Mashoko Emuzasi
a Kudyisa kunobva pamafungiro emunhu uye maonero aanoita zvokudya, kazhinji kacho ari okukara. Saka muviri womunhu hausiwo unoratidza kuti anodyisa, asi maonero aanoita zvokudya. Munhu angava nomuviri uri pakati nepakati, kana kuti akaonda, asi achidyisa. Uyewo, dzimwe nguva kunyanya kufuta kunenge kuri kurwara kana kuti ndezvokuzvarwa nazvo. Nyaya iri pakuti munhu wacho anonyanya kukara here, pasinei nokuti akaonda kana akafuta.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2004.