Mashoko Emuzasi
a Cherechedza kusiyana kwakaita mashoko aya nokurondedzerwa kunoitwa rwendo rwokutanga: ‘Mariya akasimuka akaenda’ kunoshanyira Erizabheti. (Ruka 1:39) Panguva iyi, somukadzi akanga avimbiswa kuroorwa uye akanga asati achata, Mariya angave akaenda asina kumbobvunza Josefa. Vaviri ava varoorana, Josefa ndiye anozotaurwa kakawanda nezvake parwendo rwavo, kwete Mariya.