Mashoko Emuzasi
a Zvinokosha kuziva kuti Jona aibva muguta rokuGarireya nokuti vaFarisi vakataura nokuzvikudza nezvaJesu kuti: “Ongorora uone kuti hapana muprofita achamutswa achibva kuGarireya.” (Johani 7:52) Vashanduri nevatsvakurudzi vakawanda vanotaura kuti vaFarisi vaingotaurawo zvavo kuti kwakanga kusina kana kuti kwaisazombomuka muprofita kubva munzvimbo yakaderera yeGarireya. Kana zvakadaro, varume ivavo vakanga vachipira makotsi kunhoroondo nouprofita.—Isaya 9:1, 2.