu newe.”—Mateu 17:24-27.

Nyanzvi dzakawanda dzinofunga kuti mari yesitateri iri kutaurwa pano yaiva madrakema mana. Mari iyi yaikwana kubhadhara mutero wepatemberi wevanhu vaviri. Mari yemadrakema mana yainyanya kushandiswa uye yaiva nyore kuwana kupfuura yemadrakema maviri. The New Bible Dictionary rinoti: “Zvinoita sokuti vaJudha vaigara vachibhadhara mutero wepaTemberi vari vaviri vaviri.”

Uyezve, munhu aida kubhadhara mutero womunhu mumwe chete aifanira kubhadhara imwe mari kuti mari yake ichinjwe. Mari yacho yaigona kunge yakawanda ne8 muzana. Zvisinei, vaya vaibhadharira vanhu vaviri vakanga vasingabhadhari mari iyi yaiwedzerwa. Saka kunyange papfungwa duku iyi, nhoroondo yakanyorwa naMateu inowirirana nezvaigara zvichiitwa munguva yaJesu.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe